Ganhuro 22
Nhamo Yokutanga—Mhashu
1. Ndivanaani vanopedzisa basa apo ngirozi dzinoridza kurira kwehwamanda, uye kurira kwehwamanda yechishanu kunozivisei?
NGIROZI yechishanu inogadzirira kuridza hwamanda yayo. Hwamanda ina dzokudenga dzatoridzwa, uye madambudziko mana akanangidzirwa kuchetatu chapasi icho Jehovha anorangarira sechine mhaka huru zvikurusa—chiKristudhomu. Mugariro wacho wechirwere chinouraya wafukurwa. Apo ngirozi dzinoridza kurira kwehwamanda, kuzivisa kwavanhu kunotevera pasi pano. Zvino hwamanda yechishanu yengirozi yodokuzivisa nhamo yokutanga, inotyisa zvikuru kunyange kupfuura yaitika kare. Iyo ine chokuita nedambudziko rinotyisa remhashu. Kutanga, kunyange zvazvo zvakadaro, ngatinzverei mamwe magwaro achatibetsera kunzwisisa iri dambudziko zviri nani zvikuru.
2. Nderipi bhuku reBhaibheri rinorondedzera dambudziko remhashu rakafanana neiro Johane anoona, uye chii chakava tapuro yaro pana Israeri wekare?
2 Bhuku reBhaibheri raJoere, rakanyorwa muzana ramakore rechipfumbamwe B.C.E., rinorondedzera denda rezvipukanana, kubatanidza nemhashu, rakafanana neiro Johane anoona. (Joere 2:1-11, 25)a Iro raizoparira kusagadzikana kukuru nokuda kwaIsraeri akatsauka pakutenda asi raizoparirawo kupfidza nokudzokera kwavaJudha vamwe navamwe kunyasha dzaJehovha. (Joere 2:6, 12-14) Apo nguva iyeyo yaizosvika, Jehovha aizodurura mudzimu wake pa“rudzi rwuri rwose rwenyama,” apo zviratidzo zvinotyisa nezviratidzo zvinokatyamadza zvaizotangira “kuuya kwezuva guru nerinotyisa raJehovha.”—Joere 2:11, 28-32.
Denda Romuzana Ramakore Rokutanga
3, 4. (a) Ko zadziko yeganhuro 2 yaJoere yakavapo rini, uye sei? (b) Ko dambudziko rakafanana nebute remhashu rakavapo sei muzana rokutanga ramakore C.E., uye kurwadzisa kwakapfuurira kwenguva refu yakadini?
3 Kwakanga kune zadziko yaJoere ganhuro 2 muzana rokutanga ramakore. Pakanga pari panguva iyeyo, paPentekosta ya33 C.E., apo mudzimu mutsvene wakadururwa, uchizodza maKristu okutanga nokuasimbaradza kutaura “zvinhu zvakaisvonaka zvaMwari” nendimi zhinji. Somuuyo, boka guru rakaungana. Muapostora Petro akataura kuvacherekedzi ivavo vanokatyamadzwa, achinokora mashoko aJoeri 2:28, 29 uye achitsanangura kuti ivo vakanga vachipupurira zadziko yakwo. (Mabasa 2:1-21) Asi hapana chinyorwa chedenda chairoiro rezvipukanana panguva iyeyo, rinoparira kusagadzikana kuna vamwe uye richiparira vamwe kupfidza.
4 Kwakanga kune dambudziko rokufananidzira mumazuva iwayo here? Hungu, zvamazvirokwazvo! Rakavapo somuuyo wokuparidzira kusingadereri kwamaKristu achangobva kuzodzwa.b Kupfurikidza nawo, Jehovha akakoka vaJudha ivavo vaizoteerera kuti vapfidze ndokufarikanya zvikomborero zvinobva kwaari. (Mabasa 2:38-40; 3:19) Vanhu vamwe navamwe vakadavidza vakagamuchira nyasha dzake kumwero wakatanhamara. Asi kuna avo vakaramba kokeroyo, maKristu omuzana rokutanga akava sebute remhashu rinoparadzanya. Kutangira muJerusarema, ivo akapararira muJudhea mose nomuSamaria. Nokukurumidza iwo akanga ava kunzvimbo iri yose, achirwadzisa vaJudha vasingadaviri kupfurikidza nokuparidzira pamhene rumuko rwaJesu, nezvose izvo ikoku kwaireva. (Mabasa 1:8; 4:18-20; 5:17-21, 28, 29, 40-42; 17:5, 6; 21:27-30) Kurwadzisa ikoku kwakapfuurira kutosvikira “zuva rinotyisa,” muna 70 C.E., apo Jehovha akaunza mauto eRoma paJerusarema kuzoriparadza. MaKristu aya bedzi ayo mukutenda akadana pazita raJehovha akaponeswa.—Joere 2:32; Mabasa 2:20, 21; Zvirevo 18:10.
