Rwiyo rwaSoromoni
1 Rwiyo+ rwaSoromoni+ rwakanaka kukunda dzimwe dzose: 2 “Ngaanditsvode nokutsvoda kwomuromo wake,+ nokuti kuratidza kwako rudo kuri nani kupfuura waini.+ 3 Mafuta+ ako anonhuhwirira zvakanaka. Zita rako rakaita semafuta anodururwa.+ Ndokusaka vasikana vakakuda. 4 Ndikweve;+ ngatimhanye. Mambo akandipinza mudzimba dzake dzomukati!+ Ngatifare, ndifadzwe newe. Ngatitaure nezvokuratidza kwako rudo kupfuura kutaura nezvewaini.+ Zvakakodzera kuti vakakuda.+
5 “Haiwa imi vanasikana veJerusarema,+ ndiri musikana mutema zvangu, asi ndakanaka sematende eKedhari+ uye semachira ematende+ aSoromoni. 6 Musanditarira nokuti ndakasviba, nokuti zuva rakandipisa. Vanakomana vaamai vangu vakanditsamwira; vakandiita muchengeti weminda yemizambiringa, kunyange zvazvo ndisina kuchengeta munda wangu wemizambiringa,+ uya waiva wangu.
7 “Haiwa iwe unodiwa nomweya wangu,+ ndiudze kwaunofudzira,+ kwaunorarisa boka rako rezvipfuwo pasi masikati. Nei ndichifanira kuita somukadzi anochema akazviputira nejira pakati pemapoka ezvipfuwo evamwe vako?”
8 “Kana iwe usingazivi, haiwa iwe akanaka kwazvo kukunda vamwe vakadzi vose,+ buda utevere tsoka dzeboka rezvipfuwo ufudzire mbudzana dzako pedyo netebhenekeri dzevafudzi.”
9 “Ndakakufananidza nebhiza rangu gadzi riri pangoro dzaFarao,+ haiwa iwe musikana wangu.+ 10 Matama ako akanaka pakati pebvudzi rakarukwa, uye mutsipa wako wakanaka wakashongedzwa chuma.+ 11 Tichakugadzirira zvishongo zvendarama zvakaita raundi,+ pamwe chete nezvuma zvesirivha.”
12 “Nadhi+ yangu inoramba ichibudisa kunhuwirira+ kwayo chero bedzi mambo ari patafura yake yeraundi. 13 Kwandiri mudiwa wangu akaita sehomwe yemura;+ achapedza usiku hwose ari pakati pemazamu+ angu. 14 Kwandiri mudiwa wangu akaita sesumbu rehena,+ riri pakati peminda yemizambiringa yokuEni-gedhi.”+
15 “Tarira! Wakanaka, haiwa iwe musikana wangu.+ Tarira! Wakanaka. Maziso ako akafanana neenjiva.”+
16 “Tarira! Wakanaka,+ mudiwa wangu, uyewo unofadza. Mubhedha+ wedu ndewemashizha. 17 Matanda eimba yedu yakanaka kwazvo ndeemisidhari,+ matanda edu edenga remba ndeemijunipa.