17 “Simba rangu roupenyu raputsika,+ mazuva angu apera;
Guva randimirira.+
2 Ndiri kusekwa,+
Ziso rangu rinoramba richiona kupandukira kwavo.
3 Ndapota, ndichengeterei chokumbofanobata changu.+
Ndianizve achabatana maoko+ neni sechokumbofanobata?
4 Nokuti makavharira mwoyo yavo kungwara.+
Ndokusaka musingavakwidziridzi.
5 Iye angaudza shamwari kuti dzitore migove yadzo,
Asi maziso evanakomana vake achaneta.+
6 Iye akandiita chirevo+ chemarudzi,
Zvokuti ndava munhu anopfirwa mate muchiso.+
7 Ziso rangu harichaoni nokuda kwenhamo+
Uye nhengo dzangu dzose dzaita somumvuri.
8 Vanhu vakarurama vanoramba vakatarira vachishamisika neizvi,
Kunyange munhu asina mhosva anogumbukira mutsauki.
9 Munhu akarurama anoomerera panzira yake,+
Uye ane maoko akachena+ anoramba achiwedzera simba.+
10 Zvisinei, imi mose tangaizve. Naizvozvo ndapota, rambai muchidaro,
Zvandisingawani akachenjera pakati penyu.+
11 Mazuva angu apfuura,+ zvirongwa zvangu zvakundikana,+
Izvo zvinhu zvaidiwa nomwoyo wangu.
12 Vanoramba vachiita kuti usiku huve masikati vachiti:+
‘Chiedza chiri pedyo nokuda kwerima.’
13 Kana ndikaramba ndakamirira, Sheori ndiyo imba yangu;+
Ndichawaridza mubhedha wangu murima.+
14 Ndichashevedzera kugomba+ ndichiti, ‘Ndiwe baba vangu!’
Kuhonye+ ndichiti, ‘Ndiwe amai vangu nehanzvadzi yangu!’
15 Saka zvino, tariro yangu iri kupi?+
Uye kana iri tariro yangu—ndianiko anoiona?
16 Ichaburukira kumizariro yeSheori,
Isu tose patichaburukira kuguruva.”+