Rwiyo 138
Jehovha Ndiro Zita Renyu
Mwari wechokwadi—
Wezvose zvakasikwa
Kugara nekugara—
Munonzi Jehovha.
Tinodada kuti
Tiri ungano yenyu.
Tinozivisa kwose
Mbiri yenyu Mwari.
(KORASI)
Jehovha, Jehovha,
Imi ndimi moga.
Kumatenga nepanyika,
Ndimi Mwari moga.
Ndimi Wemasimbaose,
Vanhu ngavazive.
Jehovha, Jehovha,
Ndimi moga Mwari wedu.
Munoita kuti,
Tive chero zvamada,
Tiite zvamunoda—
Munonzi Jehovha.
Makatitumidza
Kuti Zvapupu zvenyu.
Imi makatikudza—
Tine zita renyu.
(KORASI)
Jehovha, Jehovha,
Imi ndimi moga.
Kumatenga nepanyika,
Ndimi Mwari moga.
Ndimi Wemasimbaose,
Vanhu ngavazive.
Jehovha, Jehovha,
Ndimi moga Mwari wedu.
(Onawo 2 Mak. 6:14; Pis. 72:19; Isa. 42:8.)