Jeremiya
47 Iri ndiro shoko raJehovha rakauya kumuprofita Jeremiya pamusoro pevaFiristiya,+ Farao asati arwisa Gaza.+ 2 Zvanzi naJehovha:
“Tarira! Mvura iri kuuya+ ichibva kuchamhembe+ uye yava rukova rwakafashamira. Ichafashamira panyika nezvizere mairi, guta nevaya vari kugara mariri.+ Vanhu vachachema, uye vose vari kugara munyika yacho vachaungudza.+ 3 Mutsindo wemahwanda emabhiza ake makono paunonzwika,+ ngoro dzake dzehondo padzinotinhira,+ iko kutinhira kwemavhiri ake,+ chokwadi vanababa havazotendeukiri kuvanakomana, nokuda kwokushaya simba kwemaoko avo, 4 nokuda kwezuva riri kuuya rokupamba vaFiristiya vose,+ rokuparadza munhu wose akapona akanga achibatsira+ muTire+ nomuSidhoni.+ Nokuti Jehovha ari kupamba vaFiristiya,+ vaya vakasara pachitsuwa cheKaftori.+ 5 Gaza+ richava nemhanza.+ Ashkeroni+ raitwa kuti rinyarare. Haiwa iwe akasara webani ravo, ucharamba uchizvicheka-cheka kusvikira rini?+
6 “Haiwa iwe, bakatwa raJehovha,+ ucharamba usina chauri kuita kusvikira rini? Pinda mumuhara mako.+ Zorora, unyarare.
7 “Ringanyarara sei, iye Jehovha akarirayira? Rakarayirwa pamusoro peAshkeroni uye pamusoro pemhenderekedzo yegungwa.+ Ndipo paakarisarudzira kuti rive.”