-
Kristu Anotungamirira Ungano YakeNharireyomurindi—2002 | March 15
-
-
5, 6. (a) Muchiratidzo chakagamuchirwa nomuapostora Johani, “zvigadziko zvemarambi zvinomwe zvendarama” ne“nyeredzi nomwe” zvinomirirei? (b) Chii chinoratidzwa nokuti “nyeredzi nomwe” dziri muruoko rworudyi rwaJesu?
5 Bhuku reBhaibheri raZvakazarurwa rinoratidza kuti muranda akatendeka anotungamirirwa chaizvoizvo naJesu Kristu. Muchiratidzo che“zuva raShe,” muapostora Johani akaona “zvigadziko zvemarambi zvinomwe zvendarama, uye pakati pezvigadziko zvemarambi pakanga pane mumwe munhu akafanana nemwanakomana womunhu” uyo “muruoko rwake rworudyi akanga ane nyeredzi nomwe.” Achitsanangurira Johani chiratidzo chacho Jesu akati: “Kana chiri chakavanzika chitsvene chenyeredzi nomwe dzawaona paruoko rwangu rworudyi, nechezvigadziko zvemarambi zvinomwe zvendarama: Nyeredzi nomwe dzinoreva ngirozi dzeungano nomwe, uye zvigadziko zvemarambi zvinomwe zvinoreva ungano nomwe.”—Zvakazarurwa 1:1, 10-20.
6 “Zvigadziko zvemarambi zvinomwe zvendarama” zvinofananidzira ungano dzose dzechokwadi dzechiKristu dziripo mu“zuva raShe,” rakatanga muna 1914. Asi zvakadini ne“nyeredzi nomwe”? Pakutanga, dzaifananidzira vatariri vose vakaberekwa nomudzimu, vakazodzwa vaitarisira ungano dzomuzana remakore rokutanga.a Vatariri vaiva muruoko rworudyi rwaJesu—vachidzorwa nokutungamirirwa naye. Hungu, Kristu Jesu akatungamirira muranda wacho aiumbwa nevazhinji. Zvisinei, iye zvino vatariri vakazodzwa vava vashoma. Utungamiriri hwaKristu hunosvika sei kuungano dzinopfuura 93 000 dzeZvapupu zvaJehovha pasi pose?
7. (a) Jesu anoshandisa sei Dare Rinodzora kutungamirira ungano pasi pose? (b) Nei zvinganzi vatariri vechiKristu vanogadzwa nomudzimu mutsvene?
7 Kufanana nomuzana remakore rokutanga, boka duku revarume vanogona basa vanobva pakati pevatariri vakazodzwa iye zvino rinoshanda seDare Rinodzora, rinomiririra muranda akatendeka, akangwara anoumbwa nevazhinji. Mutungamiriri wedu anoshandisa Dare Rinodzora iri kugadza varume vanogona basa—vangava vakazodzwa nomudzimu kana vasina—kuva vakuru muungano dzomunharaunda. Pakugadzwa kwevakuru, mudzimu mutsvene, uyo Jehovha akapa Jesu simba rokushandisa, unoita basa rinokosha kwazvo. (Mabasa 2:32, 33) Chokutanga, vatariri ava vanofanira kuva nezvinhu zvinotarisirwa zviri muShoko raMwari rakafuridzirwa nomudzimu mutsvene. (1 Timoti 3:1-7; Tito 1:5-9; 2 Petro 1:20, 21) Kurumbidza nokugadza kwacho kunoitwa pambonyengeterwa uye mukutungamirira kwomudzimu mutsvene. Uyezve, vanhu vanogadzwa vacho vanopa uchapupu hwokuti vanobereka zvibereko zvomudzimu iwoyo. (VaGaratiya 5:22, 23) Saka, zano raPauro rinoshanda zvakafanana kuvakuru vose, vangava vakazodzwa kana vasina, rinoti: “Zvichenjererei imi neboka rose, iro mudzimu mutsvene wakakugadzai kuva vatariri pariri.” (Mabasa 20:28) Varume vakagadzwa ava vanotungamirirwa neDare Rinodzora uye vanofudza ungano vachida. Munzira iyi, Kristu anesu iye zvino uye ari kutungamirira chaizvo ungano.
-
-
Kristu Anotungamirira Ungano YakeNharireyomurindi—2002 | March 15
-
-
a “Nyeredzi” pano hadzifananidziri ngirozi chaidzo. Jesu aisazomboshandisa munhu kunyora mashoko nokuda kwezvisikwa zvomudzimu zvisingaonekwi. Naizvozvo, “nyeredzi” dzinofanira kumirira vatariri vari vanhu, kana kuti vakuru, vari muungano, vanoonekwa senhume dzaJesu. Nhamba yavo zvairi nomwe inoratidza kukwana kunoenderana nezvinodiwa naMwari.
-