-
Kuita Kuti Tirambe Tichizivikanwa sevaKristuNharireyomurindi—2005 | February 15
-
-
4. Jesu akasimbisa sei kudiwa kwokuti tirambe tichinyatsozivikanwa sevaKristu?
4 Zvisinei, sevashumiri vaJehovha vakazvitsaurira, tinoziva kuti zvingasuruvarisa kuti ani naani wedu—muduku kana mukuru—arasikirwe nokuzivikanwa kwake somuKristu. Pfungwa yakanaka yokuzivikanwa sevaKristu ingavakirwa bedzi pane zvinodiwa naJehovha uye pane zvaanotitarisira. Pamusoro pazvo, takasikwa mumufananidzo wake. (Genesi 1:26; Mika 6:8) Bhaibheri rinofananidza kuzivikanwa kwedu sevaKristu nenguo dzokunze, dzinopfekwa kuti vanhu vose vaone. Nezvenguva yedu, Jesu akanyevera kuti: “Tarira! Ndiri kuuya sembavha. Anofara ndiye anoramba akamuka uye anochengeta nguo dzake dzokunze, kuti arege kufamba asina kupfeka vanhu vatarire nyadzi dzake.”a (Zvakazarurwa 16:15) Hatidi kupfekenura unhu hwedu hwechiKristu uye kuzvibata kunodiwa tobvumira nyika yaSatani kuti itiumbe. Kana izvozvo zvaizoitika, taizorasikirwa ‘nenguo dzokunze’ idzi. Taizozvidemba uye taizonyara nemamiriro ezvinhu akadaro.
-
-
Kuita Kuti Tirambe Tichizivikanwa sevaKristuNharireyomurindi—2005 | February 15
-
-
a Mashoko aya anganyatsoreva mabasa omukuru mukuru wetemberi yaiva muJerusarema. Pakurinda usiku, aifamba nomutemberi yacho kuti aone kana vaRevhi vairindira vakanga vakamuka kana kuti vakarara panzvimbo dzavo. Murindiri wose aiwanikwa akarara airohwa netsvimbo, uye nguo dzake dzokunze dzaigona kupiswa sechirango chinonyadzisa.
-