-
Johane Anoona Jesu Akapiwa MbiriZvakazarurwa—Mugumo Wazvo Une Mbiri Wava Pedyo!
-
-
5. (a) Ko inzwi rinodana pana Johane kuitei? (b) Neiko nzvimbo ye“ungano nomwe” yakanga yakanaka nokuda kwokutumira mupumburu wamanyoro kwadziri?
5 Mune ichi chiono chokutanga, Johane asati aona chinhu chipi nechipi, iye anonzwa chimwe chinhu: “Uye ini ndakanzwa shure kwangu inzwi guru rakafanana nerero rehwamanda, richiti: ‘Izvo zvaunoona nyora mumupumburu wamanyoro ndokuzvitumira kuungano nomwe, muEfeso nomuSmirna nomuPergamo nomuTiatira nomuSardhisi nomuFiradherfia nomuRaodhikia.’” (Zvakazarurwa 1:10b, 11) Rine chiremera nesimba sokurira kwedanidziro yehwamanda, inzwi rinoraira Johane kunyorera “ungano nomwe.” Iye aizogamuchira nhevedzano yamashoko uye kuparidza zvinhu zvaachaona nokunzwa. Cherekedza kuti ungano dzinodudzwa pano dzaivako chaizvoizvo muzuva raJohane. Idzo dzose dzaiwanwa muAsia Minor, pamhiri chaipo pegungwa kubva paPatmosi. Dzaisvikika nomutoo uri nyore kubva kune imwe kuenda kune imwe kupfurikidza nomutoo wemigwagwa yakaisvonaka yavaRoma yaivako munharaundayo. Nhume yaisazova nechinetso mukuendesa mupumburu wamanyoro kubva kune imwe ungano kuenda kune inotevera. Idzi ungano nomwe dzaizofanana nechikamu chedunhu romuzuva razvino uno reZvapupu zvaJehovha.
-
-
Johane Anoona Jesu Akapiwa MbiriZvakazarurwa—Mugumo Wazvo Une Mbiri Wava Pedyo!
-
-
[Mifananidzo iri papeji 23]
Zvisaririra zvokucherwa kwamaguta umo ungano nomwe dzaiwanwa zvinosimbisira chinyorwa cheBhaibheri. Makanga murimuno umo maKristu omuzana rokutanga ramakore akawana mashoko anokurudzira aJesu ayo nhasi anokuchidzira ungano yomunyika yose
PERGAMO
SMIRNA
TIATIRA
SARDHISI
EFESO
FIRADHERFIA
RAODHOKIA
-