Inguvai Yemberi Iripo Nokuda Kwamakwai Nembudzi?
“Achaparadzanisa vanhu mumwe achibva kune mumwe, kungofanana nomufudzi anoparadzanisa makwai nembudzi.”—MATEO 25:32, NW.
1, 2. Neiko mufananidzo wamakwai nembudzi uchifanira kutifadza?
JESU KRISTU zvirokwazvo akanga ari Mudzidzisi mukurusa pasi pano. (Johane 7:46) Mumwe wemitoo yake yokudzidzisa wakanga uri kushandiswa kwemifananidzo, kana kuti mienzanisiro. (Mateo 13:34, 35) Iyoyi yaiva yakapfava bva ine simba mukuzivisa zvokwadi dzakadzama nedzouporofita.
2 Mumufananidzo wamakwai nembudzi, Jesu akanongedzera kunguva yake yokuti aite chiito mumwero chaiwo wakati, achiti: “Zvino kana Mwanakomana womunhu achiuya nokubwinya kwake, na. . .” (Mateo 25:31) Ikoku kunofanira kutifadza nemhaka yokuti ndiwo muenzanisiro kupfurikidza nawo Jesu akagumisa mhinduro yake kumubvunzo wokuti: “Nechiratidzo chokuuya kwenyu nechokuguma kwenyika chichava chipiko?” (Mateo 24:3) Asi izvozvi zvinorevei nokuda kwedu?
3. Pakuvamba muhurukuro yake, chii icho Jesu akati chaizotanga pakarepo pashure pokuvamba kwedambudziko guru?
3 Jesu akafanotaura zviitiko zvinoshamisa zvaizouya “pakarepo, shure” kwokuvamba kwedambudziko guru, zviitiko zvatakamirira. Akataura kuti ipapo “chiratidzo choMwanakomana womunhu” chaizooneka. Ikoku kuchatapura zvikuru “marudzi ose enyika” ayo acha“ona Mwanakomana womunhu achiuya pamusoro pamakore okudenga nesimba nokubwinya kukuru.” Mwanakomana womunhu achave achiperekedzwa na“vatumwa vake.” (Mateo 24:21, 29-31)a Zvakadiniko nomufananidzo wamakwai nembudzi? MaBhaibheri azvino uno anouisa muganhuro 25, asi rutivi rwemhinduro yaJesu, runopa udzame hwokuwedzera pamusoro pokuuya kwake mumbiri uye achinangidzira ngwariro parutongeso rwake rwe“marudzi ose.”—Mateo 25:32.
Vanhu Vari Mumufananidzo
4. Kududzwai kunoitwa pamusoro paJesu pakuvamba kwomufananidzo, uye ndianizve anodudzwa?
4 Jesu anovamba mufananidzo wacho, nokuti: “Zvino kana Mwanakomana womunhu achiuya.” Sezvinobvira unoziva uyo ari “Mwanakomana womunhu.” Vanyori veEvhangeri vaiwanzoshandisira kutaura ikoko kuna Jesu. Kunyange Jesu amene akaita kudaro, pasina kupanikira achirangarira chiono chaDhanieri cho“mumwe wakafanana nomwanakomana womunhu” achiswedera kune Akakwegura paMazuva kuti agamuchire “simba, nokubwinya, noushe.” (Dhanieri 7:13, 14; Mateo 26:63, 64; Marko 14:61, 62) Nepo Jesu ari iye anokosha mune uyu mufananidzo, haasati ari oga. Pakuvamba zvikuru muhurukuro ino, sezvanokorwa mashoko pana Mateo 24:30, 31, akataura kuti apo Mwanakomana womunhu ‘anouya nesimba nembiri huru,’ ngirozi dzake dzichaita basa rinokosha. Nenzira yakafanana, mufananidzo wamakwai nembudzi unoratidza ngirozi dzina Jesu apo a‘nogara pasi pachigaro chake choushe chine mbiri’ kuti atonge. (Enzanisa naMateo 16:27.) Asi Mutongi nengirozi dzake vari kudenga, ndozvakaitawo vanhu here vanokurukurwa mumufananidzo wacho?
