-
Umambo hwaMwari Hwaberekwa!Zvakazarurwa—Mugumo Wazvo Une Mbiri Wava Pedyo!
-
-
17, 18. (a) Ko Johane anoshuma kuitai kwokudenga pamusoro pokuwa kwaSatani achibva kudenga? (b) Chii chiri manyuko anobvira einzwi guru iro Johane anonzwa?
17 Johane anoshuma kuita kwokufara kwokudenga kwouku kuwa kukurusa kwaSatani, kuti: “Ipapo ndakanzwa inzwi guru mudenga richiti: ‘Zvino rwasvika ruponeso nesimba noumambo zvaMwari wedu nechiremera chaKristu wake, nokuti mupomeri wehama dzedu wakakandirwa pasi, uyo unodzipomera masikati nousiku pamberi paMwari wedu! Uye ivo vakamukunda nokuda kweropa reGwayana uye nokuda kweshoko rokupupurira kwavo, uye ivo havana kuda mweya yavo kunyange pakunangana norufu. Nokuda kwaikoku farai, imi matenga nemi munogaramo!’ ”—Zvakazarurwa 12:10-12a.
-
-
Umambo hwaMwari Hwaberekwa!Zvakazarurwa—Mugumo Wazvo Une Mbiri Wava Pedyo!
-
-
20. Ko maKristu akatendeka akakunda sei Satani?
20 MaKristu akazodzwa, ayo anonzi akarurama “nokuda kweropa reGwayana,” ari kupfuurira kupupurira kuna Mwari nokuna Jesu Kristu pasinei zvapo nezvitambudzo. Kwaanopfuura makore 120, iri boka raJohane rave richiratidzira zvirevo zvikuru zvinobatanidzwa nokuguma kweNguva dzaVamarudzi muna 1914. (Ruka 21:24, King James Version) Uye boka guru zvino riri kubatira muruvimbiko kurutivi rwavo. Hapana navamwe vaivava vano“tya avo vanouraya muviri asi vasingagoni kuuraya mweya,” seizvo zvinoitika chaizvoizvo zveZvapupu zvaJehovha zvakaratidzira zvaratidzirazve munguva yedu. Kupfurikidza neshoko romuromo uye kupfurikidza nokuzvibata kwakafanira kwechiKristu, ivo vakakunda Satani, nguva dzose vachimubvumikisa kuva murevi wenhema. (Mateo 10:28; Zvirevo 27:11; Zvakazarurwa 7:9) Pakuva vanomutsirwa kudenga, maKristu akazodzwa anofanira kuva anofara sei, sezvo Satani asati achitongovakozve kumusoro ikoku kuti apomere hama dzavo! Inguva, zvamazvirokwazvo, yokuti boka rose rengirozi ridavidze nomufaro kukudanidzira, kwokuti: “Farai, imi matenga, nemi munogaramo!”
-