RWIYO 86
Tinofanira Kudzidziswa
Rakaprindwa
1. Uyai mudzidziswe nezvaJehovha.
Uye munwe mvura yeupenyu.
Dzidzo yaMwari yopa utano,
Vese vane nzara vachaguta.
2. Tisamborega kuungana nevamwe
Kuti tidzidze zvakarurama.
Mweya waMwari, nehama dzedu
Zvitisimbise, tifambe m’chiedza.
3. Zvinofadza kunzwa nziyo dzerumbidzo!
Nemashoko evakadzidziswa!
Tiungane nevanhu vaMwari.
Ngatiwanike pakati pavo!
(Onawo VaH. 10:24, 25; Zvak. 22:17.)