Ganhuro 5
Johane Anoona Jesu Akapiwa Mbiri
Chiono 1—Zvakazarurwa 1:10–3:22
Musoro: Jesu anonzvera Israeri womudzimu pasi pano ndokupa kurudziro youshamwari
Nguva yezadziko: Ichi chinoitika chezuva raShe chinovambira muna 1914 kutozosvikira wokupedzisira wavakazodzwa vakatendeka afa uye amutswa
1. Ko chiono chokutanga chinoratidzirwa sei, uye Johane akaratidzira sei nguva yokushanda kwacho chaiyo?
CHIONO chokutanga chiri mubhuku raZvakazarurwa chinovamba neganhuro 1, ndima 10. Ichi chiono, kufanana nezvimwe zviri muna Zvakazarurwa, chinosumwa kupfurikidza nokuzivisa zvokuti Johane anonzwa kana kuti anoona chimwe chinhu chechienzi. (Zvakazarurwa 1:10, 12; 4:1; 6:1) Ichi chiono chokutanga chinopiwa munhambo yezana ramakore rokutanga umo mashoko anotaurwa kuungano nomwe dzaivapo panguva imwe cheteyo naJohane. Asi Johane anoratidzira nguva yokushanda kwacho chaiko apo iye anoti: “Kupfurikidza nefuridziro ini ndakava muzuva raShe.” (Zvakazarurwa 1:10a) Ko iri “zuva” rinovapo rini? Ko zvinoitika zvinoshamisa zvenguva ino yamasimba masimba zvine batano ipi neipi nayo here? Kana kwakadaro, tinofanira kusanongwarira uporofita, sohunotapura upenyu hwedu chaihwo—kunyange kupukunyuka kwedu.—1 VaTesaronika 5:20, 21.
Muzuva raShe
2. Ko zuva raShe rinovamba rini, uye rinoguma rini?
2 Ko ikoku kunoisa zadziko yaZvakazarurwa munhamboi yenguva? Eya, chii chiri zuva raShe? Muapostora Pauro anotaura nezvaro senguva yorutongeso neyezadziko yezvipikirwa zvoumwari. (1 VaKorinte 1:8; 2 VaKorinte 1:14; VaFiripi 1:6, 10; 2:16) Nokusvika kwe“zuva” irero, madonzo akaisvonaka aJehovha anonanga nomutoo unoenderera mberi uye nomutoo worukundo mugumo wawo. “Zuva” irero rinovamba nokupfekedzwa korona kwaJesu saMambo wokudenga. Kunyange pashure pokunge Jesu aita rutongeso panyika yaSatani, zuva raShe rinopfuurira, kupfurikidza nokudzorerwa kweParadhiso nokukwaniswa kwavanhu, kutozosvikira pakupedzisira Jesu “agamuchidza umambo kuna Mwari wake naBaba.”—1 VaKorinte 15:24-26; Zvakazarurwa 6:1, 2.
3. (a) Ko uporofita hwaDhanieri hwe“nguva nomwe” hunotibetsera sei kuona apo zuva raShe rinovamba? (b) Ndizvinoitikai pasi pano zvinosimbisa gore ra1914 samavambo ezuva raShe?
3 Zadziko yohumwe uporofita hweBhaibheri inotibetsera kuona apo zuva raShe rinovamba. Somuenzaniso, Dhanieri akarondedzera kurigwa kwoubati ushe mumutsara waMambo Dhavhidhi; pashure pe“nguva nomwe” kwaizozivikanwa “kuti Wokumusorosoro ndiye Mubati ushe muumambo hwavanhu, uye kuti iye anohupa kuno uyo waanoda.” (Dhanieri 4:23, 24, 31, 32) Zadziko huru youporofita ihwohwo yakatanga nokuitwa dongo kwoumambo hwaJudha, uko kunoratidzirwa noufakazi hweBhaibheri kuve kwakapedzwa pana October 607 B.C.E. Zvakazarurwa 12:6, 14 inoratidzira kuti nguva 3 1/2 dzinoita mazuva ane 1 260; nokudaro, nguva nomwe (dzinopeta kaviri nhamba iyeyo) dzinofanira kuva mazuva 2 520. Tichirangarira “zuva nokuda kwegore,” tinosvika pamakore 2 520 sourefu hwe“nguva nomwe.” (Ezekieri 4:6) Nokuda kwechikonzero ichecho, Kristu Jesu akavamba ubati ushe hwake hwokudenga murutivi rwapashure rwa1914. Kutanga kwehondo yenyika yokutanga mugore irero kwakaratidzira “mavambo amarwadzo enhamo” ayo akapfuurira kutambudza vanhu. Chifo cha1914, haiwa zvinoitika nomutoo unoshamisa mupasi rino rakashatswa neropa zvakabvumikisa sei gore irero kuva kutanga kwe“zuva” rokuvapo kwaJesu!—Mateo 24:3-14.a
4. (a) Ko mashoko aZvakazarurwa iwo amene anoratidzirei pamusoro peapo chiono chokutanga chinozadzika? (b) Ko zadziko yechiono chokutanga inoguma rini?
