Ezekieri
15 Zvino shoko raJehovha rakaramba richiuya kwandiri, richiti: 2 “Mwanakomana womunhu, ko muzambiringa,+ iro davi riri pakati pemiti yomusango, wakasiyanei nemimwe miti yose? 3 Danda rokuitisa basa ringatorwa pauri here? Kana kuti vanhu vanotora pauri hoko yokuturika chero mudziyo upi zvawo here? 4 Tarira! Iwo unofanira kuiswa mumoto kuti uve huni.+ Moto uchaparadza miromo yawo miviri, uye pakati pawo pachatsva.+ Wakakodzera basa chero ripi zvaro here? 5 Tarira! Paunenge usina chawaitwa, haushandiswi pabasa chero ripi zvaro. Zvino zvakadini nepaunenge wapiswa nomoto, watsva, ungashandiswa pabasa chero ripi zvaro here!”+
6 “Naizvozvo zvanzi naChangamire Ishe Jehovha, ‘Kungofanana nomuzambiringa uri pakati pemiti yomusango, wandakaita kuti uve huni, ndizvo zvandakaitawo vagari vomuJerusarema.+ 7 Ndavatarira ndakatsamwa.+ Vakabuda mumoto, asi moto uchavaparadza.+ Imi muchaziva kuti ndini Jehovha, pandinovatarira ndakatsamwa.’”+
8 “‘Ndichaita kuti nyika ive dongo,+ nokuti vakava vasina kutendeka,’+ ndizvo zvinotaura Changamire Ishe Jehovha.”