Rwiyo 45
Fambira Mberi!
Rakaprindwa
1. Fambirawo mberi pakunamata!
Mwari anoda kuti tive nounyanzvi.
Edza kunatsa ushumiri hwako,
Akomborere basa.
Pane basa romunhu wose,
Jesu akamboriitawo.
Vimba naMwari usakundikana,
Tsigira kururama.
2. Fambirawo mberi pakuparidza!
Endesera vose mashoko akanaka.
Rumbidza Jehovha pamwe nevamwe
Sezvatinoparidza.
Vavengi votityisidzira,
Asi ita kuti rinzwike
Shoko rokuti Umambo hwasvika.
Ramba uchidzidzisa.
3. Fambirawo mberi pakushanyazve,
Wedzera unyanzvi hwako, basa izhinji.
Kurudzirwa nomudzimu waMwari.
Mwari ngaakufadze.
Ida vanhu vaunowana,
Dzoka uvasvike pamwoyo.
Vabatsirewo kufambira mberi,
Chiedza chivheneke.
(Onawo VaF. 1:27; 3:16; VaH. 10:39.)