4 Nokudaro, ichi chiono chokutanga nezano rachinaro ndezvezuva raShe, kubvira muna 1914 zvichienda mberi. Uku kuverengwa kwenguva kunotsigirwa neidi rokuti, gare gare muna Zvakazarurwa, chinyorwa chinorondedzera kuitwa kwamarutongeso echokwadi naakarurama aMwari—zvinoitika umo Ishe Jesu anoita rutivi rwakatanhamara mazviri. (Zvakazarurwa 11:18; 16:15; 17:1; 19:2, 11) Kana zadziko yechiono chokutanga yakavamba muna 1914, inoguma rini? Sokuratidzira kunoita mashoko iwo amene, sangano rinotaurwa kwariri iungano yaMwari yavakazodzwa pasi pano. Zadziko yeichi chiono chokutanga inoguma, ipapoka, apo mutezo wokupedzisira wakatendeka weungano iyeyo yakazodzwa unofa uye uchimutsirwa kuupenyu hwokudenga. Hunyanguvezvo, Zuva raShe, rine zvikomborero zvinopiwa kumamwe makwai apasi, rinopfuurira kutozosvikira pamugumo woUbati Ushe hwaMakore Ane Gumi Ramazana hwaJesu Kristu.—Johane 10:16; Zvakazarurwa 20:4, 5.
5. (a) Ko inzwi rinodana pana Johane kuitei? (b) Neiko nzvimbo ye“ungano nomwe” yakanga yakanaka nokuda kwokutumira mupumburu wamanyoro kwadziri?
5 Mune ichi chiono chokutanga, Johane asati aona chinhu chipi nechipi, iye anonzwa chimwe chinhu: “Uye ini ndakanzwa shure kwangu inzwi guru rakafanana nerero rehwamanda, richiti: ‘Izvo zvaunoona nyora mumupumburu wamanyoro ndokuzvitumira kuungano nomwe, muEfeso nomuSmirna nomuPergamo nomuTiatira nomuSardhisi nomuFiradherfia nomuRaodhikia.’” (Zvakazarurwa 1:10b, 11) Rine chiremera nesimba sokurira kwedanidziro yehwamanda, inzwi rinoraira Johane kunyorera “ungano nomwe.” Iye aizogamuchira nhevedzano yamashoko uye kuparidza zvinhu zvaachaona nokunzwa. Cherekedza kuti ungano dzinodudzwa pano dzaivako chaizvoizvo muzuva raJohane. Idzo dzose dzaiwanwa muAsia Minor, pamhiri chaipo pegungwa kubva paPatmosi. Dzaisvikika nomutoo uri nyore kubva kune imwe kuenda kune imwe kupfurikidza nomutoo wemigwagwa yakaisvonaka yavaRoma yaivako munharaundayo. Nhume yaisazova nechinetso mukuendesa mupumburu wamanyoro kubva kune imwe ungano kuenda kune inotevera. Idzi ungano nomwe dzaizofanana nechikamu chedunhu romuzuva razvino uno reZvapupu zvaJehovha.
6. (a) Chii chinorehwa ne“zvinhu zviripo”? (b) Neiko tichigona kuva nechokwadi chokuti migariro muungano yamaKristu akazodzwa nhasi inofanira kuva yakafanana neiyo yaiva muzuva raJohane?