Dambudziko Remhashu Mazuva Ano
5. Ko uporofita hwaJoere hwakava nezadziko sei chifo cha1919?
5 Nomutoo uno mufungo, tinogona kukarira uporofita hwaJoere kuva nezadziko yokupedzisira munguva yomugumo. Haiwa ikoku kwakabvumikisa kuva kwakadaro sei! Pakokorodzano yaVadzidzi veBhaibheri paCedar Point, Ohio, U.S.A., September 1-8, 1919, kudururwa kunocherekedzwa kwomudzimu waJehovha kwakasimbaradza vanhu vake kuronga nhimbe yemburumbwa yose yokuparidza. PamaKristu ose okuedzesera, ivo voga bedzi, vachiziva kuti Jesu akanga agadzwa pachigaro choUmambo saMambo wokudenga, vakashandisa nhamburiko iri yose mukuparidzira kwakafara mashoko akanaka iwawo. Kupupurira kwavo kusingadereri, muzadziko youporofita, kwakava sedambudziko rinorwadza chiKristudhomu chakatsauka pakutenda.—Mateo 24:3-8, 14; Mabasa 1:8.
6. (a) Ko Johane akaonei apo ngirozi yechishanu yakaridza hwamanda yayo? (b) Ko “nyeredzi” iyi inofananidzira ani, uye nei?
6 Zvakazarurwa, zvakanyorwa makore 26 pashure poruparadziko rweJerusarema, zvinorondedzerawo dambudziko irero. Zvinowedzereiko kurondedzero yaJoere? Ngatipfuurirei nechinyorwa, sechakashumwa naJohane: “Ipapo ngirozi yechishanu yakaridza hwamanda yayo. Uye ini ndakaona nyeredzi yakanga yawira pasi ichibva kudenga, uye yakapiwa kiyi yegomba rakadzika-dzika.” (Zvakazarurwa 9:1) Iyi “nyeredzi” yakasiyana neiya yapana Zvakazarurwa 8:10 iyo Johane akaona iri muchiito chokuwa. Iye anoona “nyeredzi yakanga yawa kudenga” uye iyo zvino ine mugove une chokuita nepasi rino. Iyo munhu womudzimu here kana kuti wokunyama? Mubati weiyi “kiyi yegomba rakadzika-dzika” anorondedzerwa gare gare saanokandira Satani mu“gomba rakadzika-dzika.” (Zvakazarurwa 20:1-3) Naizvozvo iyo inofanira kuva munhu ane simba womudzimu. Pana Zvakazarurwa 9:11, Johane anotiudza kuti mhashu dzina “mambo, ngirozi yegomba rakadzika-dzika.” Ndima dzose dziri mbiri dzinofanira kunongedzera kumunhu mumwe cheteyo, sezvo ngirozi yakabata kiyi yegomba rakadzika-dzika nenzira ine mufungo yaizova ngirozi yegomba rakadzika-dzika. Uye nyeredzi inofanira kufananidzira Mambo akazodzwa waJehovha, sezvo maKristu akazodzwa achibvuma bedzi Mambo mumwe wengirozi, Jesu Kristu.—VaKorose 1:13; 1 VaKorinte 15:25.
7. (a) Chii chinoitika apo “gomba regomba rakadzika-dzika” rinozarurwa? (b) Chii chiri “gomba rakadzika-dzika,” uye ndivanaani vanopedza nguva shoma vari mariri?
