Nehemiya
11 Zvino machinda+ evanhu aigara muJerusarema;+ asi vamwe vanhu vose, vakakanda mijenya+ kuti vaunze mumwe chete pavanhu gumi voga voga kuti agare muJerusarema guta dzvene,+ uye zvimwe zvikamu zvipfumbamwe mune mamwe maguta. 2 Vanhu vakarumbidzawo+ varume vose vakazvipira+ kugara muJerusarema.
3 Ava ndivo vakuru vedunhu+ vakagara muJerusarema;+ asi vaIsraeri,+ vapristi+ nevaRevhi+ nevaNetinimu+ nevanakomana vevashandi vaSoromoni,+ vakagara mumaguta aJudha, mumwe nomumwe munzvimbo yake, mumaguta avo.+
4 Vamwe vanakomana vaJudha nevamwe vanakomana vaBhenjamini+ vakagarawo muJerusarema. Pavanakomana vaJudha paiva naAtaya mwanakomana waUziya mwanakomana waZekariya mwanakomana waAmariya mwanakomana waShefatiya mwanakomana waMaharareri wevanakomana vaPerezi;+ 5 naMaaseya mwanakomana waBharuki mwanakomana waKorihoze mwanakomana waHazaya mwanakomana waAdhaya mwanakomana waJoyaribhi mwanakomana waZekariya mwanakomana womuShera. 6 Vanakomana vose vaPerezi vaigara muJerusarema vaiva mazana mana nemakumi matanhatu nevasere, varume vaikwanisa.
7 Ava ndivo vaiva vanakomana vaBhenjamini:+ Saruu mwanakomana waMeshuramu+ mwanakomana waJoedhi mwanakomana waPedhaya mwanakomana waKoraya mwanakomana waMaaseya mwanakomana waItieri mwanakomana waJeshaya; 8 uye akateverwa naGabhai naSereai, mazana mapfumbamwe nemakumi maviri nevasere; 9 uye Joeri mwanakomana waZikri, mutariri wavo, naJudha mwanakomana waHasenua aitarisira guta sowechipiri.
10 Vevapristi vaiva: Jedhaya mwanakomana waJoyaribhi,+ Jakini,+ 11 Seraya mwanakomana waHirikiya mwanakomana waMeshuramu+ mwanakomana waZadhoki+ mwanakomana waMerayoti mwanakomana waAhitubhu,+ mutungamiriri weimba yaMwari wechokwadi; 12 nehama dzavo dzaiita basa reimba,+ mazana masere nemakumi maviri nevaviri; uye Adhaya mwanakomana waJerohamu+ mwanakomana waPerariya mwanakomana waAmzi mwanakomana waZekariya mwanakomana waPashuri+ mwanakomana waMarikija,+ 13 nehama dzake, vakuru vedzimba dzemadzibaba,+ mazana maviri nemakumi mana nevaviri, uye Amashisai mwanakomana waAzareri mwanakomana waAzai mwanakomana waMeshiremoti mwanakomana waImeri, 14 nehama dzavo, varume vaiva nesimba vakanga vakashinga,+ zana nemakumi maviri nevasere, uye kwaiva nomutariri+ wavo, Zabdhieri mwanakomana wevakuru.
15 VevaRevhi vaiva:+ Shemaya mwanakomana waHashubhu mwanakomana waAzrikamu mwanakomana waHashabhiya+ mwanakomana waBhuni, 16 naShabhetai+ naJozabhadhi,+ wevakuru vevaRevhi, aitarisira basa raiitwa kunze kweimba yaMwari wechokwadi; 17 naiye Mataniya,+ mwanakomana waMika mwanakomana waZabdhi mwanakomana waAsafi,+ mutungamiriri wokuimba kwokurumbidza,+ akarumbidza pakunyengetera,+ naBhakbhukiya aiva wechipiri wehama dzake, naAbdha mwanakomana waShamua mwanakomana waGarari+ mwanakomana waJedhutuni.+ 18 VaRevhi vose vaiva muguta dzvene+ vaiva mazana maviri nemakumi masere nevana.
19 Vachengeti vemagedhi+ vaiva Akubhu, Tarimoni+ nehama dzavo dzairinda pamagedhi,+ zana nemakumi manomwe nevaviri.
20 Vamwe vakasara vevaIsraeri, vevapristi nevevaRevhi, vaiva mune mamwe maguta ose aJudha, mumwe nomumwe munhaka yake.+ 21 VaNetinimu+ vaigara muOferi;+ uye Ziha naGishpa vaitarisira vaNetinimu.
22 Mutariri+ wevaRevhi muJerusarema aiva Uzai mwanakomana waBhani mwanakomana waHashabhiya mwanakomana waMataniya+ mwanakomana waMaika+ wevanakomana vaAsafi,+ vaimbi,+ aitarisira basa reimba yaMwari wechokwadi. 23 Nokuti kwaiva nomurayiro wamambo pamusoro pavo,+ uye kwaiva nomugove usingachinji-chinji wevaimbi maererano nezvaidiwa zvezuva nezuva.+ 24 Petahiya mwanakomana waMeshezabheri wevanakomana vaZera mwanakomana waJudha aiva parutivi pamambo nokuda kwenyaya dzose dzevanhu.
25 Kana iri misha+ yaiva mumaruwa avo, kwaiva nevamwe vanakomana vaJudha vakagara muKiriyati-abha+ nemataundi aiva pasi paro nomuDhibhoni nemataundi aiva pasi paro nomuJekabhuzeeri+ nemisha yaro, 26 nomuJeshua nomuMoradha+ nomuBheti-pereti+ 27 nomuHazari-shuari+ nomuBheeri-shebha+ nemataundi aiva pasi paro 28 nomuZikragi+ nomuMekona nemataundi aiva pasi paro 29 nomuEni-rimoni+ nomuZora+ nomuJamuti,+ 30 Zanoa,+ Adhuramu+ nemisha yawo, Rakishi+ nemaruwa aro, Azeka+ nemataundi aiva pasi paro. Vakadzika musasa kubva paBheeri-shebha kusvikira kumupata waHinomu.+
31 Vanakomana vaBhenjamini vaibva paGebha,+ Mikmashi+ neAija+ neBheteri+ nemataundi aiva pasi paro, 32 Anatoti,+ Nobhu,+ Ananiya, 33 Hazori, Rama,+ Gitaimu,+ 34 Hadhidhi, Zebhoimu, Nebharati, 35 Rodhi+ neOno,+ mupata wemhizha. 36 Mamwe mapoka evaRevhi aiva muJudha akagara pakati pevaBhenjamini.