Ganhuro 29
Kuimba Rwiyo Rutsva Rworukundo
Chiono 9—Zvakazarurwa 14:1-20
Musoro: Vane 144 000 vane Gwayana paGomo reZioni; ziviso dzengirozi dzinoziviswa mupasi rose; zvikohwiwa zvinochekwa
Nguva yezadziko: 1914 kusvikira kudambudziko guru
1. Zvii zvatakatodzidza pamusoro paZvakazarurwa ganhuro 7, 12, uye 13, uye zvii zvatichadzidza zvino?
HAIWA kunozorodza sei kutendeukira kuchiono chinotevera chaJohane! Mukusiyana namasangano akaita semhuka akashata edragoni, zvino tinoona vabatiri vakavimbika vaJehovha nemibato yavo mukati mezuva raShe. (Zvakazarurwa 1:10) Nechekare, Zvakazarurwa 7:1, 3 yatiwadzanyurira kuti mhepo ina dzoruparadziko dziri kudziviswa kutozosvikira vane 144 000 vose vaava varanda vakazodzwa vaiswa chisimbiso. Zvakazarurwa 12:17 yakazivisa kuti ava “vakasarira vembeu” yomukadzi vanova chipfuro chaicho chaSatani, dragoni, mukati menguva iyoyo. Uye Zvakazarurwa ganhuro 13 yaratidzira nomutoo wakajeka masangano ezvamatongerwe enyika akamutswa pasi pano naSatani kuunza dzvinyiriro huru nechitambudzo choutsinye pavabatiri vakatendeka vaJehovha. Asika muvengi mukuru iyeyo haangagoni kudzivisa donzo raMwari! Zvino tichadzidza kuti pasinei hapo nomubato woupengo waSatani, vose vane 144 000 vanounganidzwa nomutoo worukundo.
2. Ko Johane anotipa kudeyai kuonwa kwomugumo unofadza kuri pana Zvakazarurwa 14:1, uye Gwayana ndiani?
2 Johane, uye aine boka raJohane nhasi, anoratidzwa kudeya kuonwa kwomuuyo iwowo unofadza: “Zvino ndakaona, uye, tarirai! Gwayana rimire paGomo reZioni, uye rakanga rine vane zviuru zvine zana namakumi mana nezvina vane zita raro nezita raBaba varo rakanyorwa pahuma dzavo.” (Zvakazarurwa 14:1) Sezvataona, iri Gwayana nderimwe chetero naMikaeri uyo akachenura matenga kupfurikidza nokubvisa Dhiabhorosi namadhemoni ake. Iye ndiMikaeri uyo Dhanieri anorondedzera sa“akamira nokuda kwavanakomana vavanhu” vaMwari sezvaanogadzirira ku“simuka” mukuita marutongeso akarurama aJehovha. (Dhanieri 12:1; Zvakazarurwa 12:7, 9) Chifo cha1914 iri Gwayana rakazvibaira raMwari rave rimire paGomo reZioni saMambo wouMesiya.
3. Chii chiri “Gomo reZioni” apo Gwayana ne144 000 “vamire” pariri?
3 Kwakangofanana nokudeya kutaura kwakaita Jehovha, kuti: “Ini, kunyange ini, ndakagadza mambo wangu paZioni, gomo rangu dzvene.” (Pisarema 2:6; 110:2) Ikoku hakuzati kuchasitongonongedzerazve kuGomo reZioni rapasi, nzvimbo yomugariro wapasi yeJerusarema rapasi, muguta iro madzimambo ohunhu mumutsara waDhavhidhi aitonga ari. (1 Makoronike 11:4-7; 2 Makoronike 5:2) Aiwa, nokuti Jesu, pashure porufu rwake norumuko muna 33 C.E., akagadzwa seibwe rapakona renheyo paGomo reZioni, nzvimbo yokudenga uko Jehovha akasarudza kuisa “guta raMwari mupenyu, Jerusarema rokudenga.” Nokuda kwechikonzero ichecho, “Gomo reZioni” pano rinomirira nzvimbo yakakwirira yaJesu navadyi venhaka pamwe chete naye, avo vanoumba Jerusarema rokudenga, iro riri Umambo. (VaHebheru 12:22, 28; VaEfeso 3:6) Inzvimbo ine mbiri yoUmambo iyo Jehovha anovasimudzirira kwairi mukati mezuva raShe. Kwamazana amakore, maKristu akazodzwa, sa“mabwe mapenyu,” ave achikarira nomwoyo wose kumira paGomo reZioni irero rokudenga, akabatana naIshe akapiwa mbiri Jesu Kristu muUmambo hwake hukuru.—1 Petro 2:4-6; Ruka 22:28-30; Johane 14:2, 3.