7 Nhauro inopfuurira, ichiti: “Nokudaro iyo yakazarura gomba regomba rakadzika-dzika, uye utsi hwakabuda mugomba soutsi hwevira guru, ipapo zuva rakasvibiswa, uyewo mhepo, neutsi hwegomba. Ipapo mhashu dzakabudira papasi dzichibva muutsi; uye dzakapiwa simba, simba rimwe chetero rakafanana serine zvinyavada zvapasi.” (Zvakazarurwa 9:2, 3) MuMagwaro, “gomba rakadzika-dzika” inzvimbo yokusaita basa, kunyange yorufu. (Enzanisa naVaRoma 10:7; Zvakazarurwa 17:8; 20:1, 3.) Boka duku rehama dzaJesu rakapedza nguva pfupi riri “mugomba rakadzika-dzika” rakadaro rokusaita basa kunomwero pakuguma kwehondo yenyika yokutanga (1918-19). Asi apo Jehovha akadurura mudzimu wake pavabatiri vake vanopfidza muna 1919, ivo vakabuda sebute kundonangana nedenho yebasa raiva mberi.
8. Kunodaro sei kuti kusunungurwa kwemhashu kunova pamwe chete no“utsi” huzhinji?
8 Sokucherekedza kunoita Johane, kubudiswa kwemhashu kunova pamwe chete noutsi hwakawanda, so“utsi hwevira guru.”c Ndozvakwakabvumikisa kuva muna 1919. Mugariro wacho wakasvibira chiKristudhomu uye nyika yose zvayo. (Enzanisa naJoere 2:30, 31.) Kubudiswa kwemhashu idzodzo, boka raJohane, zvamazvirokwazvo kwakanga kuri kukundwa kwavafundisi vechiKristudhomu, avo vakanga vaita mazano nokuita rangano yokumisa basa roUmambo kwechigarire uye avo zvino vakaramba Umambo hwaMwari. Ufakazi hwechifukidziro chikobvu chakafanana noutsi chakavamba kupararira pachiKristudhomu chakatsauka pakutenda sezvo bute irero remhashu rakapiwa simba roumwari ndokuvamba kurishandisa mukuparidza mashoko ane simba orutongeso. “Zuva” rechiKristudhomu—kuoneka kwacho kwevhenekero—rakatambura kudzikatidzwa, uye “mhepo” yakava hobvu kupfurikidza nokuparidzirwa kworutongeso rwoumwari sezvo “mubati ushe wesimba remhepo” wenyika ino akaratidzirwa kuva mwari wechiKristudhomu.—VaEfeso 2:2; Johane 12:31; 1 Johane 5:19.
Mhashu Idzedzo Dzinorwadzisa!
9. Mirairidzoi yehondo yakagamuchirwa nemhashu?
9 Ko mhashu idzedzo dzakagamuchira mirairidzoi yehondo? Johane anoshuma, kuti: “Uye idzo dzakaudzwa kusaparadza zvinomera zvapasi kana kuti chinhu chipi nechipi chakasvibira kana kuti muti upi noupi, asi vanhu vaya bedzi vasine chisimbiso chaMwari pahuma dzavo. Uye mhashu dzakabvumirwa kusavauraya, asi kuti ivava vanofanira kurwadziswa kwemwedzi mishanu, uye kurwadziwa kwavari kwakanga kwakaita sokurwadza kunoita chinyavada pachinoruma munhu. Uye mumazuva iwayo vanhu vachatsvaka rufu asi havangatongoruwani, uye ivo vachashuva kufa asi rufu runoramba ruchivatiza.”—Zvakazarurwa 9:4-6.
10. (a) Ko dambudziko rinonangidzirwa pakati pavanaani zvikurukuru, uye nomuuyoi pavari? (b) Rudzii rwokurwadziswa runobatanidzwa? (Onawo mashoko omunyasi.)
