Ganhuro 13
Boka Guru Riri Pamberi Pechigaro choUmambo chaJehovha
1. (a) Vabatiri vaMwari vapamberi penguva yechiKristu kana kuti zvimwe vane 144 000 vasati vawana tuso yavo, chii chinofanira kuitika kwavari? (b) Asika chii chichava chinobvira kuboka guru rinorarama apo “dambudziko guru” rinorovanya?
KUNYANGE ZVAZVO vabatiri vakatendeka vaMwari kubvira kuna Abheri kusvikira kuna Johane Mubhapatidzi vakaisa kuita kuda kwaMwari pakutanga muupenyu hwavo, vose vaitofanira kufa ndokumirira rumuko. Vane 144 000 avo vachava pamwe chete naKristu muUmambo hwake hwokudenga vanofanirawo kufa ivo vasati vawana tuso yavo. Mukusiana, muapostora Johane akaratidzirwa muchiono kuti kwaizova neboka guru raizopukunyuka zvomenemene “dambudziko guru” uye, risingafi, raizova nekariro yokurarama nokusingaperi.—Zvak. 7:9-17.
Kutsauranisa “Boka Guru”
2. Chii chakaparira kunzwisisa kwakajeka kutsauraniswa kwe“boka guru” raZvakazarurwa 7:9?
2 Kwamazana amakore kutsauraniswa kweiri “boka guru” kwakanga kusinganzwisiswi. Asi kunzwisiswa kunofambira mberi kwezviporofita zvinowirirana kwakagadzirira nzira. Muna 1923 kwakacherekedzwa kuti “makwai” omumuenzaniso waJesu pana Mateo 25:31-46 na“mamwe makwai” awo iye akataura nezvao pana Johane 10:16 aiva vanhu vanorarama zvino vaizova nebanza rokugara nokusingaperi pano papasi. Muna 1931 avo vanorondedzerwa muna Ezekieri 9:1-11 kuva vanoiswa chiratidzo muhuma dzavo nomurume ano runyanga rweinki rwomunyori vakabatanidzwa na“makwai” aMateo ganhuro 25. Munguva iyeyo, muna 1935, “vazhinji zhinji zvikuru,” kana kuti “boka guru,” raZvakazarurwa 7:9-17 rakaonwa kuva rakafanana na“makwai” omumufananidzo waJesu wamakwai nembudzi. Kunyange zvazvo shure muna 1923 kwakazivikanwa kuti vamwe vanhu vakadaro vakafanana namakwai vakanga vatova kuzviratidzira vamene, kwakanga kusati kuri kutozosvikira muna 1935 apo mitezo yavo yakavamba kuwedzera nokukurumidza. Nhasi kuna mamirioni chaiwoiwo ari kutsvaka kutsauraniswa sorutivi rwe“boka guru” irero roumwari rakatenderwa ra“mamwe makwai.”
3. Neiko “kumira pamberi pechigaro” kwavo kusati kuchireva kuti ivo iboka rokudenga?
3 Avo ve“boka guru” vanotsauraniswa nemitezo ine 144 000 yaIsraeri womudzimu, yataurwa nezvayo pakuvamba vamba muganhuro rimwe chetero raZvakazarurwa. Muchiono chake Johane haana kuona “boka guru” seriri mudenga. “Kumira pamberi pechigaro choumambo” kwaro (chiGiriki: e·noʹpion tou throʹnou, “pakatarisana nechigaro choumambo”) chaMwari hakuzati kuchida kuti ivo vave mudenga. Nzvimbo yavo inongova bedzi “pakatarisana” naMwari, uyo anotizivisa kuti ari kudenga anoona vanakomana vavanhu. (Zvak. 7:9; Pis. 11:4; enzanisa Pisarema 100:1, 2 uyewo Ruka 1:74, 75 naMabasa 10:33, Kingdom Interlinear.) Nenzira imwe cheteyo, hakuzati kuri madikanwa kuti “marudzi ose” ave mudenga kuti agova pamberi pechigaro choumambo chaKristu (chaizvoizvo, “pamberi pake”), sezvinorondedzerwa pana Mateo 25:31, 32. Idi rokuti “boka guru, risino munhu aikwanisa kuverenga,” harizati riri boka rokudenga rinoratidzirwa nokuenzanisa naZvakazarurwa 7:4-8 na 14:1-4, umo chiverengero chaichoicho chaavo vanotorwa pasi kuti vagova mudenga chinoziviswa.