6 Huzhinji hwouporofita huri muna Zvakazarurwa hwaizozadzika pashure penguva yaJohane. Hwaireva nezve“zvinhu zvaizoitika pashure paizvozvi.” Asi zano rokuungano nomwe rinobata ne“zvinhu zviriko,” migariro yaivamo chaizvoizvo muungano nomwe panguva iyeyo. Mashoko acho aiva yamuro dzinokosha kuvakuru vakatendeka vakagadzwa vari muungano nomwe idzedzo, uyewo mune dzimwe ungano dzose dzamaKristu akazodzwa enguvayo.b Sezvo chiono chine kushanda kwacho kukuru muzuva raShe, izvo Jesu anotaura zvinozivisa nyevero yokuti migariro mimwe cheteyo inofanira kukarirwa muungano dzamaKristu akazodzwa omuzuva redu timene.—Zvakazarurwa 1:10, 19.
7. Ko Johane anoona ani mune ichi chiono chokutanga, uye neiko kuchikosha zvikuru uye kuchifadza kwatiri nhasi?
7 Mune ichi chiono chokutanga, Johane anoona Ishe Jesu Kristu anon’aima mumbiri Yake yokudenga. Chii chaigona kuva chakakodzera zvikuru nokuda kwebhuku rouporofita rine chokuita nezuva guru rouyu Ishe akatumwa nedenga? Uye chii chaigona kuva chinokosha zvikuru kwatiri, isu zvino tiri kurarama munhambo iyeyo yenguva nevanosanotetekera murairo wake uri wose? Zvakare, kunofadza sei kuvatsigiri vouchangamire hwaJehovha kuva vanosimbisirwa kuti Mbeu yoUmesiya, zvayakatsungirira miedzo yose nezvitambudzo zvakaparirwa naSatani uye zvayakatambura rufu runorwadza apo “chitsitsinho” Chayo chakapwanywa anenge makore 2 000 akapfuura, zvino imhenyu mudenga, yakapiwa simba rokusvitsa donzo rakaisvonaka raMwari kumhedziso yaro yorukundo!—Genesi 3:15.
8. Ko Jesu zvino agadzirira kuita chiitoi?
8 Kunooneka kuti Jesu zvino wagadzirira kuita chiito saMambo akagadzwa pachigaro choumambo. Iye akagadzwa soMupondi Mukuru waJehovha wokuita rutongeso rwokupedzisira rwaJehovha patsika inoyi yezvinhu yekare, yakaipa namwari wayo woudhiabhori, Satani. Iye agadzirirawo kuti atonge avo veungano yake yavakazodzwa neboka guru reshamwari dzavo, uyewo kutonga nyika.—Zvakazarurwa 7:4, 9; Mabasa 17:31.
9. (a) Ko Johane anorondedzera sei Jesu Kristu akapiwa mbiri pakati pezvigadziko zvemwenje zvendarama? (b) Chii chinoratidzirwa negadziriro yakafanana netembere nenguvo iyo Jesu anopfeka? (c) Chii chinoratidzirwa nebhanhire rake rendarama?
9 Johane anotenderuka pakunzwika kwenzwi guru, uye hezvino izvo iye anoona: “Ini ndakatendeuka kuti ndione inzwi rakanga richitaura neni, uye, ndakati ndatenderuka, ndakaona zvigadziko zvemwenje zvinomwe zvendarama.” (Zvakazarurwa 1:12) Gare gare, Johane anoziva izvo izvi zvigadziko zvemwenje zvinomwe zvinofananidzira. Asi ndiye munhu ari pakati pezvigadziko zvomwenje anomuyevedza. “Pakati pezvigadziko zvomwenje [pakanga pane] mumwe munhu akafanana noMwanakomana womunhu, akapfeka nguvo yaisvika pasi kutsoka, uye akazvisunga chipfuva nebhanhire rendarama.” (Zvakazarurwa 1:13) Jesu, “mwanakomana womunhu,” pano anozviratidzira iye amene pamberi pechapupu chinobatwa nokutya, Johane, somunhu anoukomba, anopenya. Iye anooneka mumbiri yakajeka pakati pezvigadziko zvemwenje zvendarama zvina marimi omwoto. Ichi chimiro chakafanana nechetembere chinoroverera pana Johane idi rokuti Jesu aripo mubasa roMuprista Mukuru zvikuru waJehovha, namasimba orutongeso. (VaHebheru 4:14; 7:21-25) Nguvo yake refu, inoorora inowirirana nebasa rake rouprista. Savaprista vakuru vechiJudha vekare, iye anosunga bhanhire—bhanhire rendarama pachipfuva chake apo iro rinofukidza mwoyo wake. Ikoku kunoratidzira kuti iye achaita nomwoyo wose basa rake roumwari rakagamuchirwa kuna Jehovha Mwari.—Eksodho 28:8, 30; VaHebheru 8:1, 2.
