-
Kuchema Nokufarira Mugumo weBhabhironiZvakazarurwa—Mugumo Wazvo Une Mbiri Wava Pedyo!
-
-
Mhaka Yeropa Inotyisa
14. Ko ngirozi ine simba inopa zvikonzeroi nokuda kwoukombi hworutongeso rwaJehovha, uye Jesu nomutoo wakafanana akatii apo iye akanga ari pasi pano?
14 Mumhedziso, ngirozi ine simba inozivisa chikonzero nei Jehovha achitonga Bhabhironi Guru nomutoo wakakomba kudaro. “Hungu,” inodaro ngirozi, “mukati maro makawanwa ropa ravaporofita neravatsvene neraavo vose vakaurawa pasi pano.” (Zvakazarurwa 18:24) Paaiveri pasi pano, Jesu akaudza vatungamiriri vorudzidziso muJerusarema kuti ivo vakanga vane mhaka ye“ropa rose ravakarurama rakateurwa pasi pano, kubvira kuropa raAbheri akarurama” zvichienda mberi. Nomutoo unowirirana, chizvarwa ichecho chakakombama chakaparadzwa muna 70 C.E. (Mateo 23:35-38) Nhasi, chimwe chizvarwa chavezvorudzidziso chine mhaka yeropa nokuda kwokutambudza kwacho vabatiri vaMwari.
15. Ko Chechi yeKaturike muGermany yechiNazi yakava nemhaka yeropa sei munzira mbiri?
15 Mubhuku rake rinonzi The Catholic Church and Nazi Germany, Guenter Lewy anonyora, kuti: “Apo Zvapupu zvaJehovha zvakadzvinyirirwa muBavaria pana April 13, [1933] Chechi yakatogamuchira mugove wayakapiwa neBato Rezvedzidzo noRudzidziso wokushuma pamusoro pemitezo ipi neipi yesekete ichiri kushandisa rudzidziso rwakarambidzwa.” Chechi yeKaturike, nokudaro inogoverana mutoro nokuda kwokuisa zviuru zveZvapupu mumisasa yechibharo; maoko ayo akasvibiswa neropa roupenyu hwamazana eZvapupu zvakaurawa. Apo Zvapupu zviduku, zvakadai saWilhelm Kusserow, zvakaratidzira kuti zvaigona kufa nomutoo woushingi vachiurawa nechikwata chava pfuri, Hitler akasarudza kuti chikwata chava pfuri chakanga chisina utsinye hukuru nokuda kwavarambi vanotungamirirwa nehana; naizvozvo Wolfgang munin’ina waWilhelm, pazera ramakore 20, akafa kupfurikidza nokuchekwa. Panguva imwe cheteyo, Chechi yeKaturike yakanga ichikurudzira vaKaturike vaduku veGermany kufira muuto renyika yokwavo. Mhaka yeropa yechechi iri pachena kuti ionekwe!
16, 17. (a) Imhakai yeropa inofanira kupomerwa Bhabhironi Guru, uye Vatican yakava nemhaka yeropa sei pamusoro pavaJudha vakafira mukuuraya kwamaNazi? (b) Ndeipi iri imwe nzira iyo rudzidziso rwenhema ruine mhosva yokuurayiwa kwamamiriyoni evanhu mumazana ehondo mazuva ano?
16 Zvisinei, uporofita hunoti ropa ra“avo vose vakaurawa pasi pano” rinofanira kupomerwa kuBhabhironi Guru. Ikoko kwave kuchiitika chaizvoizvo munguva dzazvino uno. Somuenzaniso, sezvo rangano yechiKaturike yakabetsera kuisa Hitler pasimba muGermany, Vatican inogoverana mumhaka inotyisa yeropa pamusoro pavaJudha vana mamiriyoni matanhatu avo vakaurayiwa nevaNazi. Uyezve, munguva yedu, vanhu vanopfuura mamiriyoni zana vakaurayiwa mumazana ehondo. Ko rudzidziso rwenhema runofanira kupomerwa mhaka muna ikoku here? Hungu, munzira mbiri.
17 Imwe nzira ndeyokuti hondo zhinji dzine chokuita nokusawirirana kworudzidziso. Somuenzaniso, masimba masimba omuIndia pakati pavaMuslim navaHindu muna 1946-48 akasundwa nomutoo worudzidziso. Mazana ezviuru oupenyu akarashika. Kurwisana pakati peIraq neIran muma1980 kwaiva nechokuita nokusawirirana kwemasekete, uye mazana ezviuru achiva anourawa. Masimba masimba pakati pavaKaturike navaPurotesitendi muNorthern Ireland akauraya zviuru zvoupenyu. Achinzvera uru rutivi, munyori wepepanhau C. L. Sulzberger akati muna 1976: “Izvokwadi inosuruvarisa kuti zvimwe hafu kana kuti inopfuura yehondo zvino dziri kurwiwa kupote nyika yose irwisano dzapamhene dzorudzidziso kana kuti zvimwe dzinobatanidza kakavadzano dzorudzidziso.” Zvamazvirokwazvo, kwave kwakadaro munhau yose yakapirutsika yeBhabhironi Guru.