5. Tinogona sei kuziva “hama” dzaJesu?
5 Kurangarira kupfupi mufananidzo wacho kunoratidza mapoka matatu atinoda kuziva. Mukuwedzera kumakwai nembudzi, Mwanakomana womunhu anowedzera boka rechitatu iro kuzivikanwa kwaro kuri kunokosha kuti tizive makwai nembudzi. Jesu anodana iri boka rechitatu kuti hama dzake dzomudzimu. (Mateo 25:40, 45) Dzinofanira kuva vanamati vechokwadi, nokuti Jesu akati: “Ani nani unoita kuda kwaBaba vangu . . . , ndiye munun’una wangu, nehanzvadzi, namai.” (Mateo 12:50; Johane 20:17) Nenzira yakajeka zvikuru, Pauro akanyora nezvavaKristu avo vari rutivi rwe“vana vaAbrahama” uye vari vanakomana vaMwari. Akadana ivava “hama” dzaJesu uye “vagoverani . . . pakudanwa kunobva kudenga.”—VaHebheru 2:9-3:1; VaGaratia 3:26, 29.
6. Ndivanaani vari va“duku” vehama dzaJesu?
6 Neiko Jesu akadudza “muduku” wehama dzake? Mashoko iwayo anodzokorora icho vaapostora vakamunzwa achitaura pakuvamba zvikuru. Pakusiyanisa Johane Mubhapatidzi, uyo akatangira Jesu kufa uye naizvozvo akanga ane tariro yapasi, naavo vanowana upenyu hwokudenga, Jesu akati: “Hakuna kumuka mukuru kuna Johane Mubhapatidzi; asi muduku muushe hwokudenga mukuru kwaari.” (Mateo 11:11) Vamwe vaienda kudenga vangave vaiva vakatanhamara muungano, kufanana navaapostora, uye vamwe zvishoma pane izvozvo, asi vose ihama dzomudzimu dzaJesu. (Ruka 16:10; 1 VaKorinte 15:9; VaEfeso 3:8; VaHebheru 8:11) Nokudaro, kunyange kana vamwe vakaratidzika sevasingakoshi pasi pano, vaiva hama dzake uye vaifanira kuva vakabatwa nenzira inowirirana.
Ndivanaani Vari Makwai neMbudzi?
7, 8. Jesu akatii pamusoro pamakwai, naizvozvo tinogona kugumisei pamusoro pawo?
7 Tinorava pamusoro porutongeso rwamakwai, kuti: “[Jesu] uchati kuna vari kurudyi: Uyai imi, makaropafadzwa naBaba, mugare nhaka youshe hwakagadzirirwemi kubva pakuvamba kwenyika. Nokuti ndakanga ndine nzara, mukandipa chokudya; ndakanga ndine nyota, mukandipa chokunwa; ndakanga ndiri mweni, mukandigamuchira; ndakanga ndisina nguo, mukandipfekedza; ndakanga ndichirwara, mukandifambira; ndakanga ndiri mutorongo, mukauya kwandiri. Zvino vakarurama vachamupindura, vachiti: Ishe, takakuonai riniko mune nzara, tikakupai chokudya? kana mune nyota, tikakupai chokunwa? Takakuonai riniko muri mweni, tikakugamuchirai? kana musina nguo, tikakupfekedzai? Takakuonai riniko muchirwara, kana muri mutorongo, tikauya kwamuri? Ishe uchapindura, achiti kwavari: Zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Pamakazviitira mumwe wavaduku vehama dzangu idzi, makazviitireni.”—Mateo 25:34-40.
8 Sezviri pachena, makwai anotongwa kuva akafanirwa nokuva kurutivi rworudyi rwaJesu rwokuremekedzwa uye nyasha anomirira boka ravanhu. (VaEfeso 1:20; VaHebheru 1:3) Chii chaakaita uye rini? Jesu anotaura kuti iwo nenzira yomutsa, yoruremekedzo, uye yorupo akamupa chokudya, chokunwa, uye chipfeko, achimuyamura apo akanga achirwara kana kuti ari mutorongo. Apo makwai anotaura kuti akanga asina kuita izvozvi kuna Jesu pachake, anotsanangura kuti akatsigira hama dzake dzomudzimu, vakasarira vevaKristu vakazodzwa, naizvozvo mupfungwa iyoyo akazviitira iye.
9. Neiko mufananidzo wacho usingagoni kushanda mukati meMireniyumu?
9 Mufananidzo wacho haushandi mukati meMireniyumu, nokuti vakazodzwa panguva iyeyo vachave vasiri vanhu vanotambura nzara, nyota, kurwara, kana kuti kuiswa mutorongo. Vakawanda vavo, zvisinei, vakatambura zvakadaro mukati memhedziso ino yetsika yezvinhu. Chibviro chaapo Satani akakandirwa pasi, akaita vakasarira chipfuro chehasha dzake, achiunza pavari kusekwa, kurwadzisa, uye rufu.—Zvakazarurwa 12:17.