4. (a) Chii chiri “dambudziko guru” ravanopukunyuka? (b) Sezvinorondedzerwa pana Zvakazarurwa 7:11, 12, ndivanaani vanocherekedza “boka guru” ndokugoverana naro mukunamata?
4 Mukutsauranisa “boka guru,” Johane anonyora, kuti: “Ava ndivo vanobuda mudambudziko guru.” Ravanopukunyuka, zvamazvirokwazvo, richava dambudziko gurusa risati rakamboitika pasi pano. (Zvak. 7:13, 14; Mat. 24:21) Vapukunyuki vezuva irero rinotyisa raJehovha havazati vachizopanikira pamsoro pouyo anoparira kununurwa kwavo. Apo ivo vanoonga Mwari neGwaiana nokuda kwokuparira ruponeso rwavo, ipapo, sezvakaonwa naJohane muchiono, zvisikwa zvose zvakatendeka zviri mudenga zvichabatanidza manzwi azvo pamwe chete navo mukunamatwa kwaMwari mumwe bedzi wechokwadi, zvichiti: “Ameni! Rumbidzo nembiri nouchenjeri nokuonga norukudzo nesimba noumhare ngazvive kuna Mwari wedu nokusingaperiperi. Ameni.”—Zvak. 7:11, 12.
Vanoedzwa Pamsoro Pokukodzera Kupukunyuka
5. (a) Ko tingatema sei chiri chinodikanwa kuti tigova rutivi rwe“boka guru” richachengetwa? (b) Kupfurikidza nokupindura mibvunzo iri pakupera kwendima ino, tsanangura chinodikanwa kupukunyuka “dambudziko guru.”
5 Kuchengetwa kwe“boka guru” kunoitika mukutsinhirana nemipimo yakarurama yaJehovha amene. Zviratidziro zvakajeka zvemiitiro yokutsauranisa yaavo vachanunurwa zvakabatanidzwa munongedzero dzechiporofita dzeBhaibheri kwavari. Nokudaro kunobvirira vanoda kururama kuita zvino vachirangarira kupukunyuka. Tatokurukura nezvamagwaro anotevera. Asika zvino sanoakamuranisa, uchibetserwa namagwaro omuraudzo akarongwa, uye rangarira chaunofanira kuita kuti ugokodzera idzi rondedzero dzechiporofita.
“Mamwe makwai” anotaurwa nezvawo pana Johane 10:16
Ko kuteerera inzwi raJesu kunorevei zvomenemene kumunhu? (Johane 10:27; Mat. 9:9; VaEf. 4:17-24)
Ko tingaratidzira sei kuti tinobvuma Kristu so“mufudzi mumwe” wedu? (Mat. 23:10, 11)
“Makwai” omumuenzanisiro waJesu wamakwai nembudzi (Mat. 25:31-46)
Ko ndivanaani avo vari “hama” dzaKristu avo ivava vanoitira zvakanaka? (VaH. 2:10, 11; 3:1)
Ko ivo vanodanwa mumigariroi yakaoma kuzozvibatanidza ivo vamene nehama dzaKristu pasi pano? Uye mubasai mavanopa betsero yokuvimbika? (Zvak. 12:12, 17; Mat. 24:14; 28:19, 20)
Vanhu vanoiswa chiratidzo nokuda kwokupukunyuka nomurume anorunyanga rweinki rwomunyori (Ezek. 9:1-11)
Ko ivo vanoratidzira sei kuti havazati vachitsinhirana nezvinhu zvinonyangadza zvinoitwa muJerusarema rakafananidzirwa, kana kuti chiKristudhomu? (Zvak. 18:4, 5.)
Chii chinobatanidzwa mu“chiratidzo” chinovatsauranisa namaKristu okuedzesera ndokuvaita kuti vawanikwe nokuda kwokuchengetwa? (1 Pet. 3:21; Mat. 7:21-27; Johane 13:35)
6. Ko kurondedzera kwaJohane “boka guru” kunotibetsera sei kunzwisisa chikonzero nei iro rakachengetwa?
6 Kurondedzerwa kwe“boka guru” sokunowanwa pana Zvakazarurwa 7:9-15 kunowedzera mamwe mashoko oudzame anokosha. Mukutizivisa maonekere anoita avo ve“boka guru” pashure pe“dambudziko guru,” Magwaro anotizivisawo zvikonzero zvakaparira kuva kwavo vanochengetwa.
