-
Mibvunzo Inobva KuvaverengiNharireyomurindi—2014 | November 15
-
-
Zvakazarurwa 11:1, 2 inoratidza kuti zviitiko izvi zvaizoitika panguva yaizoyerwa kana kuti yaizoongororwa temberi yomudzimu. Maraki chitsauko 3 inotaurawo nezvekuongororwa kwetemberi yemudzimu uye kucheneswa kwayaizoitwa. (Mar. 3:1-4) Basa rokuongorora uye rokuchenesa temberi rakatora nguva yakareba sei? Rakatanga muna 1914 kusvika 1919 achangotanga. Nguva iyi inosanganisira mazuva 1 260 (mwedzi 42) uye mazuva matatu nehafu okufananidzira anotaurwa muna Zvakazarurwa chitsauko 11.
-