10, 11. (a) Neiko kusina mufungo kufunga kuti makwai anobatanidza munhu ari wose anoitira hama dzaJesu chiito chomutsa? (b) Nenzira yakakodzera makwai anomirira ani?
10 Jesu ari kutaura here kuti munhu ari wose ari kuita mutsa muduku kumumwe wehama dzake, zvakadai sokupa chidimbu chechingwa kana kuti girazi remvura, anokwanirisa somumwe weaya makwai? Sezvinobvumwa, kuita mutsa wakadaro kunogona kuratidzira mutsa womunhu, asi chaizvoizvo, kunoratidzika kuti zvakawanda zvikuru zvinobatanidzwa namakwai ouyu mufananidzo. Jesu akanga asingatongonongedzeri, somuenzaniso, kuvasingatendi kuvapo kwaMwari kana kuti vafundisi vanoita chiito chomutsa kune mumwe wehama dzake. Mukupesana, Jesu kaviri akadana makwai “vakarurama.” (Mateo 25:37, 46) Naizvozvo makwai anofanira kuva avo kwenhambo yenguva yakati vakayamura—vachitsigira nokushingaira—hama dzaKristu uye vakatenda kusvikira kutambanuko yokugamuchira kumira kwakarurama pamberi paMwari.
11 Mukati memazana amakore, vakawanda vakadai saAbrahama vakafarikanya kumira kwakarurama. (Jakobho 2:21-23) Noa, Abrahama, uye vamwe vakatendeka vanobatanidzwa pakati pe“mamwe makwai” ayo achagara nhaka upenyu muParadhiso muUmambo hwaMwari. Munguva dzichangobva kupfuura mamiriyoni akawanda akagamuchira kunamata kwechokwadi samamwe makwai uye vakava “boka rimwe” navakazodzwa. (Johane 10:16; Zvakazarurwa 7:9) Ivava vane tariro dzapasi vanoziva hama dzaJesu savamiriri voUmambo uye naizvozvo vakadziyamura—nenzira yokunyama uye yokumudzimu. Jesu anorangarira sezvinoitirwa kwaari izvo mamwe makwai anoitira hama dzake pasi pano. Vakadaro avo vari vapenyu apo anouya kuzotonga marudzi vachatongwa samakwai.
12. Neiko makwai angabvunza nzira iyo akanga aitira nayo mutsa Jesu?
12 Kana mamwe makwai zvino ari kuparidza mashoko akanaka navakazodzwa uye vachivayamura, neiko vachizobvunza, kuti: “Ishe, takakuonai riniko mune nzara, tikakupai chokudya? kana mune nyota, tikakupai chokunwa?” (Mateo 25:37) Panogona kuva nezvikonzero zvakasiyana-siyana. Uyu mufananidzo. Kupfurikidza nawo, Jesu anoratidza itiro hanya yake huru nokuda kwehama dzake dzomudzimu; anodzinzwira tsitsi, anotambura nadzo. Jesu pakuvamba akanga ati: “Unokugamuchirai imi, unondigamuchira ini; nounogamuchira ini, unogamuchira wakandituma.” (Mateo 10:40) Mune uyu muenzaniso, Jesu anokudziridza nheyo yacho, achiratidza kuti chinoitirwa (chakanaka kana kuti chakaipa) hama dzake chinosvika kunyange mudenga; kwakaita sokuti chiri kuitirwa iye mudenga. Uyewo, Jesu pano anosimbisa mupimo waJehovha wokutonga, achikujekesa kuti kutonga kwaMwari, kungave kwakanaka kana kuti kwokushurikidza, kwakanaka uye kwakarurama. Mbudzi hadzigoni kupa pembedzo, yokuti ‘Eya, kudai bedzi takanga takuonai zvakananga.’
13. Neiko vakafanana nembudzi vangadana Jesu sa“Ishe”?
13 Pashure pokunge tanzwisisa kuti ndirini apo rutongeso runoratidzwa mumufananidzo uyu runoitwa, tinowana murangariro wakajeka zvikuru weavo vari mbudzi. Kuzadzikwa kuri apo “chiratidzo choMwanakomana womunhu chichaonekwa kudenga; zvino marudzi ose enyika achachema, achiona Mwanakomana womunhu achiuya . . . nesimba nokubwinya kukuru.” (Mateo 24:29, 30) Vapukunyuki vedambudziko paBhabhironi Guru vakabata hama dzaMambo nenzira yokuvenga zvino vangadana Mutongi nenzira yokupererwa nezano sa“Ishe,” vachikarira kuponesa upenyu hwavo.—Mateo 7:22, 23; enzanisa naZvakazarurwa 6:15-17.
