-
Kutsamwa kwaMwari KunopedzwaZvakazarurwa—Mugumo Wazvo Une Mbiri Wava Pedyo!
-
-
6. Chii chinoitika apo ndiro yechitatu inodururwa, uye mashokoi anonzwiwa anobva kungirozi uye anobva paatari?
6 Ndiro yechitatu yokutsamwa kwaMwari, sokurira kwechitatu kwehwamanda, ine tapuro pamanyuko akachena emvura. “Zvino yechitatu yakadururira ndiro yayo munzizi nomumatsime emvura. Ipapo dzakashanduka kuva ropa. Ipapo ini ndakanzwa ngirozi inotarisira mvura ichiti: ‘Imi, Uyo aripo naakanga aripo, Nyakuvimbika, makarurama, nokuti imi makaita izvi zvisarudzo, nokuti ivo vakadurura ropa ravatsvene neravaporofita, uye imi makavapa ropa rokunwa. Ivo vakafanirwa naro.’ Ipapo ndakanzwa atari ichiti: ‘Hungu, Jehovha Mwari, Wamasimba ose, zvisarudzo zvenyu zvokutonga ndezvechokwadi uye zvakarurama.’ ”—Zvakazarurwa 16:4-7.
-
-
Kutsamwa kwaMwari KunopedzwaZvakazarurwa—Mugumo Wazvo Une Mbiri Wava Pedyo!
-
-
10. Ko “ngirozi inotarisira mvura” inozivisei, uye “atari” inowedzera chipupuriroi?
10 “Ngirozi inotarisira mvura,” ndiko kuti, ngirozi inodururira iyi ndiro mumvura, inokudza Jehovha soMutongi Wenzvimbo yose, uyo ane zvisarudzo zvakarurama zviri zvakakwana. Naizvozvo, iye anotaura nezvourwu rutongeso, kuti: “Ivo vakafanirwa narwo.” Pasina panikiro, ngirozi iyo imene yakaona kuteurwa kukurusa kweropa noutsinye zvakakurudzirwa anopfuura mazana amakore kupfurikidza nedzidziso dzenhema nouzivi hwenyika ino yakaipa. Nokuda kwechikonzero ichocho, inoziva kuti chisarudzo chokutonga chaJehovha chakarurama. Kunyange “atari” yaMwari inotaura. Pana Zvakazarurwa 6:9, 10, mweya yaavo vakaurairwa kutendeka inotaurwa kuva iri pasi peatari iyeyo. Naizvozvo “atari” inowedzera chipupuriro chine simba pamusoro peruramisiro nokururama kwezvisarudzo zvaJehovha.a Zvamazvirokwazvo, kwakakodzera kuti avo vakateura ndokushandisa zvisinokufanira zvikuru kwazvo ropa ivo vamene vanofanira kuva vakagombedzerwa kudya ropa, muchiratidzo chokuvatongera kurufu kwaJehovha.
-