10. (a) Chii chinoratidzirwa nevhudzi rakachena sechando nameso omwoto zvaJesu? (b) Chii chiri revo yetsoka dzaJesu dzakafanana nendarira inopenya?
10 Rondedzero yaJohane inopfuurira kuti: “Zvakare, musoro wake nevhudzi rake zvakanga zvakachena samakushe machena, sechando, uye meso ake somurazvo womwoto.” (Zvakazarurwa 1:14) Vhudzi rake rakachena sechando rinoratidzira uchenjeri nokuda kwourefu hwoupenyu. (Enzanisa naZvirevo 16:31.) Uye meso ake omwoto anoratidzira kuti iye akangwara, akasvinurira, sezvaanonzvera, achiedza, kana kuti kuratidzira hasha. Kunyange tsoka dzaJesu dzinoyevedza Johane: “Uye tsoka dzake dzakanga dzakaita sendarira yakanatswa painopenya mubisiro; uye inzwi rake rakanga rakaita semvumi yemvura zhinji.” (Zvakazarurwa 1:15) Muchionocho, tsoka dzaJesu dzakafanana nendarira, inopenya, inon’anima—zvakadaro nomutoo wakakodzera nokuda kwomunhu anofamba nomutoo wokushingaira uye nechimiro chakaisvonaka pamberi paJehovha Mwari. Zvakare, kunyange muBhaibheri zvinhu zvoumwari kazhinji kazhinji zvinofananidzirwa nendarama, naizvozvo zvinhu zvohunhu padzimwe nguva zvinofananidzirwa nendarira.c Naizvozvo tsoka dzinopenya dzaJesu sendarira yakanatswa dzinotiyeuchidza nezvokuti dzakanga dzaka“naka” sei tsoka dzake apo iye akafamba pasi achiparidzira mashoko akanaka.—Isaya 52:7; VaRoma 10:15.
11. (a) Tsoka dzaJesu dzine mbiri dzinotiyeuchidza nezvechii? (b) Chii chinoratidzirwa neidi rokuti inzwi raJesu “rakanga rakaita semvumi yemvura zhinji”?
11 Zvamazvirokwazvo, somunhu akakwana, Jesu akanga ane rubwinyo rwakanga rwuchioneka kungirozi navanhu. (Johane 1:14) Tsoka dzake dzine mbiri dzinotiyeuchidzawo kuti iye anotsika-tsika pasi dzvene musangano raJehovha, umo iye ari Muprista Mukuru. (Enzanisa naEksodho 3:5.) Kupfuurirazve, inzwi rake rinonzwikazve nomutoo wokutinhira samapopomo mahombe anopopoma. Rinoorora, rinotyisa, sezvakakodzera nokuda kwouyu anoidzwa pamaruramiro kuti Shoko raMwari, uyo anouya ku“zotonga pasi rinogarwa mukururama.”—Mabasa 17:31; Johane 1:1.
12. Chii chiri revo yo“munondo unopinza, murefu unocheka kuviri”?
12 “Uye iye akanga ane nyeredzi nomwe muruoko rwake rworudyi, uye mumuromo make makanga muchibuda munondo unopinza, murefu, unocheka kuviri, uye chiso chake chakanga chakaita sezuva apo iro rinopenya musimba raro. Uye apo ini ndakamuona, ndakawira patsoka dzake sendafa.” (Zvakazarurwa 1:16, 17a) Jesu iye amene anotsanangura revo yenyeredzi nomwe chinguvana gare gare. Asi cherekedza chinobuda mumuromo make: “munondo unopinza, murefu unocheka kuviri.” Haiwa rutivi rwakakodzera sei! Nokuti Jesu ndiye uyo akagadzwa kuzozivisa rutongeso rwokupedzisira rwaJehovha pavavengi Vake. Kutaura kwokugumisira kunobuda mumuromo make kunoguma nokuurawa kwavakaipa vose.—Zvakazarurwa 19:13, 15.
