China, August 6
Murayiro uyu wandiri kukurayira nhasi hauna kukuomera, uye hausi kure newe.—Dheut. 30:11.
Jehovha paakaronga vaIsraeri kuti vave rudzi, akaita sungano navo kana kuti chibvumirano chepamutemo. Akavaudza kuti kana vakachengeta mitemo yake, aizovadzivirira uye aizovakomborera. Asi akavaudzawo kuti kana vakamupandukira, semuenzaniso kuburikidza nekunamata vamwe vanamwari, aisazovakomborera uye vaizotambura. Asi izvozvo zvaisareva kuti Jehovha aizovasiya zvachose. Vaigona ‘kudzoka kuna Jehovha Mwari wavo, voteerera inzwi rake.’ (Dheut. 30:1-3, 17-20) Izvi zvaingoreva kuti vaigona kupfidza zvivi zvavo. Izvozvo zvaizoita kuti Jehovha aswedere pedyo navo, ovakomborera zvakare. Vanhu vaJehovha vaigara vachingomupandukira. Izvozvo zvakaita kuti vatambure. Asi Jehovha akaramba achiedza kuvabatsira kuti vamushumire zvakare. Akatuma atumazve vaprofita vake kuti akurudzire vanhu vake kuti vapfidze zvivi zvavo, vodzokera kwaari.—2 Madz. 17:13, 14. w24.08 9 ¶4-5
Chishanu, August 7
Ungano yemuJerusarema yakatanga kutambudzwa zvikuru.—Mab. 8:1.
Pashure pekunge Jesu afa, vaKristu vaiva muJerusarema nemuJudhiya vakasangana nematambudziko akawanda. Ungano yechiKristu payakaumbwa, yakabva yangotanga kutambudzwa. Papera makore anenge 20, vateveri vaKristu vaitambura zvichikonzerwa neurombo uye nzara. (Mab. 11:27-30) Asi munenge muna 61 C.E., tingatoti vaKristu vaiva nerugare kana zvichienzaniswa nezvaizoitika kwavari mumakore aitevera. Panguva iyoyo, vakagamuchira tsamba yakafemerwa yakabva kumuapostora Pauro. Tsamba yacho yaiva nemazano aizovabatsira kuti vagadzirire zvinhu zvakanga zvava pedyo kuitika. Tsamba yakanyorerwa vaHebheru yakauya panguva yakanaka nekuti rugare rwaiva nevaKristu rwaisazoramba rwuripo. Pauro akapa mazano aizobatsira vaKristu ivavo kuti vatsungirire kutambudzika kwavaizotarisana nako munguva pfupi yaitevera. w24.09 8 ¶1-2
Mugovera, August 8
Vari kundinyaradza zvikuru.—VaK. 4:11.
Patinenge tichitambudzika, Jehovha anoshandisa hama nehanzvadzi dzedu kuti atiratidze kuti anotida. Vanogona kutinyaradza pavanowana nguva yekuva nesu uye pavanonyatsotiteerera patinenge tichivaudza zviri pamwoyo pedu. Vanogona kutiverengera vhesi yeBhaibheri inokurudzira kana kunyengetera nesu. (VaR. 15:4) Dzimwe nguva, imwe hama kana hanzvadzi inogona kutiyeuchidza nezvemafungiro aJehovha pane imwe nyaya, zvotibatsira kuti tirambe tichitsungirira. Patinenge tichinetseka vanogona kutibatsirawo nedzimwe nzira dzakadai sekutipa zvekudya zvakatobikwa kare. Dzimwe nguva tingatofanira kukumbira kuti vamwe vatibatsire. (Zvir. 17:17) Vangasaziva kuti tiri kunzwa sei kana kuti chii chatingada kubatsirwa nacho. (Zvir. 14:10) Saka udza shamwari dzako kuti uri kunzwa sei. Vaudze kuti chii chaungada kubatsirwa nacho. Unogona kusarudza kutaura nemukuru mumwe chete kana vaviri vaunonzwa wakasununguka kutaura navo. Dzimwe hanzvadzi dzakaona kuti kutaura neimwe hanzvadzi yakakura pakunamata kunobatsira. w24.10 10 ¶15-16