Jobho
11 Zvino Zofari muNaama+ akapindura, akati:
2 “Mashoko mazhinji angarega kupindurwa here,
Kana kuti munhu anozvirumbidza angava akarurama here?
3 Kutaura kwako kusina zvakunobatsira kungaita kuti vanhu vanyarare here,
Uye ucharamba uchingonyomba pasina munhu anokutsiura here?+
6 Aizokuudza zvakavanzika zvouchenjeri,
Nokuti zvinhu zvouchenjeri hunobatsira zvizhinji.
Waizozivawo kuti Mwari anobvumira kuti zvimwe zvikanganiso zvako zvirege kuyeukwa.+
8 Uchenjeri hwacho hwakakwirira kupfuura denga. Iwe ungaitei?
Hwakadzika kupfuura Sheori.+ Iwe ungazivei?
9 Hwakareba kupfuura zvakaita nyika,
Uye hwakafara kupfuura gungwa.
10 Kana iye akapfuura, akagamuchidza munhu
Uye ounganidza dare, ndiani angamudzivisa?
11 Nokuti iye anonyatsoziva vanhu vasiri vechokwadi.+
Paanoona zvinhu zvinokuvadza, haangafungisisi nezvazvo here?
12 Kunyange munhu asingafungi achawana njere
Panongoberekwa mbizi inenge mbongoro iyo iri munhu.
13 Kana iwe uchizogadzirira mwoyo wako
Wotambanudzira zvanza zvako kwaari,+
14 Kana zvinhu zvinokuvadza zviri muruoko rwako, zviise kure,
Uye kusarurama ngakurege kugara mumatende ako.
16 Nokuti iwe—uchakanganwa kutambudzika;
Uchakuyeuka semvura yakapfuura.