4. Ko kunodaro sei kuti vane 144 000 vose vamire paGomo reZioni?
4 Johane anoona asati achingova bedzi Jesu asi mutumbi wakakwana wevadyi venhaka biyake vane 144 000 voUmambo hwokudenga vamire paGomo reZioni. Panguva yavanomirirwa nechiono, vazhinji, asi kwete vose, vevane 144 000 vatova mudenga. Gare gare muchiono chimwe chetecho, Johane anoziva kuti vamwe vavatsvene vachiri vanofanira kutsungirira ndokufa vakatendeka. (Zvakazarurwa 14:12, 13) Sezvinooneka, ipapoka, vamwe vevane 144 000 vachiri pasi pano. Naizvozvo kunodaro sei kuti Johane anovaona vose vamire naJesu paGomo reZioni?a Mukuti, semitezo yeungano yamaKristu akazodzwa, ivava zvino “vasvika Gomo reZioni neguta raMwari mupenyu, Jerusarema rokudenga.” (VaHebheru 12:22) SaPauro apo iye akanga achiri pasi pano, ivo—mupfungwa yomudzimu—vakatomutswa kuti vave muhumwe naKristu Jesu munzvimbo dzokudenga. (VaEfeso 2:5, 6) Mukuwedzera, muna 1919 ivo vakadavidza kukokero inoti, “Kwirai pano,” uye munzira yokufananidzira vaka“kwira mudenga vari mugore.” (Zvakazarurwa 11:12) Nokuda kwaaya magwaro, tinogona kuona kuti vose vane 144 000—kutaura mumudzimu—vanowanwa paGomo reZioni vaina Jesu Kristu.
5. Mazita avanaani akanyorwa pahuma dzavane 144-000, uye chii chiri revo yezita rimwe nerimwe?
5 Vane 144 000 havana rutivi navanamati vechikara, vane chiratidzo chine chiverengero chokufananidzira che666. (Zvakazarurwa 13:15-18) Mukusiyana, ava vakavimbika vane zita raMwari nereGwayana rakanyorwa pahuma dzavo. Pasina panikiro, Johane, muJudha, akaona zita raMwari mumabhii echiHebheru, יהוה.b Mukuva nezita raBaba vaJesu rakanyorwa nomutoo wokufananidzira pahuma dzavo, ava vakaiswa chisimbiso vanozivisa kuna vose kuti ivo zvapupu zvaJehovha, varanda Vake. (Zvakazarurwa 3:12) Kuva kwavo nezita raJesu rinoratidzirwawo pahuma dzavo kunoratidzira kuti ivo vanobvuma kuva vari vake. Iye ndiye “murume” wavo akavimbiswa, uye ivo “mwenga” wake anokarirwa, “chisiko chitsva” chinobatira Mwari chichirangarira upenyu hwokudenga. (VaEfeso 5:22-24; Zvakazarurwa 21:2, 9; 2 VaKorinte 5:17) Ukama hwavo chaihwoihwo naJehovha naJesu Kristu hunotapurawo mifungo yavo yose nezviito.
