-
Kurwisana Nezvikara Zviviri ZvinoruraZvakazarurwa—Mugumo Wazvo Une Mbiri Wava Pedyo!
-
-
25. (a) Ko Johane anorondedzera sei chimwe chikara chokufananidzira chinobudira panyika? (b) Chii chinoratidzirwa nenyanga mbiri dzechikara chitsva uye nokubuda kwacho mupasi?
25 Asi zvino chimwe chikara chinobuda panyika. Johane anoshuma, kuti: “Zvino ndakaona chimwe chikara chichikwira chichibva papasi, uye chakanga chine nyanga mbiri segwayana, asi chakavamba kutaura sedragoni. Uye chinoshandisa chiremera chose chechikara chokutanga chiri mberi kwacho. Uye chinoita kuti pasi naavo vanogara pariri vanamate chikara chokutanga, chine mbonje inouraya yakapora. Uye chinoita zviratidzo zvikuru, zvokuti chinotofanira kuita kuti mwoto uburukire pasi pamberi pavanhu uchibva kudenga.” (Zvakazarurwa 13:11-13) Ichi chikara chine nyanga mbiri, kuratidzira mushandira pamwe woubati ushe huviri hwezvamatongerwe enyika. Uye icho chinorondedzerwa sechinobuda papasi, kwete mugungwa. Nokudaro, chinobuda mutsika yezvinhu yapasi yakatoumbwa yaSatani. Chinofanira kuva ubati ushe hwenyika, hunotovapo, hunotora rutivi runokosha muzuva raShe.
-
-
Kurwisana Nezvikara Zviviri ZvinoruraZvakazarurwa—Mugumo Wazvo Une Mbiri Wava Pedyo!
-
-
27. (a) Chimiroi chechikara chine nyanga mbiri chinoratidzirwa neidi rokuti icho chinoita kuti mwoto uburuke uchibva kudenga? (b) Ko vanhu vazhinji vanorangarira sei mubiyacho wazvino uno wechikara chine nyanga mbiri?
27 Ichi chikara chine nyanga mbiri chinoita zviratidzo zvikuru, kunyange kuita kuti mwoto uburuke uchibva kudenga. (Enzanisa naMateo 7:21-23.) Ichi chiratidzo chapashure chinotiyeuchidza nezvaEria, muporofita wekare waMwari uyo akapinda mukwikwidzano navaporofita vaBhaari. Apo iye murubudiriro akadana mwoto kuburuka uchibva kudenga muzita raJehovha, kwakabvumikisa pasina panikiro kuti iye akanga ari muporofita wechokwadi uye kuti vaporofita vaBhaari vakanga vari venhema. (1 Madzimambo 18:21-40) Savaporofita ivavo vaBhaari, chikara chine nyanga mbiri chinonzwa kuti icho chine zvipupuriro zvakaringanira somuporofita. (Zvakazarurwa 13:14, 15; 19:20) Chokwadika, icho chinoti chakakurira masimba ezvakaipa muhondo mbiri dzenyika, uye chakakunda chiKomonizimu chainzi hachidi Mwari! Zvamazvirokwazvo, vazhinji vanorangarira mubiyacho wazvino uno wechikara chine nyanga mbiri somuchengeti wesununguko uye manyuko ezvinhu zvokunyama zvakanaka.
-