10 Cherekedza kuti iri denda harizati richitanga kunangidzirwa pavanhu kana kuti vakatanhamara pakati pavanhu—‘zvinomera nemiti zvapasi.’ (Enzanisa naZvakazarurwa 8:7.) Mhashu dzichakuvadza bedzi vanhu vasati vane chisimbiso chaMwari pahuma dzavo, vaya vari muchiKristudhomu vanokambira kuva vakaiswa chisimbiso asi vane chinyorwa chinoramba kambiro iyeyo. (VaEfeso 1:13, 14) Nokuda kwechikonzero ichecho, kutaura kunorwadza kwemhashu dzomuzuva razvino kwakatanga kunangidzirwa pavatungamiriri vorudzidziso vechiKristudhomu. Haiwa, varume ivava vanozvikudza vanofanira kuva vakarwadziswa sei pakurinzwa richiziviswa pamhene kuti ivo vakanga vasati vachingokundikana bedzi kutungamirira mapoka avo kudenga asi ivo vamene vaisazosvikako!d Zvamazvirokwazvo, yave iri nhau ye‘bofu rinotungamirira bofu’!—Mateo 15:14.
11. (a) Ko mhashu dzinopiwa simba rokurwadzisa vavengi vaMwari kwenguva refu yakadini, uye neiko iyoyo isati iri nguva pfupi chaizvoizvo? (b) Ko kurwadzisa kwacho kwakakomba sei?
11 Kurwadziswa kunogara kwemwedzi mishanu. Iyoyo inguva pfupi yakati kuti here? Kwete mukurangarirwa kwemhashu chaidzoidzo. Mwedzi mishanu inorondedzera nduramo yenguva dzose yechimwe chezvipukanana izvozvi. Nokuda kwechikonzero ichocho, mhashu dzomuzuva razvino uno dzinoramba dzichiruma vavengi vaMwari chero bedzi dziri mhenyu. Zvakare, kurwadza kwacho kwakakomba zvikuru zvokuti vanhu vanotsvaka kufa. Chokwadi, hatina chinyorwa chokuti vapi navapi vaavo vakarumwa nemhashu vakaedza chaizvoizvo kuzviuraya vamene. Asi kutaurakwo kunotibetsera kufananidzira ukombi hwokurwadzisa—sokunge kuti kupfurikidza nokuruma kusingapori kwezvinyavada. Kwakafanana nokutambura kwakadeya kuonwa naJeremia nokuda kwavaIsraeri vaya vasina kutendeka vaizoparadzirwa navakundi veBhabhironi uye rufu rwaizova rwuri nani kwavari kupinda upenyu.—Jeremia 8:3; onawo Muparidzi 4:2, 3.
12. Neiko mhashu dzichibvumirwa kurwadzisa vatungamiriri vorudzidziso vechiKristudhomu, mupfungwa yokumudzimu, asi kwete kuvauraya?
12 Neiko kurwadzisa ivava kuchibvumirwa, mupfungwa yomudzimu, uye kwete kuvauraya? Iyi inhamo yokutanga mukufumurwa kwenhema dzechiKristudhomu nekundikano dzacho, asi gare gare bedzi, sezvo zuva raShe rinoenderera mberi, mugariro wacho wakafanana norufu womudzimu waizoparidzirwa zvizere. Kwaizoitika mukati menhamo yechipiri umo chetatu chavanhu chinourawa.—Zvakazarurwa 1:10; 9:12, 18; 11:14.
Mhashu Dzakashongedzererwa Hondo
13. Ko mhashu dzine chitarisikoi?
13 Haiwa kuoneka kunoshamisa sei kune mhashu idzedzo! Johane anokurondedzera, achiti: “Uye kufanana kwemhashu kwakanga kwakatodzana namabhiza akagadzirirwa hondo; uye pamisoro yadzo pakanga pane zvairatidzika kuva korona dzakafanana nendarama, uye zviso zvadzo zvakanga zvakaita sezviso zvavanhu, asi dzakanga dzine vhudzi rakaita sevhudzi ravakadzi. Uye meno adzo akanga akaita seayo eshumba; uye idzo dzakanga dzine zvidzitiro zvechipfuva zvakafanana nezvidzitiro zvedare. Uye kutinhira kwamapapiro adzo kwakanga kwakaita sokutinhira kwengoro dzamabhiza mazhinji anomhanyira muhondo.”—Zvakazarurwa 9:7-9.