Kuimba Sokunge Kuti Rwiyo Rutsva
6. Johane anonzwa kuimbai, uye iye anokurondedzera sei?
6 Mutsinhirano naikoku, Johane anoshuma, kuti: “Ipapo ini ndakanzwa mutinhiro unobva kudenga somutinhiro wemvura zhinji uye somutinhiro wokutinhira kukuru; uye kutinhira kwandakanzwa kwakanga kuri sokwavaimbi vanoimba pamwe chete norudimbwa vachiridza udimbwa hwavo. Uye ivo vari kuimba sokunge kuti rwiyo rutsva pamberi pechigaro choumambo napamberi pezvisikwa zvipenyu zvina navakuru; uye hapana munhu akanga achikwanisa kudzidza rwiyo irworwo kunze kwezviuru zvine zana namakumi mana nezvina, avo vakadzikinurwa papasi.” (Zvakazarurwa 14:2, 3) Hakuzatiwo kuchishamisa kuti Johane, pakunzwa manzwi 144 000 akabatana murwiyo rumwe runotsinhirana, anoyeuchidzwa nezvemapopomo anonguruma nemipande inonguruma. Haiwa inonakidza sei batano iyeyo yakajeka yakaita soudimbwa! (Pisarema 81:2) Ikwayai pasi pano ingaedza kusvika ukuru hworwiyo irworwo rwakaisvonaka?
7. (a) Ndorupi ruri rwiyo rutsva rwaZvakazarurwa 14:3? (b) Kunodaro sei kuti rwiyo rwePisarema 149:1 rutsva muzuva redu?
7 Asi ndorwupi rwuri urwu “rwiyo rutsva”? Sezvatacherekedza mukutsanangura Zvakazarurwa 5:9, 10, rwiyo rwacho rune chokuita namadonzo oUmambo hwaJehovha negadziriro yake inoshamisa, kupfurikidza naJesu Kristu, nokuda kwokuita Israeri womudzimu “umambo navaprista kuna Mwari wedu.” Irwo rwiyo rwerumbidzo kuna Jehovha rwunoparidzira zvinhu zvitsva zvaari kupedza kupfurikidza naIsraeri waMwari uye nokuda kwake. (VaGaratia 6:16) Mitezo youyu Israeri womudzimu inodavidza kukokero yowezvamapisarema, inoti: “Rumbidzai Jah, imi vanhu! Imbirai Jehovha rwiyo rutsva, rumbidzo yake muungano yavanovimbika. Israeri ngaafarire muMuiti wake mukuru, vanakomana veZioni—ngavave vanofara muna Mambo wavo.” (Pisarema 149:1, 2) Chokwadi, mashoko iwawo akanyorwa mazana amakore akapfuura, asi muzuva redu, iwo akaimbwa nokunzwisiswa kutsva. Muna 1914 Umambo hwouMesiya hwakaberekwa. (Zvakazarurwa 12:10) Muna 1919 vanhu vaJehovha pasi pano vakavamba kuzivisa “shoko roumambo” neshingairo yakavandudzwa. (Mateo 13:19) Vakuchidzirwa norugwaro rwegore rwa1919 (Isaya 54:17) uye vakurudzirwa nedzorerwo yavo kuparadhiso yomudzimu, ivo vakavamba mugore irero ku‘imbira Jehovha namarimba mumwoyo yavo.’—VaEfeso 5:19.
8. Neiko kuri kuti vane 144 000 bedzi ndivo vanokwanisa kudzidza rwiyo rutsva rwaZvakazarurwa 14:3?
8 Neiko, kunyange zvazvo zvakadaro, kuri kuti vane 144 000 bedzi vanokwanisa kudzidza rwiyo runodudzwa pana Zvakazarurwa 14:3? Nemhaka yokuti rune chokuita nezvinoitika zvavo savadyi venhaka vakasarudzwa voUmambo hwaMwari. Ivo voga bedzi vanogamuchirwa savanakomana vaMwari ndokuzodzwa nomudzimu mutsvene. Ivo voga bedzi vanodzikinurwa mupasi kuva rutivi rwoUmambo ihwohwo hwokudenga, uye ivo voga bedzi “vachava vaprista . . . uye vachabata ushe samadzimambo” naJesu Kristu kwechiuru chamakore kusvitsa vanhu kukukwana. Ivo voga bedzi vanoonwa kuva “vanoimba sokunge kuti rwiyo rutsva” pamberi pamene paJehovha.c Izvi zvinoitika zvechienzi nekariro zvinovapa kunzwisiswa kumwe kwoUmambo ndokuvagonesa kuimba pamusoro pahwo nenzira iyo isingaoneki nomumwe munhuwo.—Zvakazarurwa 20:6; VaKorose 1:13; 1 VaTesaronika 2:11, 12.
