-
Vanhu Vachaparadza Pasi Rino Zvokusagadzirisika Here?Nharireyomurindi—2014 | September 1
-
-
Vanhu Vachaparadza Pasi Rino Zvokusagadzirisika Here?
“Chimwe chizvarwa chinoenda, uye chimwe chizvarwa chinouya; asi nyika inogara iripo nokusingagumi.”—MAMBO SOROMONI, WEMUISRAERI YEKARE.a
Munyori uyu weBhaibheri akararama kare, akaona kuti nyika inoramba iripo nokusingaperi asi vanhu vanongorarama kwemakore mashomanana. Zvechokwadiwo, papfuura zviuru zvemakore chimwe chizvarwa chichiuya uye chimwe chichienda, asi nyika iri kuramba iripo ichitoita kuti zvinhu zvipenyu zvirambe zvichirarama.
Zvinhu zvachinja zvazvisati zvamboita kubvira pakaitika Hondo Yenyika Yechipiri. Mumakore anenge 70 apfuura, zvinhu zvakavandudzwa zvikuru panyaya dzezvekufambisa, nzira dzekutumirana mashoko, uye ruzivo rwekugadzirwa kwezvinhu, izvo zvachinja mamiriro ezvoupfumi munyika zvaisambofungidzirwa. Vakawanda vava neupenyu hwaimbonzi hahukwanisiki. Ukuwo, vanhu vawanda zvakapetwa katatu kubva pakaitika hondo yenyika yechipiri.
Asi zvose izvi zvakakanganisawo zvimwe zvinhu. Zviri kuitwa nevanhu zvinonzi zviri kukuvadza nyika zvokuti zvinhu zvakasikwa zvinotsigira upenyu zvichaguma zvisisashandi zvakanaka. Mamwe masayendisiti akatotaura kuti mumazana mashomanana emakore apfuura, vanhu vakawedzera kuparadza nyika.
Bhaibheri rakagara rataura kuti vanhu ‘vaizoparadza nyika.’ (Zvakazarurwa 11:18) Vamwe havana chokwadi kana nguva yatiri kurarama iri iyo yaitaurwa nezvayo. Nyika ino ichawedzera kuparadzwa kusvika papi? Ichasvika pokuti haizogadzirisiki here? Vanhu vachaiparadza zvachose here?
ICHASVIKA POKUTI HAIZOGADZIRISIKI HERE?
Nyika ino ichasvika pokuti haizogadzirisiki here? Mamwe masayendisiti anoti kuchinja kwezvinhu kuri kuita kuti zviome kuziva kuti zvichaguma nei. Izvi zvinoita kuti vafungidzire kuti mamiriro okunze achangoerekana achinja zvokuti achawondonga zvinhu zvakawanda.
Chimbofunga nezvechando chiri kumadokero kweAntarctic. Vamwe vanofunga kana kunze kukaramba kuchiwedzera kupisa, chando ichi chinogona kuramba chichinyunguduka, zvokuti mvura yacho haizovizve chando. Vanodaro nokuti chando ichi chagara chichifukidza mvura yegungwa kuAntarctic kuti isarohwa nezuva. Asi chando ichi pachinenge chichinyunguduka, zuva rinoguma rava kunyatsorova mvura yegungwa. Rima rinenge riri pasi pegungwa rinoita kuti zuva riwedzere kudziya kwemvura, zvoita kuti chando ichi chiwedzere kunyunguduka. Izvi zvinogona kuramba zvichiitika, zvozokonzera kuti mvura iwande mumakungwa zvokuti upenyu hwevanhu vakawanda hunova pangozi.
-