14. Jesu achatonga makwai nembudzi pahwaroi?
14 Zvisinei, kutonga kwaJesu hakusati kuchizova kwakavakirwa pakutaura kwokupererwa nezano kunoitwa navaichimbova vaendi vokuchechi, vasingatendi kuvapo kwaMwari, kana kuti vamwe. (2 VaTesaronika 1:8) Panzvimbo pezvo, mutongi acharangarira chimiro chomwoyo nezviito zvomunguva yakapfuura zvavanhu kune avo kunyange “mumwe wavaduku [vehama dzake].” Sezvinobvumwa, nhamba yavaKristu vakazodzwa vasara pasi pano iri kuderera. Zvisinei, chero bedzi vakazodzwa, vanoumba “muranda wakatendeka, wakangwara,” vachipfuurira kugovera zvokudya zvomudzimu nenhungamiro, makwai anokarirwa ane mukana wokuitira zvakanaka boka romuranda, kungofanana neizvo zvakaitwa ne‘boka guru rinobva mumarudzi ose nendudzi navanhu.’—Zvakazarurwa 7:9, 14.
15. (a) Vakawanda vakazviratidza vamene sei kuva vakafanana nembudzi? (b) Neiko tichifanira kudzivisa kutaura kana mumwe ari hwai kana kuti mbudzi?
15 Hama dzaKristu namamiriyoni amamwe makwai akabatana navo seboka rimwe vakabatwa sei? Vanhu vakawanda vangave vasina ivo pachavo kudenha vamiriri vaKristu, asi havanawo kubata nenzira yorudo vanhu vake. Vachisarudza nyika yakaipa, vakafanana nembudzi vanoramba shoko roUmambo, vangave vachirinzwa zvakananga kana kuti zvisina kunanga. (1 Samueri 2:15-17) Chokwadika, pakugumisira, Jesu ndiye anogadzwa kuti aite rutongeso. Hakusati kuri kwedu kuti tisarudze kuti ndivanaani vari makwai uye ndivanaani vari mbudzi.—Marko 2:8; Ruka 5:22; Johane 2:24, 25; VaRoma 14:10-12; 1 VaKorinte 4:5.
Inguvai Yemberi Iripo Nokuda Kweboka Rimwe Nerimwe?
16, 17. Makwai achava nenguva yemberi yakadini?
16 Jesu akapa rutongeso rwake rwamakwai, achiti: “Uyai imi, makaropafadzwa naBaba, mugare nhaka youshe hwakagadzirirwemi kubva pakuvamba kwenyika.” Kukokwa kwoushamwari kwakadini—“Uyai”! Kuchii? Kuupenyu husingaperi, sezvaakataura mukupfupikisa, kuti: “Vakarurama [vachapinda] kuupenyu husingaperi.”—Mateo 25:34, 46.
17 Mumufananidzo wamatarenda, Jesu akaratidza chinodiwa nokuda kwaavo vachatonga naye mudenga, asi mumufananidzo uyu anoratidza chinokarirwa vadzorwi voUmambo. (Mateo 25:14-23) Nenzira yakananga, nemhaka yokutsigira kwavo kusina kukamuraniswa hama dzaJesu, makwai anogara nhaka nzvimbo iri munzvimbo yapasi yoUmambo hwake. Achafarikanya upenyu paparadhiso yapasi—kariro iyo Mwari akavagadzirira “kubva pakuvamba kwenyika” yavanhu vanodzikinurika.—Ruka 11:50, 51.
18, 19. (a) Jesu achaita rutongesoi rwembudzi? (b) Tinogona sei kuva nechokwadi kuti mbudzi hadzisati dzichizotarisana nokutambura kusingagumi?
18 Rutongeso runoitwa pambudzi musiyano wakadini! “Zvino uchati kuna vari kuruboshwe: Ibvai kwandiri, imi makatukwa, muende kumwoto usingaperi, wakagadzirirwa Dhiyabhorosi navatumwa vake. Nokuti ndakanga ndine nzara, mukasandipa chokudya; ndakanga ndine nyota, mukasandipa chokunwa; ndakanga ndiri mweni, mukasandigamuchira; ndisina nguo, mukasandipfekedza; ndichirwara, nomutorongo, mukasandifambira. Zvino naivava vachapindura, vachiti: Ishe, takakuonai riniko mune nzara, kana mune nyota, kana muri mweni, kana musina nguo, kana muchirwara, kana muri mutorongo, tikasakushumirai? Zvino uchavapindura, achiti: Zvirokwazvo, ndinoti kwamuri, pamusati makazviitira mumwe wavaduku ava, hamuzakazviitireni.”—Mateo 25:41-45.
