Isaya
31 Vane nhamo vaya vari kuenda kuIjipiti kunobatsirwa,+ vaya vanovimba nemabhiza,+ vanovimba nengoro dzehondo,+ nokuti izhinji, uye nemabhiza ehondo, nokuti ane simba kwazvo, asi vasina kutarira kuMutsvene waIsraeri uye vasina kutsvaka Jehovha.+ 2 Iye akachenjerawo+ uye achaunza zvinotambudza,+ haana kudzosa mashoko ake;+ uye achamukira imba yevanoita zvinhu zvinokuvadza+ uye rubatsiro rwevaya vanoita zvakaipa.+
3 Zvisinei, vaIjipiti vanhu vepanyika,+ kwete Mwari; uye mabhiza avo inyama,+ kwete mudzimu. Jehovha achatambanudza ruoko rwake, uya ari kubatsira achagumburwa, uye uya ari kubatsirwa achawa,+ vose zvavo vachaparara panguva imwe chete.
4 Nokuti Jehovha ati kwandiri: “Sokuomba kunoita shumba, iye mwana weshumba ava nezenze,+ ichiombera mhuka yayo yayabata, panoshevedzwa vafudzi vazhinji kwazvo kuzoirwisa, uye zvisinei nenzwi ravo iyo haingatyi; zvisinei nemheremhere yavo iyo haingati hwatata; saizvozvowo Jehovha wemauto achaburuka kuzorwira Gomo reZiyoni nechikomo charo.+ 5 Seshiri dziri kubhururuka, saizvozvowo Jehovha wemauto achadzivirira Jerusarema.+ Achiridzivirira, chokwadi acharinunurawo.+ Achirega kuriparadza, acharipukunyutsawo.”
6 “Dzokai,+ kuna Iye wamakamukira kwazvo, imi vanakomana vaIsraeri.+ 7 Nokuti muzuva iroro mumwe nomumwe acharamba vanamwari vake vesirivha vasina zvavanobatsira navanamwari vake vendarama vasina zvavanobatsira,+ vamakazviitira nemaoko enyu chikava chivi.+ 8 MuAsiriya achaurayiwa nebakatwa, kwete romunhu; uye achaparadzwa nebakatwa, kwete romunhu wepanyika.+ Achatiza bakatwa, uye majaya ake achashandiswa basa rokumanikidzirwa. 9 Ibwe rake richaparara nokuda kwokutya kukuru, machinda ake achatya chiratidzo,”+ ndizvo zvinotaura Jehovha, ane chiedza chiri muZiyoni uye ane vira+ riri muJerusarema.