-
Madambudziko aJehovha pachiKristudhomuZvakazarurwa—Mugumo Wazvo Une Mbiri Wava Pedyo!
-
-
29. Chii chinozadzika zvinoitika zvokufananidzira zve“nyeredzi huru inopfuta mwoto sezhenje,” uye nei?
29 Takaona chinofananidzirwa nenyeredzi mumashoko aJesu aitumirwa kuungano nomwe, umo nyeredzi nomwe dzinofananidzira vakuru vari mudziungano.b (Zvakazarurwa 1:20) “Nyeredzi” dzakazodzwa, pamwe chete navamwe vavakazodzwa, vanogara munzvimbo dzokudenga mupfungwa yomudzimu kubvira panguva yavanoiswa chisimbiso nomudzimu mutsvene sechisimbiso chenhaka yavo yokudenga. (VaEfeso 2:6, 7) Zvisinei, muapostora Pauro akanyevera kuti pakati pavakadaro vakafanana nenyeredzi paizobuda vatsauki pakutenda, vezvamasekete, vaizotsausa boka. (Mabasa 20:29, 30) Kusatendeka kwakadaro kwaizoparira kutsauka pakutenda kukuru, uye ava vakuru vakawa vaizosvika pakuumba munhu womubatanidzwa wokusateerera mutemo aizozvisimudzira iye amene kunzvimbo yakafanana neyaMwari pakati pavanhu. (2 VaTesaronika 2:3, 4) Nyevero dzaPauro dzakazadzika apo vafundisi vechiKristudhomu vakaoneka panzvimbo yenyika. Iri boka rinosanomirirwa nomufananidzo we“nyeredzi huru inopfuta mwoto sezhenje.”
-
-
Madambudziko aJehovha pachiKristudhomuZvakazarurwa—Mugumo Wazvo Une Mbiri Wava Pedyo!
-
-
b Kunyange zvazvo nyeredzi nomwe dziri muruoko rworudyi rwaJesu dzichifananidzira vatariri vakazodzwa vomuungano yechiKristu, vakuru vari muzhinjisa dzeungano dzinopfuura 100 000 munyika nhasi ndeveboka guru. (Zvakazarurwa 1:16; 7:9) Ndeipi iri nzvimbo yavo? Sezvo ivo vachiwana kugadzwa kwavo kupfurikidza nomudzimu mutsvene kupfurikidza neboka rakazodzwa romuranda akatendeka nowakachenjera, ivava vanogona kutaurwa kuva pasi poruoko rworudyi rwaJesu rwokudzora, nokuti ivowo vafudzi vaduku vake. (Isaya 61:5, 6; Mabasa 20:28) Ivo vanotsigira “nyeredzi nomwe” mukuti vanobatira umo hama dzinokwaniriswa dzakazodzwa dzisingawanikwi.
-