14. Neiko rondedzero yaJohane yemhashu ichikodzera boka ramaKristu akamutsidzirwa muna 1919?
14 Ikoku kunosanoenzanisira boka roumambo rinovimbika ramaKristu akamutsidzirwa muna 1919. Samabhiza, ivo vakanga vakagadzirira hondo, vachidisa kurwira zvokwadi nenzira inorondedzerwa nomuapostora Pauro. (VaEfeso 6:11-13; 2 VaKorinte 10:4) Pamisoro yavo Johane anoona zvinoratidzika kuva korona sedzendarama. Kwaizova kusina kukodzera nokuda kwavo kuva nekorona chaidzo nokuti ivo havazati vachivamba kubata ushe vachingunoveri pasi pano. (1 VaKorinte 4:8; Zvakazarurwa 20:4) Asi muna 1919 ivo vakanga vachitove nokuoneka kwoumambo. Ivo vaiva hama dzaMambo, uye korona dzavo dzokudenga dzakanga dzakavachengeterwa kana ivo vaizopfuurira vakatendeka kusvikira kumugumo.—2 Timotio 4:8; 1 Petro 5:4.
15. Chii chinoratidzirwa nokuva kwemhashu ne (a) zvifukidziro zvechipfuva zvesimbi? (b) zviso zvakafanana nezvavanhu? (c) vhudzi rakafanana neromukadzi? (d) meno akaita seawo eshumba? (e) kuita ruzha rukuru?
15 Muchionocho, mhashu dzine zvifukidzo zvapachipfuva zvedare, zvinofananidzira kururama kusingaputsiki. (VaEfeso 6:14-18) Idzo dzinewo zviso zvavanhu, uru rutivi ruchiratidzira vara rorudo, sezvo munhu akaitwa mumufananidzo waMwari, uyo ari rudo. (Genesi 1:26; 1 Johane 4:16) Vhudzi radzo rakareba seromukadzi, kunosanofananidzira kuzviisa pasi paMambo wadzo, ngirozi yegomba rakadzika-dzika. Uye meno adzo akatodzana nemeno eshumba. Shumba inoshandisa meno ayo kukwabvaura nyama. Kubvira muna 1919 zvichienda mberi, boka raJohane rave richikwanisazve kupinza zvokudya zvomudzimu zvakasimba, zvikurukuru zvokwadi pamusoro poUmambo hwaMwari hunobatwa ushe ne“shumba iri yendudzi yaJudha,” Jesu Kristu. Sezvo shumba ichifananidzira ushingi, naizvozvo ushingi hukuru hwave huchidikanirwa kufungisisa iri shoko rinorovanya nesimba, kuriburitsa muzvinyorwa, uye kurigovera kupote mburumbwa yose. Mhashu idzedzo dzokufananidzira dzakaita ruzha rukuru, se“kutinhira kwengoro dzamabhiza mazhinji anomhanyira muhondo.” Mukutevedzera muenzaniso wamaKristu omuzana rokutanga ramakore, havazati vachirangarira kuramba vanyerere.—1 VaKorinte 11:7-15; Zvakazarurwa 5:5.
16. Chii chiri revo yokuva kwemhashu ne“miswe nezvibaiso zvakafanana nezvinyavada”?
16 Uku kuparidzira kunobatanidza zvakawanda zvinopfuura shoko rinotaurwa! “Uyewo, idzo dzakanga dzine miswe nezvibaiso sezvinyavada; uye mumiswe yadzo mune simba radzo rokukuvadza vanhu mwedzi mishanu.” (Zvakazarurwa 9:10) Ikoku kungarevei? Sezvazvinoita basa razvo roUmambo, Zvapupu zvaJehovha, zvichitaura uye zvichishandisa—mabhuku akadhindwa, zvinotaura mashoko ane simba anobva muShoko raMwari. Shoko razvo rinoruma sechinyavada nokuti izvo zvinonyevera nezvokusvika kwezuva ramatsive raJehovha. (Isaya 61:2) Chizvarwa chino chemhashu dzomudzimu chisati chapedza nduramo yacho, basa racho rakagadzwa roumwari rokuzivisa marutongeso aJehovha richapedzwa—kukurwadziswa kwavamhuri vose vane mitsipa mikukutu.
17. (a) Chii chakaziviswa pakokorodzano ya1919 yaVadzidzi veBhaibheri chaizokudziridza kubaya kwokupupurira kwavo? (b) Ko vafundisi vave vachirwadziswa sei, uye ivo vakaita sei mudavidzo?