9. Ko boka guru rakadavidza sei kukuimba kwavakazodzwa, uye izanoi ravakaita nenzira iyeyo?
9 Kunyanguvezvo, vamwe vanoteerera ndokudavidza kukuimba kwavo. Chifo cha1935 boka guru rinowedzera ramamwe makwai rakanzwa rwiyo rwavo rworukundo uye vakasundwa mukuvakumbanira mukuparidzira Umambo hwaMwari. (Johane 10:16; Zvakazarurwa 7:9) Chokwadi, ava vauyi vatsva havagoni kudzidza kuimba chaizvoizvo rwiyo rutsva rumwe cheterwo urwo vabati ushe vomunguva yemberi voUmambo hwaMwari vanoimba. Asi ivo vanoimbawo rwiyo runotsinhirana rwerumbidzo kuna Jehovha rwuri rumbo runokudza Jehovha nokuda kwezvinhu zvitsva zvaari kupedza. Ivo nokudaro vanoita kuraira kwowezvamapisarema, kunoti: “Imbirai Jehovha rwiyo rutsva. Imbirai Jehovha, imi mose vanhu vapasi. Imbirai Jehovha, rumbidzai zita rake. Zivisai mashoko akanaka oruponeso runoitwa naye zuva nezuva. Paridzirai pakati pamarudzi mbiri yake, pakati pamadzinza ose mabasa ake anoshamisa. Ipai kuna Jehovha, haiwa imi mhuri dzamarudzi, ipai kuna Jehovha mbiri nesimba. Itii pakati pamarudzi: ‘Jehovha iye amene ava Mambo.’ ”—Pisarema 96:1-3, 7, 10; 98:1-9.
10. Ko kunobvirira sei vane 144 000 kuimba “pamberi” pavakuru vane 24 vokufananidzira?
10 Ko vane 144 000 vanogona sei kuimba “pamberi” pavakuru, sezvo vakuru 24 vari 144 000 munzvimbo yavo ine mbiri yokudenga? Pakuvamba muzuva raShe, avo vaka“fa muhumwe naKristu” vakamutswa sezvisikwa zvomudzimu. Nokudaro, maKristu akatendeka akazodzwa akakurira zvino ari mudenga, vachiita mukufananidzira mabasa anoenzanirana naawo ezvikamu 24 zvavakuru vouprista. Ivo vanobatanidzwa muchiono chesangano rokudenga raJehovha. (1 VaTesaronika 4:15, 16; 1 Makoronike 24:1-18; Zvakazarurwa 4:4; 6:11) Vakasarira vevane 144 000 vachiri pasi pano nenzira iyeyo vari kuimba rwiyo rutsva pamberi, kana kuti mukuona kwehama dzavo dzakamutswa dziri mudenga.
11. Ko nei vakuriri vakazodzwa vachitaurwa nezvavo savakuru vane 24 uyewo vane 144 000?
11 Papfundo rino tingabvunzawo, kuti: “Neiko kuri kuti ava vakuriri vakazodzwa vanotaurwa nezvavo savakuru vokufananidzira 24 uyewo 144 000? Imhaka yokuti Zvakazarurwa inorangarira iri boka rimwe mumirangariro miviri yakasiyana. Vakuru vane 24 vanogaroratidzirwa vari munzvimbo yavo yokupedzisira vakapoteredza chigaro choumambo chaJehovha, vakagadzwa samadzimambo navaprista mumatenga. Ivo vanofananidzira boka rose re144 000 vari munzvimbo dzavo dzokudenga, kunyange zvazvo panguva ino vakasarira vashomanene vaivava vachiri pasi pano. (Zvakazarurwa 4:4, 10; 5:5-14; 7:11-13; 11:16-18) Zvisinei, Zvakazarurwa ganhuro 7 inonangidzira ngwariro pa144 000 savakadzikinurwa muvanhu, uye inosimbisa donzo guru raJehovha rokuisa chisimbiso chiverengero chakakwana chavaIsraeri vamwe navamwe vokumudzimu uye kupa ruponeso kuboka guru risingaverengwi. Zvakazarurwa ganhuro 14 inogovera mufananidzo unosimbisa kuti boka rakakwana roUmambo ravakuriri vamwe navamwe vane 144 000 vachaunganidzwa pamwe neGwayana paGomo reZioni. Zvikwaniriso zvinoda kusvitswa kuti vagoverengwa pamwe chete navane 144 000 zvinoziviswawo, sezvatichaona zvino.d
Vateveri veGwayana
12. (a) Ko Johane anopfuurira sei nerondedzero yake yavane 144 000? (b) Ko vane 144 000 vanotaurwa nezvavo semhandara mupfungwai?