13. (a) Chiso chaJesu chakajeka, chinopenya chinotiyeuchidza nezvechii? (b) Ko murangariroi wose watinowana mukurondedzera kwaJohane Jesu?
13 Chiso chinobwinya, chinopenya chaJesu chinotiyeuchidza kuti chiso chaMosesi chakabudisa mwaranzi inopenya pashure pokunge Jehovha akurukura naye paGomo reSinai. (Eksodho 34:29, 30) Yeukawo, kuti apo Jesu akashanduka chitarisiko pamberi pavatatu vavaapostora vake anenge makore 2 000 akapfuura, “chiso chake chakapenya sezuva, uye nguvo dzake dzokunze dzakajeka sechiedza.” (Mateo 17:2) Zvino, muchimiriro chechiono chaJesu mukati mezuva raShe, chiso chake nomutoo wakafanana chinoratidzira ukomba hunopenya hwouyo ave ari pamberi paJehovha. (2 VaKorinte 3:18) Kureva idi, mufungo wose unopiwa nechiono chaJohane ndouya worubwinyo rwembiri. Kubvira muvhudzi rakachena sechando, meso anobvira marimi omwoto, nechiso chinopenya kusvikira kutsoka dzinon’animira, chiono chisingaenzanisirwi choUyo zvino anogara “muchiedza chisingaswedereki.” (1 Timotio 6:16) Huchokwadi hweichi chiono hwakajeka zvikuru! Ko Johane akanyanyobatwa nokutya akaita sei? Muapostora anotiudza, kuti: “Uye apo ini ndakamuona, ndakawira patsoka dzake sendafa.”—Zvakazarurwa 1:17.
14. Ko isu tinofanira kutapurwa sei patinorava chiono chaJohane chaJesu akapiwa mbiri?
14 Nhasi, kurondedzerwa kwakajeka, kune udzame hwose kwechiono chaJohane kunozadza vanhu vaMwari nokuonga nomwoyo wose. Tatopfuura makore 90 tiri muzuva raShe, umo chiono chinopfuurira kuva nezadziko yacho inofadza. Ubati ushe hwoUmambo hwaJesu kwatiri chinhu chaichoicho, chiripo, kwete tariro yomunguva yemberi. Nokudaro, kwakakodzera kwatiri savadzorwi vakavimbika voUmambo kutarirazve mukushamisika pane izvo Johane anorondedzera mune ichi chiono chokutanga uye kuteerera nomutoo wokuzvininipisa kumashoko aJesu Kristu akapiwa mbiri.
[Mashoko Omuzasi]
a Nokuda kwetsananguro ine mashoko ose oudzame, ona bhuku rinonzi Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo? mapeji 88-92, 215-18, rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.
b Muzana rokutanga ramakore, apo ungano yaigamuchira tsamba kuno muapostora, waiva muitiro kutenderedza tsambayo kune dzimwe ungano kuti dzose dzigone kubetserekana nezanoro.—Enzanisa naVaKorose 4:16.
c Shongedzero namafenicha zvomukatikati zvetembere yaSoromoni zvakanga zvakaitwa nendarama kana kuti kutsvetererwa nayo, nepo ndarira yakanga ichishandiswa mukushongedzera ruvazhe.—1 Madzimambo 6:19-23; 28-35; 7:15, 16, 27, 30, 38-50; 8:64.
[Mifananidzo iri papeji 23]
Zvisaririra zvokucherwa kwamaguta umo ungano nomwe dzaiwanwa zvinosimbisira chinyorwa cheBhaibheri. Makanga murimuno umo maKristu omuzana rokutanga ramakore akawana mashoko anokurudzira aJesu ayo nhasi anokuchidzira ungano yomunyika yose
PERGAMO
SMIRNA
TIATIRA
SARDHISI
EFESO
FIRADHERFIA
RAODHOKIA