-
Kumutsidzira Zvapupu ZviviriZvakazarurwa—Mugumo Wazvo Une Mbiri Wava Pedyo!
-
-
19. Mukuwirirana nenhauro yaZvakazarurwa, chii chinoitika apo zvapupu zviviri zvinopedza kupupurira kwazvo?
19 Iri dambudziko rakanga rakakomba kwazvo pachiKristudhomu zvokuti pashure pokunge zvapupu zviviri zvaporofita kwemwedzi 42 zvakapfeka chipfeko chesaga, chiKristudhomu chakashandisa pesvedzero yacho yenyika kuita kuti zvi‘urawe.’ Johane anonyora, kuti: “Uye kana ivo vapedza kupupura kwavo, chikara chinokwira chichibuda mugomba rakadzika-dzika chicharwa navo uye chichavakunda ndokuvauraya. Uye zvitunha zvavo zvichava panzira yakafara yeguta guru iro mupfungwa yomudzimu rinonzi Sodhoma neEgipita, umo Ishe wavo akaroverwawo padanda rokutambudzira. Uye avo vamadzinza nendudzi nendimi namarudzi vachatarira zvitunha zvavo kwamazuva matatu nehafu, uye havaregi zvitunha zvawo zvichivigwa mubwiro. Ipapo avo vanogara pamusoro papasi vanofara pamusoro pavo uye vanozvifadza ivo vamene, uye vachatumirana zvipo, nokuti ava vaporofita vaviri vakatambudza avo vanogara pasi.”—Zvakazarurwa 11:7-10.
-
-
Kumutsidzira Zvapupu ZviviriZvakazarurwa—Mugumo Wazvo Une Mbiri Wava Pedyo!
-
-
[Bhokisi riri papeji 168]
Kufara kwaZvakazarurwa 11:10
Mubhuku rake rinonzi Preachers Present Arms, rakabudiswa muna 1933, Ray H. Abrams anonongedzera kuchishoro chakakasharara chavafundisi kubhuku reVadzidzi veBhaibheri rinonzi The Finished Mystery. Iye anohwirudzira kutamburira kwavafundisi kuzvibvisira ivo vamene Vadzidzi veBhaibheri no“kunyengetedza kune ngozi” kwavo. Ikoku kwakaparira mhaka yedare iyo yakaguma nokutongerwa kwaJ. F. Rutherford neshamwari nomwe kumakore akawanda okupfigirwa mutorongo. Dr. Abrams anowedzera, kuti: “Kunzverwa kwemhaka yose kwakaparira mhedziso yokuti machechi navafundisi pakuvamba-vamba vaitsigira chiito chokuparadzanya vateveri vaRussell. MuCanada, muna February, 1918, vafundisi vakavamba nhimbe ine nhevedzano yokurwisana navo nezvinyorwa zvavo, zvikurukuru The Finished Mystery. Mukuwirirana neTribune yeWinnipeg, . . . kudziviswa kwebhuku ravo kwakadavirwa kuve kwakaparirwa nomutoo wakananga ne‘hurukuro dzavafundisi.’ ”
Dr. Abrams anopfuurira, kuti: “Apo nhau dzetongerwo yamakore ana makumi maviri dzakasvika vapepeti venhau vamapepanhau orudzidziso, zvikurukuru rimwe riri rose raaya mapepanhau zvinyorwa, guru neduku, akafara pamusoro peichi chinoitikacho. Ndave ndisingakwanisi kuwana mashoko api naapi okunzwira urombo mune ripi neripi raaya mapepanhau orudzidziso runogamuchirwa. ‘Hapagoni kuva nepanikiro,’ akataura kudaro Upton Sinclair, kuti ‘chitambudzo . . . chakamuka murutivi muidi rokuti ivo vakanga vawana ruvengo rwemitumbi yorudzidziso yo“runogamuchirwa.” ’ Icho nhamburiko dzomubatanidzwa dzamachechi dzakanga dzakundikana kuita hurumende zvino yakaratidzika kuve yakabudirira mukuaitira.” Pashure pokunokora mashoko tsinhiro dzinozvidza dzechiverengero chakati kuti chezvinyorwa zvorudzidziso, munyori akanongedzera kukuchinjwa kwechisarudzo muDare Rokukwirira ndokuti: “Mumachechi hamuna chakataurwa pamusoro peichi chisarudzo.”
-