7. Chii chavakaita pamberi pe“dambudziko guru,” uye ikoku kunokarakadzwa sei?
7 Kunyange vachibva mumarudzi ose, ndudzi, vanhu nendimi, ivo vanoratidzirwa vakabatana “vakamira pamberi pechigaro choumambo,” vachinamata Jehovha, Uyo agere pachigaro choumambo, saChangamire weChisiko Chaposepose. Ivo vakabvumikisa kupfurikidza namararamire avo kuti ivo vatsigiri vakavimbika voubati ushe hwake. Idi rokuti ivo va“kasuka nguvo dzavo ndokudzichenesa muropa reGwaiana” rinoratidzira kuti vakaziva chinodikanwa chavo choukoshi hunoyananisira zvivi hwechibairo chaJesu seGwaiana raMwari. (Johane 1:29; 1 Johane 2:2) Mukutenda ivo vakazvitsaurira ivo vamene kuna Mwari pahwaro hwechibairo ichocho, vakaratidzira ikoku kupfurikidza noruombeko rwomumvura uye zvino vanofarikanya kumira kwakachena pamberi paMwari, sokunofananidzirwa nenguvo dzavo chena. Ivo havana kurega kuzivisa pamhene kutenda kwavo muMwanakomana waMwari. (Mat. 10:32, 33) Mukuwirirana naikoku kwose, ivo vanoratidzirwa savari mutembere yaMwari, kana kuti imba yapose pose yokunamatira, savanamati vanoitira Mwari “basa dzvene masikati nousiku.” Naizvozvo vakaita chinyorwa savatsigiri vakatendeka vokunamata kwechokwadi navazivisi voUmambo hwake.—Isa. 2:2, 3.
8. Kuti mashoko aya agotibetsera, chii chatinofanira kuita?
8 Ko mashoko ose oudzame eiyi mifananidzo echiporofita anokukodzera here? Ko pane nzira idzo unodikanirwa kutsinhiranisa upenyu hwako zvizere zvikuru madziri nezvinorondedzerwa pano here? Kana zvakadaro, ino ndiyo nguva yokukuita!
Kurarama Muparadhiso Yomudzimu
9. Ko Johane anotsanangura sei zvikomborero zvomudzimu zvinofarikanywa “neboka guru” kunyange zvino?
9 Ko iwe uri mumwe anokarira kupukunyuka sorutivi rwe“boka guru” here? Kana wakachinjira kunzira dzakarurama dzaJehovha, ipapo mukusapanikira wava kutovamba kufarikanya migariro yakapikirwa iyo yakanzi nomutoo wakakodzera paradhiso yomudzimu. Muapostora Johane akaudzwa, kuti: “Ivo havasati vachizonzwazve nzara kana kuti kunzwazve nyota, uyewo zuva harisati richizopisa pavari kana kuti kupisa kupi nokupi kunobvuraudza, nokuti Gwaiana, riri pakati pechigaro choumambo, richavafudza, uye richavatungamirira kumatsime emvura dzoupenyu. Ipapo Mwari uchapukuta musodzi uri wose pameso avo.” (Zvak. 7:16, 17) Ko ikoku kwakabvumikisa kuva kwechokwadi sei muchinoitika chako?
10. (a) Munzira yomudzimu ndokwechokwadi sei kuti “boka guru” harizati “richanzwazve nzara kana kuti nyota”? (b) Ko iwe wati wawana ikoku here?
10 Usati wauya mukutarisira kworudo kwoMufudzi Akaisvonaka, Jesu Kristu, wakanga uchinzwa nzara uye uchinzwa nyota nokuda kwokururama here? (Enzanisa Mateo 5:6.) Kana zvakadaro, chawakanga uchipanga chakanga chiri chimwe chinhu chaigona kugoverwa bedzi naJehovha kupfurikidza noMwanakomana wake. Pawakadzidza pamsoro penzira dzakarurama dzaJehovha—donzo rake rokuparadza vakaipa, asi tsitsi dzake dzakakomba mukuita kuti ruponeso rubvirire vana vaAdhama—panguva iyeyo, mukusapanikira, kwenguva yokutanga muupenyu hwako wakanzwa wagutsikana zvirokwazvo. Zvokudya zvomudzimu nezvokunwa zvinobva muShoko raMwari, sezvinoperekwa kupfurikidza nesangano rake, zvakapfuurira kukuunzira gutsikano. (Isa. 65:13, 14) Uye kana wakazvitsaurira umene kuna Mwari kupfurikidza naKristu zvino wava nedonzo chairoiro muupenyu. (Enzanisira Johane 4:32-34.) Pamberi pako pane kariro inofadza youpenyu husingagumi paParadhiso yapasi, nokuti Gwaiana “richatungamirira [“boka guru”] kumatsime emvura dzoupenyu.”