17 Boka irero remhashu rakafadzwa zvikuru apo magazini itsva, The Golden Age, yakaziviswa pakokorodzano yavo ya1919. Yakanga iri magazini inobuda mavhiki maviri ari ose, yakagadzirirwa kurwadzisa kwokupupurira kwavo.e Chinyorwa chayo Nha. 27, chaSeptember 29, 1920, chakafumura nyengedzo yavafundisi mukutambudza Vadzidzi veBhaibheri muUnited States mukati menhambo ya1918-19. Muma1920 nomuma1930, The Golden Age yakarwadzisa vafundisi nedzimwezve nyaya dzinorwadzisa nemifananidzo inosekesa iyo yakafumura hunyengeri hwavo hwokupinda mune zvamatongerwe enyika, uye zvikurukuru bvumirano dzedare ravaprista vechiKaturike dzakaitwa navashushi vechiFasisiti nechiNazi. Mukupindura, vafundisi ‘vakaruka mazano kupfurikidza nomutemo’ ndokuronga masimba masimba emhomho mukurwisana navanhu vaMwari.—Pisarema 94:20, King James Version.
Vabati Ushe Venyika Vanoziviswa
18. Ko mhashu dzaifanira kuita basai uye chii chakaitika mudavidzo kukurira kwehwamanda yechishanu?
18 Mhashu dzomuzuva razvino uno dzaiva nebasa rokuita. Mashoko akanaka oUmambo anofanira kuparidzirwa. Zvikanganiso zvaitofanira kufumurwa. Makwai akarashika aitofanira kuwanwa. Mhashu zvadzakaita aya mabasa, nyika yakagombedzerwa kumuka ndokucherekedza. Mukuteerera kuridza hwamanda kwengirozi, boka raJohane rakapfuurira kufumura chiKristudhomu sechakafanirwa namarutongeso akashata aJehovha. Mudavidzo kuhwamanda yechishanu, rutivi rwakati kuti rwaaya marutongeso rwakasimbiswa pakokorodzano yaVadzidzi veBhaibheri muLondon, England, May 25-31, 1926. Iyoyi yakasimbisa chisarudzo, “Chipupuriro Kuvabati Ushe Venyika,” uye hurukuro yavose paRoyal Albert Hall pamusoro unoti “Chikonzero Nei Masimba Enyika Ari Kudzedzereka—Mushonga Wacho,” manyoro akakwana azvose zviri zviviri azvo achiva anotsikirirwa mupepanhau guru reLondon zuva rakatevera racho. Gare gare, bute remhashu rakagovera nyika yose, seturakiti, makopi ana mamiriyoni 50 echisarudzo ichecho—zvamazvirokwazvo kurwadzisa kuvafundisi! Makore gare gare, vanhu vomuEngland vakanga vachiri kutaura pamusoro pouku kufumura kunobaya.
19. Ndeipi imwezve shongedzero yokurwa yakagamuchirwa nemhashu dzokufananidzira, uye iyo yaitofanira kutii pamusoro pechiziviso chamadonzo cheLondon?
19 Pane iyi kokorodzano, mhashu dzokufananidzira dzakagamuchira imwezve shongedzero yokurwa, sezvinocherekedzwa bhuku idzva rinonzi Deliverance. Iro rakabatanidza kurukurirano yapaMagwaro yechiratidzo chinobvumikisa kuti hurumende yo‘mwanarume,’ Umambo hwokudenga hwaKristu, yakanga yaberekwa muna 1914. (Mateo 24:3-14; Zvakazarurwa 12:1-10) Pashure pacho, iro rakanokora mashoko chiziviso chamadonzo chakabudiswa muLondon muna 1917 ndokusainwa navafundisi vasere, avo vakarondedzerwa savaiva “pakati pavaparidzi vakuru kuna vose venyika.” Ivo vaimirira masangano makuru echiPurotesitendi—Baptist, Congregational, Presbyterian, Episcopalian, uye Methodist. Ichi chiziviso chamadonzo chakazivisa kuti “njodzi iripo inoratidzira mugumo wenguva dzaVamarudzi” uye kuti “kuonekwa kwaShe kungakarirwa panguva ipi neipi.” Hungu, vafundisi ivavo vakanga vacherekedza chiratidzo chokuvapo kwaJesu! Asika ivo vakada kuita chinhu chipi nechipi pamusoro pakwo here? Bhuku rinonzi Deliverance rinotizivisa, kuti: “Rutivi runoisvoshamisa rwenhau yacho nderwokuti vanhu vamene avo vakasaina chiziviso chamadonzo pashure vakachiramba ndokuramba ufakazi hunobvumikisa kuti tiri pamugumo wenyika uye muzuva rokuvapo kwechipiri kwaShe.”