19 Vadzidzi veBhaibheri vanoziva kuti ikoku hakugoni kureva kuti mweya isingafi yavanhu vakafanana nembudzi ichatambura mumwoto usingagumi. Aiwa, nokuti vanhu ndivo mweya; havasati vane mweya isingafi. (Genesi 2:7; Muparidzi 9:5, 10; Ezekieri 18:4) Kupfurikidza nokutongera mbudzi ku“mwoto usingaperi,” Mutongi anoreva ruparadziko rusina tariro yenguva yemberi, urwo ruchavawo mugumo wechigarire waDhiyabhorosi namadhimoni ake. (Zvakazarurwa 20:10, 14) Nokudaro, Mutongi waJehovha anosiyanisa. Anoudza makwai, kuti “Uyai”; mbudzi, “Ibvai kwandiri.” Makwai achagara nhaka “upenyu husingaperi.” Mbudzi dzichagamuchira “kurohwa kusingaperi.”—Mateo 25:46.b
Kunorevei Nokuda Kwedu?
20, 21. (a) VaKristu vane basai rinokosha rokuita? (b) Kuparadzanisai kuri kuitika iye zvino? (c) Chii chichava mamiriro ezvinhu avanhu apo mufananidzo wamakwai nembudzi unovamba kuzadzika?
20 Vaapostora vana vakanzwa mhinduro yaJesu pamusoro pechiratidzo chokuvapo kwake nemhedziso yetsika vakanga vane zvakawanda zvokurangarira. Vaizoda kuramba vakasvinura uye vakarinda. (Mateo 24:42) Vaizofanirawo kuita basa rokupupura rinodudzwa pana Marko 13:10. Zvapupu zvaJehovha zviri kuita basa iroro nesimba nhasi.
21 Chii, kunyanguvezvo, icho nzwisiso yokuwedzera yomufananidzo wamakwai nembudzi inoreva kwatiri? Eya, vanhu vari kutotora rutivi. Vamwe vari mu‘nzira yakapamhama inotungamirira kukuparadzwa,’ nepo vamwe vachiedza kurambira mu‘nzira yakamanikana inotungamirira kuupenyu.’ (Mateo 7:13, 14) Asi nguva apo Jesu achazivisa rutongeso rwokupedzisira pamakwai nembudzi runoratidzirwa mumufananidzo ichiri mberi. Apo Mwanakomana womunhu anouya mubasa roMutongi, achawana kuti vaKristu vechokwadi vakawanda—chaizvoizvo “vazhinji-zhinji” vemakwai akazvitsaurira—vachakwanirisa kupfuura nomurutivi rwokupedzisira rwe“kutambudzika kukuru” ndokupinda munyika itsva. Kariro iyoyo inofanira kuva manyuko omufaro zvino. (Zvakazarurwa 7:9, 14) Pane rumwe rutivi, nhamba huru inobva mu“marudzi ose” ichava yazvibvumikisa imene kuva yakafanana nembudzi dzakasindimara. Ivo “vachaenda kukurohwa kusingaperi.” Kusunungurwa kwakadini nokuda kwapasi!
22, 23. Sezvo kushanda kwomufananidzo kuchiri munguva yemberi, neiko basa redu rokuparidza nhasi richikosha?
22 Nepo kutonga sokunorondedzerwa mumufananidzo kuri munguva yemberi iri pedyo, kunyange zvino chimwe chinhu chinokosha chiri kuitika. Isu vaKristu tiri kuita basa rinoponesa upenyu rokuzivisa shoko rinoparira kukamukana pakati pavanhu. (Mateo 10:32-39) Pauro akanyora, kuti: “Nokuti ani nani unodana kuzita raShe, uchaponeswa. Zvino vachagodana seiko kuna iye, wavasina kutenda kwaari? Vachatenda seiko kuna iye, wavasina kunzwa? Vachanzwa seiko kana kusina muparidzi?” (VaRoma 10:13, 14) Ushumiri hwedu hwapachena huri kusvika vanhu munyika dzinopfuura 230 nezita raMwari neshoko rake roruponeso. Hama dzaKristu dzakazodzwa dzichiri kutungamirira iri basa. Mamwe makwai anenge mamiriyoni mashanu zvino akavakumbanira. Uye vanhu munyika yose vari kugamuchira shoko rinoziviswa nehama dzaJesu.
