-
Umambo hwaMwari Hwaberekwa!Zvakazarurwa—Mugumo Wazvo Une Mbiri Wava Pedyo!
-
-
7. Chii chiri chimwe chiratidzo icho Johane anoona mudenga?
7 Ko Johane anooneizve chinotevera? “Uye chimwe chiratidzo chakaonwa mudenga, uye, tarirai! dragoni huru tsvuku, ine misoro minomwe nenyanga dzine gumi uye pamisoro yayo pane korona nomwe; uye rumhinda rwayo runokukura chetatu chenyeredzi dzokudenga, uye yakadzikandira pasi. Ipapo dragoni yakaramba yakamira pamberi pomukadzi wakanga odokusununguka, kuti, apo iye anosununguka, iyo igoparadza mwana wake.”—Zvakazarurwa 12:3, 4.
-
-
Umambo hwaMwari Hwaberekwa!Zvakazarurwa—Mugumo Wazvo Une Mbiri Wava Pedyo!
-
-
9. Chii chinoratidzirwa neidi rokuti rumhinda rwedragoni “runokukura chetatu chenyeredzi dzokudenga” kuburukira kupasi?
9 Dragoni ine simbawo munzvimbo yomudzimu. Kupfurikidza norumhinda rwayo, iyo ino“kukura chetatu chenyeredzi dzokudenga.” Nyeredzi dzinogona kumirira ngirozi. (Jobho 38:7) Kududzwa kwe“chetatu” kungasimbisa kuti chiverengero chakati kuti chengirozi chakatsauswa naSatani. Apo idzo dzakangova bedzi pasi poudzori hwake, pakanga pasina kupukunyuka kwadzo. Idzo hadzati dzaigona kudzokera kusangano dzvene raMwari. Dzakava madhemoni, dzakazvuzvurudzwa pamwe chete, sokunge zvakadaro, naSatani mambo wadzo, kana kuti mubati ushe. (Mateo 12:24) Satani akadzikandirawo kupasi. Ikoku pasina panikiro kunonongedzera kuzuva raNoa pamberi paMafashamo, apo Satani akanyengedza vanakomana vasingateereri vaMwari kuburukira kupasi ndokugara navanasikana vavanhu. Sechirango, idzi “ngirozi dzakaita chivi” dzakakandirwa naMwari mumugariro wakafanana netorongo unonzi Tartaro.—Genesi 6:4; 2 Petro 2:4; Judhasi 6.
10. Masanganoi anoshorana anooneka, uye nei dragoni ichitsvaka kuparadza mwana apo mukadzi anosununguka?
10 Nokudaro, masangano maviri anoshorana anosanoonekwa pamhene—sangano rokudenga raJehovha serinofananidzirwa nomukadzi uye sangano ramadhemoni raSatani rinozvidza uchangamire hwaMwari. Nhau huru youchangamire inofanira kugadzikiswa. Asika seiko? Satani, achiri kuzvuzvurudza madhemoni pamwe chete naye, akafanana nechikara chinoona nyama inobvira. Iye ari kumirira mukadzi kuti asununguke. Iye anoda kuparadza uyu mucheche anokarirwa nokuti iye anoziva kuti iye anoparira tyisidziro yamanenji yokuvapo kwake kunopfuurira neyeyo yenyika iyo iye anoshandisa ubati ushe pairi.—Johane 14:30.
-