12 Achipfuurira nerondedzero yake ye144-000 avo vano“dzikinurwa papasi,” Johane anotiudza, kuti: “Ivava ndivo vasina kuzvisvibisa vamene navakadzi; chokwadi, ivo vakachena semhandara. Ivava ndivo vanoramba vachitevera Gwayana pasinei hapo nokwarinoenda. Ivava vakadzikinurwa pakati pavanhu sezvibereko zvokutanga kuna Mwari nokuGwayana, uye hapana nhema dzakawanwa mumiromo yavo; ivo havana chavangapomerwa.” (Zvakazarurwa 14:4, 5) Idi rokuti vane 144 000 vakachena se“mhandara” harizati richireva kuti mitezo yeiri boka haizati hayo iri isina kuroora munyama. Muapostora Pauro akanyorera maKristu akanga ane danwo yokudenga kuti, kunyange pane zvimuko kukusaroora kwomuKristu, roorano inosarudzwa mune mimwe migariro. (1 VaKorinte 7:1, 2, 36, 37) Chinoratidzira iri boka ndirwo rucheno rwomudzimu. Ivo vakadzivisa upombwe hwomudzimu nezvamatongerwe enyika zvenyika uye norudzidziso rwenhema. (Jakobho 4:4; Zvakazarurwa 17:5) Somwenga wakavimbiswa waKristu, ivo vakazvichengeta vamene vakachena, “vasina chavangapomerwa pakati pechizvarwa chakakombama nechakamonyana.”—VaFiripi 2:15.
13. Neiko vane 144 000 vari mwenga wakakodzera nokuda kwaJesu Kristu, uye ivo vano“ramba vachitevera Gwayana pasinei hapo nokwarinoenda” sei?
13 Mukuwedzera, “hapana nhema dzakawanwa mumiromo yavo.” Muna ikoku, ivo vakafanana naMambo wavo, Jesu Kristu. Somunhu akakwana, “iye haana kuita chivi, uye nyengedzo haina kuwanwa mumuromo make.” (1 Petro 2:21, 22) Mukuva vasina chavangapomerwa navakatendeka panguva imwe cheteyo, vane 144 000 vakagadzirirwa somwenga wakachena nokuda kwoMuprista Mukuru zvikuru waJehovha. Apo Jesu akanga ari pasi pano, iye akakoka vane mwoyo yakarurama kumutevera. (Marko 8:34; 10:21; Johane 1:43) Avo vakadavidza vakatevedzera nzira yake youpenyu ndokuteerera dzidziso dzake. Nokudaro, mukati menzira yavo yapasi, ivo “vanoramba vachitevera Gwayana pasinei hapo nokwarinoenda” sezvarinovatungamirira nomunyika yaSatani.
14. (a) Ko kunodaro sei kuti vane 144 000 “zvibereko zvokutanga kuna Mwari nokuGwayana”? (b) Ko boka guru zvibereko zvokutangawo mupfungwai?
