-
Kumutsidzira Zvapupu ZviviriZvakazarurwa—Mugumo Wazvo Une Mbiri Wava Pedyo!
-
-
Zvapupu Zviviri Zvinourawa
19. Mukuwirirana nenhauro yaZvakazarurwa, chii chinoitika apo zvapupu zviviri zvinopedza kupupurira kwazvo?
19 Iri dambudziko rakanga rakakomba kwazvo pachiKristudhomu zvokuti pashure pokunge zvapupu zviviri zvaporofita kwemwedzi 42 zvakapfeka chipfeko chesaga, chiKristudhomu chakashandisa pesvedzero yacho yenyika kuita kuti zvi‘urawe.’ Johane anonyora, kuti: “Uye kana ivo vapedza kupupura kwavo, chikara chinokwira chichibuda mugomba rakadzika-dzika chicharwa navo uye chichavakunda ndokuvauraya. Uye zvitunha zvavo zvichava panzira yakafara yeguta guru iro mupfungwa yomudzimu rinonzi Sodhoma neEgipita, umo Ishe wavo akaroverwawo padanda rokutambudzira. Uye avo vamadzinza nendudzi nendimi namarudzi vachatarira zvitunha zvavo kwamazuva matatu nehafu, uye havaregi zvitunha zvawo zvichivigwa mubwiro. Ipapo avo vanogara pamusoro papasi vanofara pamusoro pavo uye vanozvifadza ivo vamene, uye vachatumirana zvipo, nokuti ava vaporofita vaviri vakatambudza avo vanogara pasi.”—Zvakazarurwa 11:7-10.
20. Chii chiri “chikara chinokwira chichibva mugomba rakadzika-dzika”?
20 Iyi ndeyokutanga yenongedzero 37 dziri muna Zvakazarurwa dzechikara. Munguva yakafanira tichanzvera ichochi nezvimwe zvikara mumashoko ose oudzame. Kwakaringanira kutaura nokuda kwazvino kuti “chikara chinokwira chichibuda mugomba rakadzika-dzika” ndecherongedzero yaSatani, tsika yezvinhu chaiyoiyo yezvamatongerwe enyika.b—Enzanisa naZvakazarurwa 13:1; Dhanieri 7:2, 3, 17.
21. (a) Ko vavengi vorudzidziso vezvapupu zviviri vakashandisa sei mugariro wehondo? (b) Idi rokuti zvitunha zvezvapupu zviviri zvakasiiwa zvisina kuvigwa rinoratidzira chii? (c) Ko nhambo yenguva yamazuva matatu nehafu inofanira kurangarirwa sei? (Ona mashoko omunyasi.)
21 Kubvira muna 1914 kusvikira kuna 1918 marudzi akanga akabatikana nehondo yenyika yokutanga. Mirangariro yorudzi yakanyandurwa, uye muchirimo cha1918, vavengi vorudzidziso vezvapupu zviviri vakashandisa mugarirowo. Ivo vakashandisa vezvomutemo veHurumende zvokuti vashumiri vane mutoro veVadzidzi veBhaibheri vakapfigirwa mutorongo pamusoro pepomero dzenhema dzokupandukira. Vashandi biyavo vakatendeka vakakatyamadzwa. Mubato woumambo wakadokuguma. Kwakaita sokunge kuti basa rokuparidza rakanga rafa. Munguva dzeBhaibheri rwakanga rwuri ruzvidzo rwakaipa kusava anovigwa muhwiro hweyeuko. (Pisarema 79:1-3; 1 Madzimambo 13:21, 22) Naizvozvo, ruzvidzo rukuru rwaizobatanidzwa nokusiiwa kwezvapupu zviviri zvisina kuvigwa. Mumugariro wokunze unopisa wePalestina, chitunha chiri pamugwagwa wapamhene chaizotanga zvomenemene kunhuwa pashure pamazuva matatu nehafu chaiwoiwo.c (Enzanisa naJohane 11:39.) Uhu udzame muuporofita nokudaro hunoratidzira nyadzi idzo zvapupu zviviri zvaitofanira kutsungirira. Avo vadudzwa pamusoro apa vakapfigirwa mutorongo vakatorambirwa bheri apo mhaka dzavo dzakanga dziri pakukwirira. Ivo vakaratidzirwa pamhene kwenguva refu yakaringanira kuva vanonhuwa kuvagari ve“guta guru.” Asika nderipi rakanga riri iri “guta guru”?
22. (a) Chii chiri guta guru? (b) Ko mapepa nhau akakumbanira sei vafundisi mukufara pamusoro pokunyaradzwa kwezvapupu zviviri? (Ona bhokisi.)
22 Johane anotibaira zanhi. Iye anotaura kuti Jesu wakaroverwa padanda rokutambudzira imomo. Naizvozvo isu pakarepo tinofunga nezveJerusarema. Asi iye anotaurawo kuti guta guru rinonzi Sodhoma neEgipita. Eya, Jerusarema chairoiro raimbonzi Sodhoma nokuda kwomuitiro waro usina kuchena. (Isaya 1:8-10; enzanisa naEzekieri 16:49, 53-58.) Uye Egipita, simba rokutanga renyika, dzimwe nguva rinooneka somufananidzo wetsika yezvinhu ino. (Isaya 19:1,19; Joere 3:19) Nokuda kwechikonzero ichecho, iri guta guru rinofananidzira “Jerusarema” rakasvibiswa rinokambira kunamata Mwari asi iro rakava risina kuchena uye rinoita chivi, seSodhoma, uye rutivi rwetsika iyi yezvinhu yenyika yousatani, seEgipita. Rinofananidzira chiKristudhomu, muenzani wazvino weJerusarema risina kutendeka, sangano rine mitezo yakanga ine chikonzero chikuru kwazvo chokufara apo iyo yakanyaradza kuparidza kunokangaidza kwezvapupu zviviri.
-
-
Kumutsidzira Zvapupu ZviviriZvakazarurwa—Mugumo Wazvo Une Mbiri Wava Pedyo!
-
-
c Cherekedza kuti mukunzvera zvinoitika zvavanhu vaMwari panguva ino kunoratidzika kuti kunyange mwedzi 42 ichimirira makore chaiwoiwo matatu nehafu, mazuva matatu nehafu haazati achimirira nhambo chaiyoiyo yamaawa 84. Sezvinobvira, nhambo chaiyoiyo yamazuva matatu nehafu inodudzwa kaviri (mundima 9 ne11) kusimbisa kuti yaizongova bedzi nhambo pfupi pakuenzanisirwa namakore chaiwoiwo matatu nehafu omubato anoitangira.
-