18. Ndeipi iri nzira yechipiri iyo marudzidziso enyika ane mhaka yeropa mairi?
18 Ndeipi iri nzira yechipiri? Mumurangariro waJehovha, marudzidziso enyika ane mhaka yeropa nemhaka yokuti iwo haana kudzidzisa nomutoo unopwisa vateveri vawo zvokwadi yezvinodikanwa zvaJehovha nokuda kwavabatiri vake. Iwo havana kudzidzisa nomutoo unopwisa vanhu kuti vanamati vechokwadi vaMwari vanofanira kutevedzera Jesu Kristu ndokuratidza rudo kuna vamwe pasinei hapo nemviromviro yorudzi rwavo. (Mika 4:3, 5; Johane 13:34, 35; Mabasa 10:34, 35; 1 Johane 3:10-12) Nokuti marudzidziso anoumba Bhabhironi Guru haana kudzidzisa zvinhu izvozvi, vateveri vao vakapinzwa muchamupupuri chehondo yamarudzi ose. Haiwa ikoku kwakaoneka sei muhondo dzenyika mbiri dzehafu yokutanga yezana ramakore rechi20, idzo dzose dziri mbiri dzakatangwa muchiKristudhomu ndokuparira kuurayana kwavezvorudzidziso biyavo! Kudai vose vanokambira kuva maKristu vakanga vanamatira kunheyo dzeBhaibheri, hondo idzodzo hadzati dzaizodai dzakaitika.
19. Ko Bhabhironi Guru rine mhakai yeropa inotyisa?
19 Jehovha anoisa mutoro nokuda kwouku kwose kuteurwa kweropa patsoka dzeBhabhironi Guru. Kudai vatungamiriri vorudzidziso, uye zvikurukuru avo vari muchiKristudhomu, vakadzidzisa vanhu vavo zvokwadi yeBhaibheri, kuteurwa kweropa kukuru kwakadaro kungadai kusina kuitika. Zvamazvirokwazvo, ipapoka, nomutoo wakananga kana kuti nomutoo usina kunanga, Bhabhironi Guru—hure guru noumambo hwenyika hworudzidziso rwenhema—rinofanira kuzvidavirira kuna Jehovha kwete bedzi nokuda kwe“ropa ravaporofita neravatsvene” avo iro rakatambudza ndokuuraya asi nokuda kweropa “ravose vakaurawa pasi pano.” Bhabhironi Guru zvamazvirokwazvo rine mhaka yeropa inotyisa. Haiwa kubviswa kwakanaka kwakadini apo ruparadziko rwaro rwokupedzisira rwunoitika!
-
-
Kuchema Nokufarira Mugumo weBhabhironiZvakazarurwa—Mugumo Wazvo Une Mbiri Wava Pedyo!
-
-
[Bhokisi riri papeji 270]
Mubairo Wokutera
Mubhuku rake rinonzi The Catholic Church and Nazi Germany Guenter Lewy anonyora, kuti: “Kudai chiKaturike cheGermany kubvira pakutanga chakaomerera kumuitiro wokurwisana wakatsiga noumambo hwamaNazi, nhau yenyika ingadai yakasanosiyana. Kunyange kudai uku kuparapatika pakupedzisira kwakanga kwakakundikana kukurira Hitler ndokudzivisa zviito zvakashata zvake zvose zvizhinji, muno uyu murangariro kwaizodai kwakamutsa nomutoo usingayereki mukurumbira wetsika dzokuzvibata weChechi. Mubairo wavanhu wokudzivisa kwakadaro ungadai wakava mukuru nomutoo usingarambiki, asi izvi zvibairo zvingadai zvakaitwa nokuda kwechikonzero chikurusa kupinda zvose. Aina vanhu vokumusha vasingavimbiki, Hitler angadai asina kutsunga kuenda kuhondo uye mamiriyoni chaiwoiwo oupenyu angadai akaponeswa. . . . Apo zviuru zvamaGerman anorwisana nechiNazi zvakatambudzwa kusvikira zvafa mumisasa yechibharo yaHitler, apo vazivi vePoland vakaurawa, apo mazana ezviuru zvamaRussia zvakafa somuuyo wokubatwa seSlavic Untermenschen [vanhu vakaderera], uye apo vanhu vane 6 000 000 vakaurawa nokuda kwokuva ‘vasiri vaAryan,’ vakuru vakuru veChechi yeKaturike vomuGermany vakatsigira umambo hwaiita izvi zviito zvakashata. Papa womuRoma, musoro wokumudzimu nomudzidzisi mukuru wetsika dzokuzvibata weChechi yeKaturike yeRoma, akaramba hake anyerere.”—Mapeji 320, 341.
-