RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Vanhu Vachaparadza Pasi Rino Zvokusagadzirisika Here?
    Nharireyomurindi—2014 | September 1
    • Vanhu Vachaparadza Pasi Rino Zvokusagadzirisika Here?

      “Chimwe chizvarwa chinoenda, uye chimwe chizvarwa chinouya; asi nyika inogara iripo nokusingagumi.”—MAMBO SOROMONI, WEMUISRAERI YEKARE.a

      Munyori uyu weBhaibheri akararama kare, akaona kuti nyika inoramba iripo nokusingaperi asi vanhu vanongorarama kwemakore mashomanana. Zvechokwadiwo, papfuura zviuru zvemakore chimwe chizvarwa chichiuya uye chimwe chichienda, asi nyika iri kuramba iripo ichitoita kuti zvinhu zvipenyu zvirambe zvichirarama.

      Zvinhu zvachinja zvazvisati zvamboita kubvira pakaitika Hondo Yenyika Yechipiri. Mumakore anenge 70 apfuura, zvinhu zvakavandudzwa zvikuru panyaya dzezvekufambisa, nzira dzekutumirana mashoko, uye ruzivo rwekugadzirwa kwezvinhu, izvo zvachinja mamiriro ezvoupfumi munyika zvaisambofungidzirwa. Vakawanda vava neupenyu hwaimbonzi hahukwanisiki. Ukuwo, vanhu vawanda zvakapetwa katatu kubva pakaitika hondo yenyika yechipiri.

      Asi zvose izvi zvakakanganisawo zvimwe zvinhu. Zviri kuitwa nevanhu zvinonzi zviri kukuvadza nyika zvokuti zvinhu zvakasikwa zvinotsigira upenyu zvichaguma zvisisashandi zvakanaka. Mamwe masayendisiti akatotaura kuti mumazana mashomanana emakore apfuura, vanhu vakawedzera kuparadza nyika.

      Bhaibheri rakagara rataura kuti vanhu ‘vaizoparadza nyika.’ (Zvakazarurwa 11:18) Vamwe havana chokwadi kana nguva yatiri kurarama iri iyo yaitaurwa nezvayo. Nyika ino ichawedzera kuparadzwa kusvika papi? Ichasvika pokuti haizogadzirisiki here? Vanhu vachaiparadza zvachose here?

      ICHASVIKA POKUTI HAIZOGADZIRISIKI HERE?

      Nyika ino ichasvika pokuti haizogadzirisiki here? Mamwe masayendisiti anoti kuchinja kwezvinhu kuri kuita kuti zviome kuziva kuti zvichaguma nei. Izvi zvinoita kuti vafungidzire kuti mamiriro okunze achangoerekana achinja zvokuti achawondonga zvinhu zvakawanda.

      Bheya rakamira pachando

      Chimbofunga nezvechando chiri kumadokero kweAntarctic. Vamwe vanofunga kana kunze kukaramba kuchiwedzera kupisa, chando ichi chinogona kuramba chichinyunguduka, zvokuti mvura yacho haizovizve chando. Vanodaro nokuti chando ichi chagara chichifukidza mvura yegungwa kuAntarctic kuti isarohwa nezuva. Asi chando ichi pachinenge chichinyunguduka, zuva rinoguma rava kunyatsorova mvura yegungwa. Rima rinenge riri pasi pegungwa rinoita kuti zuva riwedzere kudziya kwemvura, zvoita kuti chando ichi chiwedzere kunyunguduka. Izvi zvinogona kuramba zvichiitika, zvozokonzera kuti mvura iwande mumakungwa zvokuti upenyu hwevanhu vakawanda hunova pangozi.

  • Vanhu Vachaparadza Pasi Rino Zvokusagadzirisika Here?
    Nharireyomurindi—2014 | September 1
    • Kukanganisa Kuri Kuita Vanhu Nyika

      • Mhepo Yakaputira Nyika. “Pane uchapupu hwakasimba hwekuti mhepo yatiri kufema, makungwa uye nyika zviri kuwedzera kudziya . . . Kubvira kuma1950, vanhu ndivo vari kunyanya kukonzera izvi.”​—American Meteorological Society, 2012.

      • Nyika. “Ingasvika hafu yenyika yose yakachinjwa nevanhu, zvikakanganisa marudzi akasiyana-siyana emhuka nemiti uyewo kukura kwemiti ichishandisa manyowa anogadzirwa nemashizha ayo, . . . pamwe nemamiriro ekunze.”​—Global Change and the Earth System.

      • Makungwa. “Inenge 85 muzana yemunzvimbo dzinobatwa hove munyika yose, muri kubatwa hove zvakapfurikidza, masara hove shomanana, kana kuti dziri kuwedzera kubva pakutapudzwa kwadzanga dzaita.”​—BBC, September 2012.

      • Marudzi Akasiyana-siyana Emiti Nemhuka. “Masayendisiti akawanda anofunga kuti . . . vanhu ndivo vachakonzera [kutsakatika kwemarudzi akawanda emiti nemhuka]. Anoti izvi zvinogona kuitika nokukurumidza kupfuura zvati zvamboitika.”​—Kubva pascience.nationalgeographic.com.

Mabhuku eChiShona (1973-2025)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe