RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Uchateerera Nyevero yaMwari Here?
    Nharireyomurindi—1993 | March 1
    • Mumakore achangobva kupfuura zvakawanda zvakataurwa pamusoro pechimwezve chisakiso chenhamo: kuparadza kwomunhu mhoteredzo. Kunyange zvazvo Jesu asina kududza ikoku zvakananga muuporofita hwake, Zvakazarurwa 11:18 (NW), inoratidzira kuti pamberi poruparadziko runouya, munhu aizova achi“paradza pasi.” Ufakazi hwokuti uku kuparadza kuri kuitika hwakawanda. Achinokorwa mashoko mubhuku rinonzi State of the World 1988, nyanzvi yemhoteredzo Norman Myers inopa iri shoko rinotyisa: “Hakuna chizvarwa munguva yakapfuura chakatarisana nekariro yokutsakatika kwavazhinji mukati menduramo yacho. Hakuna chizvarwa munguva yemberi chichazombotarisana nedenho yakafanana: kana chizvarwa chino chazvino chikakundikana kubata basa racho, kuvadziko ichave yaitwa uye hakusati kuchizova no‘kuedza kwechipiri.’”

      Rangarira mushumo womuchinyorwa chamagazini yeNewsweek chaFebruary 17, 1992, pamusoro pokupera kweozone mumhepo yakapoteredza pasi. Nyanzvi yeozone yeGreenpeace Alexandra Allen yakanokorwa mashoko seinonyevera kuti kurasikirwa neozone “zvino ityisidziro kunguva yemberi youpenyu hwose pasi pano.”—Ona bhokisi riri papeji ino nokuda kwohumwe ufakazi hwokuparadzwa kwemhoteredzo yapasi.

  • Uchateerera Nyevero yaMwari Here?
    Nharireyomurindi—1993 | March 1
    • [Bhokisi riri papeji 6]

      Zvinetso Zvemhoteredzo—Chiratidzo Chenguva

      ◻ Chidzitiro cheozone chinodzivirira munzvimbo dzina vanhu vazhinji zvikuru dzeNorthern Hemisphere chiri kutetepa nokukurumidza nakaviri kupfuura izvo masayendisiti aifunga makore mashomanene chete apfuura.

      ◻ Chiverengero chidukusa chamarudzi emiti nemhuka 140 chiri kutsakatika zuva rimwe nerimwe.

      ◻ Mwero yemhepo yakapoteredza pasi yecarbon dioxide inobata kupisa zvino yakakwira ne 26 muzana kupfuura pamberi pokukura kwamabasa okugadzira zvinhu, uye inopfuurira kukwira.

      ◻ Pamusoro papasi paipisa zvikuru muna 1990 kupfuura mugore ripi neripi chifo chaapo kuchengeta chinyorwa kwakavamba pakati pezana ramakore rechi 19; matanhatu amakore manomwe anopisa zvikurusa akanyorwa akaitika chifo cha 1980.

      ◻ Masango ari kuparara pamwero wamahectare ane mamirioni 17 pagore, nharaunda inenge hafu yohukuru hweFinland.

      ◻ Chiverengero chavagari venyika chiri kukura navanhu vana mamirioni 92 gore negore—vanodokuenzana nokuwedzera imwe Mexico gore rimwe nerimwe; veiyi hwerengedzo, mamirioni 88 ari kuwedzerwa munyika dziri kubudirira.

      ◻ Vanhu vane mabhirioni 1,2 havana mvura yakanaka yokunwa.

      Mukuwirirana nebhuku rinonzi State of the World 1992, rakanyorwa neWorldwatch Institute, mapeji 3, 4, W. W. Norton & Company, New York, London.

Mabhuku eChiShona (1973-2025)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe