Jobho
2 Mugove unobva kuna Mwari ari kumusoro chii,+
Kana kuti nhaka inobva kuna Wemasimbaose kumusoro chii?
3 Hakuna here njodzi inouya kune munhu anoita zvakaipa,+
Uye nhamo inouya kune vaya vanoita zvinhu zvinokuvadza?
5 Kana ndakafamba nevanhu venhema,+
Uye kana tsoka yangu ichimhanyira kuunyengeri,+
6 Iye achandiyera pachikero chakarurama+
Uye Mwari achaziva kuvimbika kwangu.+
7 Kana nhanho dzangu dzikatsauka munzira,+
Kana kuti mwoyo wangu wakatevera maziso angu,+
Kana kuti chero mhosva ipi zvayo yakanamatira muzvanza zvangu,+
8 Regai ndidyare mbeu asi mumwe munhuwo zvake adye,+
Uye vazukuru vangu ngavadzurwe.
9 Kana mwoyo wangu wakanyengerwa kuti ude mumwe mukadzi,+
Ndikaramba ndakavandira+ pasuo reshamwari yangu,
10 Mudzimai wangu ngaakuyire mumwe murume,
Uye vamwe varume ngavapfugame pamusoro pake.+
11 Nokuti kuita izvozvo kwaizova kusazvibata,
Uye kwaizova kukanganisa kunofanira kutarisirwa nevatongi.+
12 Nokuti izvozvo zvaizova moto unopisa kusvikira waparadza,+
Uye waizodzika midzi pakati pezvibereko zvangu zvose.
13 Kana ndairamba kururamisira mushandirume wangu
Kana kuti mushandikadzi wangu pamhosva yavo neni,
14 Saka ndingaiteiko Mwari paanosimuka?
Ndingamupindureiko paanoita kuti ndizvidavirire?+
15 Iye akandiita mudumbu haasi iye akamuitawo here,+
Haasi iye Mumwe chete akatiumba muchibereko here?
16 Kana ndainyima vakaderera zvavanofarira,+
Uye ndainetesa maziso echirikadzi,+
17 Kana ndaidya chimedu changu ndiri ndoga,
Nherera isingachidyiwo+
18 (Nokuti kubvira ndichiri muduku iyo yakakura neni sokunge kuti yaiva nababa,
Ndakaramba ndichitungamirira chirikadzi kubvira mudumbu raamai vangu);
19 Kana ndaiona mumwe munhu achiparara nokuda kwokushayiwa nguo,+
Kana kuti ndaiona kuti murombo haana chokufuka;
20 Kana chiuno chake chisina kundikomborera,+
Kana kuti asina kudziyirwa nemvere dzakaveurwa+ dzemakondohwe angu maduku;
21 Kana ndaivheyesera nherera ruoko rwangu,+
Pandaiona kuti ndaifanira kubatsira pagedhi,+
22 Bendekete rangu ngariwe richibva papfudzi raro,
Uye ruoko rwangu ngarutyoke nepapfupa rarwo repamusoro.
23 Nokuti njodzi inobva kuna Mwari yaindityisa,
Uye handina kukwanisa kuita chinhu nokuda kwokukudzwa kwake.+
25 Kana ndaifara nokuti pfuma yangu yaiva zhinji,+
Uye nokuti ruoko rwangu rwakanga rwawana zvinhu zvizhinji;+
26 Kana ndaiona chiedza pachaipenya,
Kana kuti mwedzi unokosha uchifamba,+
27 Uye mwoyo wangu wakatanga kunyengerwa pakavanda+
Ruoko rwangu rukatsvoda muromo wangu,
28 Izvozvowo zvaizova kukanganisa kunoda kutarisirwa nevatongi,
Nokuti ndinenge ndaramba Mwari wechokwadi ari kumusoro.
29 Kana ndaifarira kutsakatika kwomunhu anondivenga kwazvo,+
Kana ndaifara kwazvo kuti zvakaipa zvamuwana—
30 Handina kubvumira mukanwa mangu kuti mutadze
Nokukumbira kuti mweya wake utukwe.+
31 Kana vanhu vomutende rangu vasina kuti,
‘Ndiani angati pane munhu asina kuguta nezvokudya zvake?’+—
32 Hapana mutorwa airara panze;+
Ndairamba ndakavhurira vaya vaifamba munzira masuo angu.
33 Kana ndakafukidza kudarika kwangu somunhu wepanyika+
Nokuvanza kukanganisa kwangu muhomwe yehembe yangu—
34 Nokuti ndaizovhunduka paboka guru revanhu,
Kana kuti kuzvidza kwemhuri kwaizondivhundutsa
Uye ndaizoramba ndakanyarara, ndaisazobuda pasuo.
35 Haiwa, kudai ndaiva nomumwe munhu anonditeerera,+
Kudai Wemasimbaose aindipindura zvinoenderana norunyoro rwangu!+
Kana kuti kudai munhu ane mhosva neni akanga anyora rugwaro!
36 Chokwadi ndaizorutakura papfudzi rangu;
Ndaizorusungirira pandiri sekorona yakanaka.
38 Kana munda wangu ukachema kwandiri kuti ubatsirwe,
Uye miforo yawo ikasvimha misodzi pamwe chete;
39 Kana ndichinge ndadya zvibereko zvawo ndisina kubhadhara mari,+
Uye ndaita kuti mweya yevaridzi vawo ifemereke,+
40 Utumbambeva ngahumere panzvimbo pegorosi,+
Sora rinonhuhwa ngarimere panzvimbo pebhari.”
Mashoko aJobho apera.