14 Vane 144 000 vano“dzikinurwa papasi,” “vanodzikinurwa pakati pavanhu.” Ivo vanogamuchirwa savanakomana vaMwari, uye pashure porumuko rwavo, ivo havazati vachizovazve vanhuwo zvavo venyama neropa. Sezvadudzwa mundima 4, ivo vanova “zvibereko zvokutanga kuna Mwari nokuGwayana.” Chokwadi, shure muzana ramakore rokutanga, Jesu akanga ari “zvibereko zvokutanga zvaavo vakavata murufu.” (1 VaKorinte 15:20, 23) Asi vane 144 000 “zvibereko zvokutanga chaizvoizvo” zvavanhu vasina kukwana, zvakadzikinurwa kupfurikidza nechibairo chaJesu. (Jakobho 1:18) Hunyanguvezvo, kuunganidzwa kwezvibereko zvinobva muvanhu hakuzati kuchiguma navo. Bhuku raZvakazarurwa rakatoratidzira kuchekwa kweboka guru risingaverengeki rinodanidzira nenzwi guru, kuti: “Tinowana ruponeso kuna Mwari wedu, uyo agere pachigaro choumambo, nokuGwayana.” Iri boka guru richapukunyuka dambudziko guru, uye sezvarinopfuurira kuva rinozorodzwa na“matsime emvura dzoupenyu,” iro richasimudzirirwa kukukwana kwohunhu pasi pano. Pane imwe nguva pashure pedambudziko guru, Hadhesi ichakuturwa, uye mamiriyoni asingaverengeki avamwe vanhu achamutswa ndokuva nebanza rokunwa pamatsime mamwe chetewo iwawo emvura dzoupenyu. Tichirangarira ikoku, kwaizova kwakarurama kudana boka guru kuti zvibereko zvokutanga zvamamwe makwai—ivo ndivo vokutanga ku‘suka nguvo dzavo ndokudzichenesa muropa reGwayana’ vaine tariro yokurarama nokusingaperi pasi pano.—Zvakazarurwa 7:9, 10, 14, 17; 20:12, 13.
15. Iwiriranoi dziripo pakati pezvibereko zvitatu zvakasiyana nemitambo yaichengetwa muMutemo waMosesi?
15 Izvi zvibereko zvokutanga zvitatu (Jesu Kristu, vane 144 000, uye boka guru) zvine wirirano dzinofadza dziri mumitambo yaichengetwa mukuwirirana noMutemo waMosesi wekare. Pana Nisani 16, mukati moMutambo weZvipapata Zvisina Kuviriswa, chisote chezvibereko zvokutanga zvezvikohwiwa zvebhari chaipiwa kuna Jehovha. (Revhitiko 23:6-14) Nisani 16 rakanga riri zuva rakamutswa Jesu muvakafa. Pazuva rechi50 kubvira pana Nisani 16, mumwedzi wechitatu, vaIsraeri vaichengeta mutambo wezvikohwiwa zvezvibereko zvakaibva zvokutanga zvezvikohwiwa zvegorosi. (Eksodho 23:16; Revhitiko 23:15, 16) Uyu mutambo wakazosvikira pakunzi Pentekosta (rinobva mushoko rechiGiriki rinoreva kuti “wechimakumi mashanu”), uye pakanga pari paPentekosta ya33 C.E. apo mitezo yokutanga yevane 144 000 yakazodzwa nomudzimu mutsvene. Pakupedzisira, mumwedzi wechinomwe apo zvikohwiwa zvose zvaiunganidzwa, pakanga pane Mutambo weMisasa, nguva yokuonga kwomufaro apo vaIsraeri vaigara kwevhiki vari mumisasa yakaitwa, pakati pezvimwe zvinhu, namatavi emichindwi. (Revhitiko 23:33-43) Nomutoo unowirirana, boka guru, avo vari rutivi rwokuunganidzwa kukuru, vanoonga pamberi pechigaro choumambo vaine “matavi emichindwi mumaoko avo.”—Zvakazarurwa 7:9.
Kuparidzira Mashoko Akanaka Asingaperi
16, 17. (a) Johane anoona ngirozi ichibhururuka kupi, uye ngirozi iri kuita paridziroi? (b) Ndivanaani vanobatanidzwa mubasa rokuparidza Umambo, uye ndizvinoitikai zvinoratidzira ikoku?
16 Tevere Johane anonyora, achiti: “Ipapo ini ndakaona imwe ngirozi ichibhururuka pakati pedenga, uye iyo yakanga ine mashoko akanaka asingaperi okuparidza samatama anofadza kuna avo vanogara papasi, uye kurudzi rwuri rwose nendudzi iri yose nendimi iri yose nedzinza riri rose, ichitaura nenzwi guru, ichiti: ‘Ityai Mwari murumbidzei, nokuti awa yorutongeso runoitwa naye yasvika, naizvozvo namatai Uyo akaita denga napasi negungwa namatsime emvura.’ ” (Zvakazarurwa 14:6, 7) Ngirozi iri kubhururuka “pakati pedenga,” apo shiri dzinobhururuka. (Enzanisa naZvakazarurwa 19:17.) Nokudaro, inzwi rayo rinogona kunzwika kupote mburumbwa yose. Haiwa, iyi paridziro yengirozi yemburumbwa yose inosvika kure zvikuru sei kupfuura kutepfenyura nhau kupi nokupi kwenhepfenyuro inoratidzira mifananidzo!