20. (a) Ko vafundisi vakaita chisarudzoi pamusoro pebute remhashu naMambo wadzo? (b) Ko Johane anoti ndiani ari pamusoro pebute remhashu, uye zita rake rinonzi ani?
20 Panzvimbo pokuzivisa Umambo hunouya hwaMwari, vafundisi vechiKristudhomu vakasarudza havo kuramba vaine nyika yaSatani. Havadi kuvarutivi rwebute remhashu naMambo wadzo, zvino Johane anotaura nezvadzo, kuti: “Idzo dzina mambo pamusoro padzo, ngirozi yegomba rakadzika-dzika. MuchiHebheru zita rake ndiAbhadhoni [rinoreva kuti “Ruparadziko”],” asi muchiGiriki ndiAporioni [rinoreva kuti “Muparadzi”].” (Zvakazarurwa 9:11) Se“ngirozi yegomba rakadzika-dzika” uye “Muparidzi,” Jesu zvamazvirokwazvo akanga akabudisa nhamo inorwadza pachiKristudhomu. Asika zvakawanda zvichatevera!
[Mashoko Omuzasi]
a Enzanisa naJoere 2:4, 5, 7 (apo zvipukunana zvinorondedzerwa samabhiza, rudzi, uye vanhu, uye savanoita kutinhira kwakafanana nokwengoro) naZvakazarurwa 9:7-9; uyewo, enzanisa naJoere 2:6, 10 (inorondedzera muuyo unorwadza wedenda rezvipukanana) naZvakazarurwa 9:2, 5.
b Ona nyaya inoti: “Vakabatana Mukurwisana Namarudzi Mumupata Wechisarudzo” iri muchinyorwa cheNharireyomurindi yechiNgezi yaDecember 1, 1961.
c Cherekedza kuti uru rugwaro harugoni kuva runoshandisirwa kukubvumikisa kuti kwakanga kune mwoto waiva mugomba rakadzika-dzika, sokunge kuti gombaro raiva riri rorudzi rwakati rwehero yomwoto. Johane anoti iye akaona utsi hukobvu hwakafanana, kana kuti “wakafanana” noutsi hwevira guru. (Zvakazarurwa 9:2) Iye haazati achishuma kuona marimi omwoto chaiwoiwo mugomba rakadzika-dzika.
d Shoko rechiGiriki rinoshandiswa pano rinobva murevo yeba·sa·niʹzo, iro padzimwe nguva rinoshandiswa nezvokutambudza chaikoiko; zvisinei, rinogonawo kushandiswa nezvokurwadzisa ndangariro. Somuenzaniso, pana 2 Petro 2:8 tinorava kuti Roti “wakanga achirwadzisa mweya wake wakarurama” nokuda kwezvakashata zvaaiona muSodhoma. Vatungamiriri vorudzidziso vomuzera ravaapostora vakarwadziswa ndangariro kunyange zvazvo zvakadaro, chokwadika, nokuda kwechikonzero chakasiyana zvikuru.
e Iyi magazini yakatumidzwazve kunzi Consolation muna 1937 uye Mukai! muna 1946.
[Mufananidzo uri papeji 143]
Kuridzwa kwehwamanda yechishanu kunosuma dzokutanga dzenhamo nhatu
[Mufananidzo uri papeji 146]
Miseve yenyu yapinza mumwoyo wavavengi vaMambo. (Pisarema 45:5) Mufananidzo uri pamusoro apa unooneka pamwe chete naaya mashoko,
mufananidziro wemizhinji yakabudiswa muma1930 yakabaya “vanhu vaya vasati vane chisimbiso chaMwari”
[Mifananidzo iri papeji 147]
Royal Albert Hall, apo bhuku rinonzi Deliverance rakabudiswa uye chisarudzo chinoti “Chipupuriro Kuvabati Ushe Venyika” chakagamuchirwa