23 Vakawanda vanoratidzirwa shoko redu sezvatinoparidza paimba neimba kana kuti nenzira yamasanga. Vamwe vangaziva nezveZvapupu zvaJehovha uye zvatinomirira munzira dzisingazivikanwi nesu. Apo nguva yorutongeso inosvika, Jesu acharangarira kusvika kutambanuko yakadini mabasa okubetsera vamwe uye kufanirwa kwemhuri? Hatigoni kutaura, uye hakubatsiri kufungidzira. (Enzanisa na1 VaKorinte 7:14.) Vakawanda zvino vanoisa zvigunwe munzeve, vanoseka, kana kuti vanogoverana mukutambudza zvakananga vanhu vaMwari. Nokudaro, ino inguva inokosha; vakadaro vangave vari kukudziridzika kuva avo Jesu achatonga sembudzi.—Mateo 10:22; Johane 15:20; 16:2, 3; VaRoma 2:5, 6.
24. (a) Neiko kuchikosha kuti vanhu vamwe navamwe vagamuchire zvakanaka kukuparidza kwedu? (b) Fundo ino yakubetsera pachako kuva nechimiroi chendangariro kuushumiri hwako?
24 Nenzira inofadza, zvisinei, vakawanda vanodavidza nenzira yakanaka, vanofunda Shoko raMwari, ndokuva Zvapupu zvaJehovha. Vamwe avo panguva ino vanoratidzika kuva vakafanana nembudzi vangachinja ndokuva vakafanana namakwai. Pfundo nderokuti avo vari kugamuchira ndokutsigira nokushingaira vakasarira vehama dzaKristu nenzira iyoyo zvino vari kupa ufakazi huchagovera hwaro hwokuti vaiswe kuruoko rworudyi rwaJesu apo, munguva yemberi iri pedyo, anogara pasi pachigaro chake choushe kuti aite rutongeso. Ivava vari uye vachapfuurira kukomborerwa. Nokudaro, uyu mufananidzo unofanira kutinyandurira kumubato wokushingaira zvikuru muushumiri hwechiKristu. Kusati kwava kunyanyononoka, tinoda kuita zvose zvatinogona kuzivisa mashoko akanaka oUmambo uye munzira iyoyo kupa vamwe mukana wokugamuchira. Ipapo kuri kuna Jesu kuita rutongeso, rwokushurikidza kana kuti rwakanaka.—Mateo 25:46.
[Mashoko Omuzasi]
b El Evangelio de Mateo rinoti: “Upenyu husingagumi upenyu hwakakwana; mhesano yahwo chirango chakakwana. Chipauro chechiGiriki aionios hachirevi zvikurukuru urefu hwenguva, asi unaku. Chirango chakakwana rufu nokusingaperi.”—Purofesa akarega basa Juan Mateos (Pontifical Biblical Institute, Rome) naPurofesa Fernando Camacho (Theological Center, Seville), Madrid, Spain, 1981.
Unoyeuka Here?
◻ Ifananoi dziri pakati paMateo 24:29-31 naMateo 25:31-33 dzinoratidza kuti mufananidzo wamakwai nembudzi une kushanda kwomunguva yemberi, uye ikoko kuri rini?
◻ Ndivanani vari va“duku” vehama dzaJesu?
◻ Kushandisa kwaJesu kutaura kwokuti “vakarurama” kunotibetsera sei kuziva vanomirirwa naivava uye vavasingamiriri?
◻ Kunyange zvazvo mufananidzo wacho uchazadzikwa munguva yemberi, neiko kuparidza kwedu kuchikosha kwazvo?
[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 24]
CHEREKEDZA FANANO DZACHO
Pashure pokunge dambudziko guru, Mwanakomana
ravamba, Mwanakomana womunhu anouya womunhu anosvika
Anouya nembiri huru Anosvika mumbiri ndokugara
chigaro chake choumambo
chine mbiri
Ngirozi dzinaye Ngirozi dzinosvika naye
Marudzi ose apasi anomuona Marudzi ose anounganidzwa;
mbudzi dzinotongwa
pakupedzisira (dambudziko
guru rinoguma)
[Kwazvakatorwa]
Garo Nalbandian