17 Munhu ari wose anokurudzirwa kutya, kwete chikara nomufananidzo wacho, asi Jehovha, uyo ane simba guru risingaenzanisirwi kupfuura chikara chipi nechipi chomufananidziro chinodzorwa naSatani. Chokwadika, Jehovha akasika denga napasi, uye zvino nguva yasvika yokuti iye atonge pasi! (Enzanisa naGenesi 1:1; Zvakazarurwa 11:18.) Apo aiva pasi pano, Jesu akaporofita pamusoro pezuva redu, kuti: “Uye aya mashoko akanaka oumambo achaparidzirwa mupasi rose rinogarwa nokuda kwouchapupu kumarudzi ose; uye ipapo mugumo uchasvika.” (Mateo 24:14) Ungano yamaKristu akazodzwa iri kuita iri basa. (1 VaKorinte 9:16; VaEfeso 6:15) Zvakazarurwa pano zvinowadzanyura kuti ngirozi dzisingaoneki dzinobatanidzwawo mune iri basa rokuparidza. Haiwa kazhinji kakadini kakaoneka nhungamiro yengirozi mukuunza mumwe weZvapupu zvaJehovha kumusha apo mweya unotambudzika wakanga uchipanga, kunyange kunyengetera, nokuda kwebetsero yomudzimu!
18. Mukuwirirana nengirozi inobhururuka pakati pedenga, iawa yechii yasvika, uye ndivanaani vachaita dzimwezve ziviso?
18 Sokuparidzira kwakaita ngirozi inobhururuka pakati pedenga, awa yorutongeso yasvika. Ko zvino Mwari achaita rutongesoi? Nzeve dzichaunga nokuda kwezviziviso zvino zvichaitwa nengirozi yechipiri, yechitatu, yechina, uye yechishanu.—Jeremia 19:3.
[Mashoko Omuzasi]
a Sokuratidzira kunoita 1 VaKorinte 4:8, maKristu akazodzwa haazati achibata ushe samadzimambo achingunoveri pasi pano. Hunyanguvezvo, mukuwirirana namashoko akapoteredza ari pana Zvakazarurwa 14:3, 6, 12, 13, iwo anogoverana mukuimba rwiyo rutsva kupfurikidza nokuparidza mashoko akanaka sezvaanotsungira kusvikira kumugumo wenzira yawo yapasi.
b Ikoku kunotsigirwa kupfurikidza nokushandiswa kwamazita echiHebheru ari mune zvimwe zviono; Jesu anopiwa zita rechiHebheru rokuti “Abhadhoni” (rinoreva kuti “Ruparadziko”) uye anoita rutongeso panzvimbo “inonzi muchiHebheru Har–Magedhoni.”—Zvakazarurwa 9:11; 16:16.
c Rugwaro rwacho runoti “sokunge kuti rwiyo rutsva,” nokuti rwiyo irwo rumene rwakanyorwa mushoko rouporofita munguva dzekare. Asi kwakanga kusino mumwe aikwaniriswa kuruimba. Zvino, kupfurikidza nokugadzwa kwoUmambo uye kumutswa kwavatsvene, zvinhu chaizvoizvo zvakaratidzira zadziko youporofita, uye yakanga iri nguva yokuimba rwiyo muukuru warwo hwose.
d Mugariro wacho ungaenzaniswa nowowo womuranda akatendeka nowakachenjera anopa zvokudya kuna veimba panguva yakafanira. (Mateo 24:45) Muranda somutumbi uno mutoro nokuda kwokugovera zvokudya, asi veimba, mitezo mimwe nemimwe yomutumbi iwowo, inotsigirwa kupfurikidza nokugoverana gadziriro iyeyo yomudzimu. Iyo ndeyeboka rimwe chetero asi inorondedzerwa namashoko akasiyana—seboka uye savanhu vamwe navamwe.
[Mifananidzo iri papeji 202, 203]
144 000
vakuru 24
Vadyi nhaka biyamwe veGwayana, Kristu Jesu, sezvavanorangarirwa munzira mbiri dzakasiyana