Chitatu, October 28
Tine pfungwa dzaKristu.—1 VaK. 2:16.
Jesu aida Jehovha nepfungwa dzake dzese. Aiziva zvaidiwa naMwari uye aiita zvese zvaaigona kuti azviite kunyange zvazvo zvaizoreva kuti aizotambudzirwa kuita zvinhu zvakanaka. Nemhaka yekuti Jesu akanga akaisa pfungwa dzake pakuita kuda kwaBaba vake, haana kurega chero chii zvacho chichimutadzisa kuti aite izvozvo. Petro nevamwe vaapostora vakava neropafadzo yekufamba naJesu uye kunyatsodzidza mafungiro ake. Petro paakanyora tsamba yake yekutanga yakafemerwa akakurudzira vaKristu kuti vazvishongedze nemafungiro aKristu. (1 Pet. 4:1) Petro paakanyora kuti, “zvishongedzei,” akashandisa mashoko anotsanangura zvaiitwa nemasoja paaipakata zvombo achigadzirira kunorwa. Saka kana vaKristu vakava nemafungiro aJesu, vanenge vaita sevakatakura chombo chine simba chinovabatsira pahondo yavo yekurwisa zvido zvakaipa uye nyika inotongwa naSatani.—2 VaK. 10:3-5; VaEf. 6:12. w25.03 8-9 ¶1-3
China, October 29
Pfungwa dziri mumwoyo memunhu dzakaita semvura yakadzika, asi munhu ane ungwaru anodzibudisa.—Zvir. 20:5.
Ndezvipi zvaunofanira kuziva nezvemumwe munhu pamunenge muchifambidzana? Usati wanyanya kuda munhu wacho, ungada kuti mukurukure zvimwe zvinhu zvinokosha zvakadai sezvinangwa zvake muupenyu. Ungasvika sei pakuziva zvakanyatsoita mumwe munhu nechemukati? Imwe nzira yakanaka zvikuru ndeyekukurukura muchibudirana pachena, muchibvunzana mibvunzo uye muchinyatsoteererana. (Jak. 1:19) Kuti muwane nguva yekukurukura, munogona kutsvaga zvinhu zvamunoita pamwe chete, zvakadai sekudya pamwe chete, kufamba pamwe chete munzvimbo dzine vamwe vanhu, uye kuparidza pamwe chete. Munogonawo kudzidzana pamunenge muchitandara neshamwari uye neveukama. Uyewo, ronga kuita zvimwe zvinhu zvichakuratidza kuti mumwe wako anoita sei mumamiriro ezvinhu akasiyana-siyana uye paanenge aine vanhu vakasiyana-siyana. w24.05 28 ¶6-7
Chishanu, October 30
Ivai vatevedzeri vaMwari, sevana vanodiwa.—VaEf. 5:1.
Mumazuva ari mberi, tichasangana nemiedzo ichada kuti tiwedzere kuvimba naJehovha kupfuura zvatiri kuita. Nyaya dzemuBhaibheri uye dzeZvapupu zvemazuva ano dzichatibatsira kuona kuti Jehovha akaratidza sei kuti idombo paaitsigira vashumiri vake. Fungisisa nyaya idzodzo. Kuita izvi kuchakubatsira kuti uite kuti Jehovha ave Dombo rako. Uyewo, kuchaita kuti ukwanise kusimbisa vamwe muungano. Semuenzaniso, Jesu akapa Simoni zita rekuti Kefasi (rinoshandurwa kuti “Petro”) zvichireva kuti “Dombo.” (Joh. 1:42) Jesu aireva kuti Petro aizonyaradza vamwe muungano uye aizosimbisa kutenda kwavo. Vakuru vemuungano vanotsanangurwa nezvavo “semumvuri wedombo guru.” Izvi zvinoreva kuti vanochengetedza vaya vari muungano. (Isa. 32:2) Asi tese zvedu tinogona kukurudzirana kana tikatevedzera Jehovha pakuva sedombo. w24.06 28 ¶10-11