11. (a) Ko kuti ‘zuva harizati richizopisa pavari kana kuti kupisa kupi nokupi kunobvuraudza’ ndokwechokwadi munzirai? (b) Ko ikoko kunokosha sei kwauri?
11 Sa“makwai” anovimba, avo ve“boka guru” vanotaviridzwawo uye vanotungamirirwa zvakakotsekana noMufudzi Akaisvonaka. Ndokusaka, mukutaura kwokufananidzira, ‘uyewo zuva harizati richizopisa pavari kana kuti kupisa kupi nokupi kunobvuraudza.’ Ikoku hakuzati kuchireva kuti, somumwe we“boka guru,” hauzati uchizotambura chitambudzo chinobva kunyika. Panzvimbo pezvo, kunoratidzira kuti unotaviridzirwa kubva pakupisa kunobvuraudza kwokusafarira kwaMwari amene. Uye apo anonisira pasi ruparadziko rwoumwari pana vakaipa, haruzati ruchizokuparadza. Uhu ukama hunotenderwa hunogona kupfuurira nokusingaperi.—Ezek. 38:22, 23; enzanisa Pisarema 11:6; 85:3, 4.
12. Ko misodzi yakapukutwa sei pameso ako kunyange zvino?
12 Haiwa zvikonzero zvinoshamisa zvakadini zvomufaro zviri zvako kana zvomenemene uri mumwe we“boka guru” iroro! Une tariro inoshamisa yokuona vakaipa vachibviswa chose chose dzokonokei kwava kuita kuti ndangariro yako umene nomuviri zvisunungurwe zvomenemene patapuro dzose dzechivi. Asi kunyange zvino rusuruvaro runowanwa navanhu nemhaka yokuti havazivi nezvaMwari harusati ruchikuonesa nhamo. Wava kuvamba kuziva mufaro uri wavanhu bedzi vana Mwari ari Jehovha. (Pis. 144:15b) Nenzira iyoyi wava kutovamba kuwana kuzadzika kwechipikirwa, chinoti: “Mwari uchapukuta musodzi uri wose pameso avo.”
13. Chii chichawedzera kumifarwa yeparadhiso yomudzimu apo kutonga kwamakore ane chiuru kwaKristu kunoenderera mberi?
13 “Boka guru” zvarichapukunyuka mugumo wetsika ino yezvinhu, ndozvichaitawo paradhiso yomudzimu. Kana uri mumwe wavo, ipapo uchapfuurira kufarikanya mutambo womudzimu wezvinhu zvakakora apo kutonga kwamakore ane chiuru kwaKristu kunoenderera mberi. Kuziva kwako Mwari iye amene kuchakura zvikuru zvaunoona donzo rake risingakundikani richisvika kuzadzika kune mbiri. Mufaro wako uchakudziridzika zvaunogoverana mukugamuchira boka rinowedzera rinobva muna vakafa kuti rigobatanidzwa newe mukunamata kwechokwadi. Uye zvikomborero zvokunyama zvinogoverwa panguva iyeyo zvichava zvinokosha chaizvoizvo kuvabatiri vose vanovimbika vaMwari sezvazvinoonwa kuva zviratidzo zvorudo rwaJehovha iye amene.—Isa. 25:6-9; Jak. 1:17.
Kurukurirano Yehwirudzuro
● Ko Bhaibheri rinobatanidza “boka guru” nechimwe chinoitikai chechienzi, uye sei?
● Kana tichida zvomene mene kuva vanobatanidzwa mu“boka guru” rinodikanwa iroro roumwari, chii chatinofanira kuita zvino?
● Ko zvikomborero zveparadhiso yomudzimu zvinokosha sei kwauri?