Jeremiya
28 Zvino mugore iroro, pakutanga kwoumambo hwaZedhekiya+ mambo waJudha, mugore rechina, mumwedzi wechishanu, Hananiya+ mwanakomana waAzuri, muprofita aibva kuGibhiyoni,+ akati kwandiri tiri muimba yaJehovha, vapristi nevanhu vose vachizviona: 2 “Zvanzi naJehovha wemauto, Mwari waIsraeri, ‘Ndichatyora joko ramambo weBhabhironi.+ 3 Makore maviri asati apera ndichadzosa kunzvimbo ino midziyo yose yeimba yaJehovha yakatorwa naNebhukadhinezari mambo weBhabhironi+ munzvimbo ino kuti aende nayo kuBhabhironi.’” 4 “‘Ndichadzosa kunzvimbo ino Jekoniya+ mwanakomana waJehoyakimu,+ mambo waJudha, nenhapwa dzose dzaJudha dzakaenda kuBhabhironi,’+ ndizvo zvinotaura Jehovha, ‘nokuti ndichatyora joko+ ramambo weBhabhironi.’”
5 Muprofita Jeremiya akati kumuprofita Hananiya, vapristi vachizviona uye vanhu vose vakanga vamire muimba yaJehovha vachizviona;+ 6 chokwadi muprofita Jeremiya akati: “Ameni!+ Jehovha ngaaite saizvozvo! Jehovha ngaasimbise mashoko ako awaprofita nokudzosa midziyo yeimba yaJehovha nevanhu vose vakatapwa vachibva kuBhabhironi vachiuya kunzvimbo ino!+ 7 Zvisinei, ndapota, inzwa shoko iri randiri kutaura uchinzwa uye vanhu vose vachinzwa.+ 8 Vaprofita vakanditangira nevakakutangira kubvira kare kare,+ vaiprofitawo pamusoro penyika zhinji nepamusoro poumambo hukuru, nezvehondo uye nezvedambudziko uye nezvedenda.+ 9 Asi muprofita anoprofita nezvorugare,+ shoko romuprofita wacho parinoitika, chokwadi muprofita akatumwa naJehovha achazivikanwa.”+
10 Muprofita Hananiya akabva abvisa joko pamutsipa womuprofita Jeremiya, akarityora.+ 11 Hananiya+ akataura vanhu vose vachizviona, kuti: “Zvanzi naJehovha,+ ‘Ndichatyora joko raNebhukadhinezari mambo weBhabhironi+ ndichiribvisa pamutsipa wemarudzi ose saizvozvi makore maviri asati apera.’” Muprofita Jeremiya akabva aenda hake.+
12 Shoko raJehovha rakabva rauya kuna Jeremiya,+ pashure pokunge muprofita Hananiya atyora joko achiribvisa pamutsipa womuprofita Jeremiya, richiti: 13 “Enda uti kuna Hananiya, ‘Zvanzi naJehovha: “Watyora majoko+ omuti, asi panzvimbo pawo uchagadzira majoko esimbi.”+ 14 Nokuti zvanzi naJehovha wemauto, Mwari waIsraeri: “Ndichaisa joko resimbi pamutsipa wemarudzi aya ose, kuti ashandire Nebhukadhinezari mambo weBhabhironi;+ uye iwo achamushandira.+ Ndichamupa kunyange mhuka dzomusango.”’”+
15 Zvino muprofita Jeremiya akati kumuprofita Hananiya:+ “Ndapota, teerera haiwa iwe Hananiya! Jehovha haana kukutuma, asi iwe waita kuti vanhu ava vavimbe nenhema.+ 16 Naizvozvo zvanzi naJehovha, ‘Tarira! Ndiri kukuendesa kure nenyika. Gore rino uchafa,+ nokuti wataura zvokupandukira Jehovha.’”+
17 Naizvozvo muprofita Hananiya akafa mugore iroro, mumwedzi wechinomwe.+