-
Umambo hwaMwari Hunopfuura Humwe Hwose Muzvinhu ZvoseNharireyomurindi—2006 | July 15
-
-
Jesu nevaachatonga navo vanotonga vari panzvimbo yakakwirira kupfuura dzimwe dzose. Pane zvaakaratidzwa achirota, Dhanieri akaonawo kuti “umambo noushe . . . zvakapiwa vanhu vari vatsvene.” (Dhanieri 7:27) Jesu haatongi ari oga. Ane vamwe vaachatonga navo vachange vari madzimambo uye vachashanda sevapristi. (Zvakazarurwa 5:9, 10; 20:6) Nezvavo muapostora Johani akanyora kuti: “Ndakaona, uye, tarira! Gwayana rimire paGomo reZiyoni, riine vane zviuru zvine zana nemakumi mana nezvina . . . vakatengwa vachibva panyika.”—Zvakazarurwa 14:1-3.
Gwayana ndiJesu Kristu pashure pokunge agadzwa kuva Mambo woUmambo. (Johani 1:29; Zvakazarurwa 22:3) Gomo reZiyoni iri rinoreva matenga.a (VaHebheru 12:22) Jesu nevamwe vake vane 144 000 vari kutonga vari kudenga. Chokwadi vanotonga vari panzvimbo yakakwirira zvikuru! Vari kudenga, vanoona zvinhu nenzira yakajeka. Sezvo huri kudenga, “umambo hwaMwari” hunonziwo “umambo hwokumatenga.” (Ruka 8:10; Mateu 13:11) Hakuna zvombo, kunyange kurwisa nezvombo zvenyukireya, kungakanganisa uye kungaparadza hurumende iyi yokudenga. Hahukundiki uye huchazadzisa chinangwa chaJehovha.—VaHebheru 12:28.
-
-
Umambo hwaMwari Hunopfuura Humwe Hwose Muzvinhu ZvoseNharireyomurindi—2006 | July 15
-
-
a Mambo Dhavhidhi womuIsraeri yekare akatorera vaJebhusi Gomo reZiyoni repasi pano achibva ariita guta rake. (2 Samueri 5:6, 7, 9) Akaendesawo Areka tsvene kunzvimbo iyi. (2 Samueri 6:17) Sezvo Areka yairatidza kuvapo kwaJehovha, Ziyoni rainzi nzvimbo inogara Mwari, zvichiita kuti ikodzere kufananidzira kudenga.—Eksodho 25:22; Revhitiko 16:2; Pisarema 9:11; Zvakazarurwa 11:19.
-