-
Kumutsidzira Zvapupu ZviviriZvakazarurwa—Mugumo Wazvo Une Mbiri Wava Pedyo!
-
-
23. (a) Chii chinoitika kuzvapupu zviviri pashure pamazuva matatu nehafu, uye chii chiri muuyo pavavengi vazvo? (b) Ko uporofita hwaZvakazarurwa 11:11, 12 nohwaEzekieri hwokufemera kwaJehovha pamupata wamapfupa akaoma hunova nezadziko yomuzuva razvino uno rini?
23 Pepanhau ravose rakakumbanira vafundisi mukuzvidza vanhu vaMwari, rimwe pepanhau richiti: “Mugumo weThe Finished Mystery wakaziviswa.” Kunyange zvazvo zvakadaro, hapana chinhu chaigona kuva kure nezvokwadi! Zvapupu zviviri hazvina kuramba zvakafa. Tinorava, kuti: “Uye pashure pamazuva matatu nehafu mudzimu woupenyu wakabva kuna Mwari wakapinda mavari, uye ivo vakamira netsoka dzavo, uye rutyo rukuru rwakawira avo vanovaona. Ipapo vakanzwa inzwi guru rinobva kudenga richitaura kwavari, richiti: ‘Kwirai pano.’ Uye ivo vakakwira kudenga vari mugore, uye vavengi vavo vakavaona.” (Zvakazarurwa 11:11, 12) Nokudaro, ivo vakava nechinoitika chakafanana nechecho chamapfupa akaoma omumupata uyo Ezekieri akashanyira muchiono. Jehovha akafemera pamapfupa iwawa akaoma, uye iwo akava mapenyu, kuchigovera mufananidzo wokuberekwazve kworudzi rwaIsraeri pashure pamakore 70 outapwa muBhabhironi. (Ezekieri 37:1-14) Uhu uporofita huviri, huri muna Ezekieri nomuna Zvakazarurwa, hwakava nezadziko yavo inokatyamadza yomuzuva razvino uno muna 1919, apo Jehovha akadzorera zvapupu zvake zva“kafa” kuupenyu hunonyiminyira.
24. Apo zvapupu zviviri zvakava zvipenyu, chii chakava muuyo pavatambudzi vazvo vorudzidziso?
24 Haiwa ikatyamadzo yakadini nokuda kwavatambudzi ivavo! Zvitunha zvezvapupu zviviri zvakava zvipenyu pakarepo nezvinoshingairazve. Kwakanga kwakaomera vafundisi ivavo kubvuma, kwakadaro zvikuru sezvo vashumiri vechiKristu avo ivo vakanga varongera kupfigira mutorongo vakanga vasunungukazve, kuva vanosunungurwa zvizere gare gare. Kukatyamadzwa kwacho kunofanira kuve kwave kwakatokura zvikuru apo, muna September 1919, Vadzidzi veBhaibheri vakaita kokorodzano muCedar Point, Ohio, U.S.A. Pano J. F. Rutherford, akanga achangobva kusunungurwa, akanyandura vakokorodzani nehurukuro yake yaiti “Kuzivisa Umambo,” yakavakirwa pana Zvakazarurwa 15:2 naIsaya 52:7. Avo veboka raJohane vakavambazve ku“porofita,” kana kuti kuparidzira pamhene. Vakaramba vachienderera mberi pakusimba, vachifumura nomutoo wokusatya unyengeri hwechiKristudhomu.
-
-
Kumutsidzira Zvapupu ZviviriZvakazarurwa—Mugumo Wazvo Une Mbiri Wava Pedyo!
-
-
c Cherekedza kuti mukunzvera zvinoitika zvavanhu vaMwari panguva ino kunoratidzika kuti kunyange mwedzi 42 ichimirira makore chaiwoiwo matatu nehafu, mazuva matatu nehafu haazati achimirira nhambo chaiyoiyo yamaawa 84. Sezvinobvira, nhambo chaiyoiyo yamazuva matatu nehafu inodudzwa kaviri (mundima 9 ne11) kusimbisa kuti yaizongova bedzi nhambo pfupi pakuenzanisirwa namakore chaiwoiwo matatu nehafu omubato anoitangira.
-