Joshua
15 Zvino mugove+ wedzinza revanakomana vaJudha maererano nemhuri dzavo waibvira pamuganhu weEdhomu,+ renje reZini,+ kusvikira kuNegebhu+ kumugumo wokumaodzanyemba kwayo. 2 Muganhu wavo wokumaodzanyemba waibvira panogumira Gungwa roMunyu,+ panopinda nyika mugungwa pakatarira kumaodzanyemba. 3 Wakabuda uchienda kumaodzanyemba kumukwidza weAkrabhimu,+ ukapfuurira kuZini,+ ukabva kumaodzanyemba uchienda kuKadheshi-bhaneya,+ ukapfuurira kuHezroni, ukaenda kuAdhari, ukapota uchienda kuKaka. 4 Wakapfuurira kuAzmoni,+ ukabuda uchienda kumupata une rukova weIjipiti;+ uye muganhu wacho wakagumira kugungwa. Uyu wakava muganhu wavo wokumaodzanyemba.
5 Muganhu wokumabvazuva waiva Gungwa roMunyu kusvikira panogumira Jodhani, uye muganhu worutivi rwokuchamhembe waiva panopinda nyika mugungwa, panogumira Jodhani.+ 6 Muganhu wacho wakaenda kuBheti-hogra+ ukapfuura nokuchamhembe kweBheti-arabha,+ uye muganhu wacho wakaenda kudombo raBhohani+ mwanakomana waRubheni. 7 Muganhu wacho wakaenda kuDhebhiri kubani reAkori,+ ukatsaukira kuchamhembe uchienda kuGirigari,+ riri pakatarisana nomukwidza weAdhumimu, iri kumaodzanyemba kwomupata une rukova; uye muganhu wacho wakapfuurira kumvura yeEni-shemeshi,+ ukagumira kuEni-rogeri.+ 8 Muganhu wacho wakaenda kumupata womwanakomana waHinomu+ kunzvimbo yakatenuka yevaJebhusi+ kumaodzanyemba, kureva Jerusarema;+ uye muganhu wacho wakakwira pamusoro pegomo rakatarisana nomupata waHinomu kumavirira, uri panogumira bani revaRefaimu+ kuchamhembe. 9 Muganhu wacho wakatarwa kubvira pamusoro pegomo racho kusvikira kuchitubu chemvura yeNeftoa,+ ukabuda uchienda kumaguta eGomo reEfroni; uye muganhu wacho wakatarwa uchienda kuBhaara,+ kureva Kiriyati-jearimu.+ 10 Muganhu wacho wakapota uchibva kuBhaara kumavirira uchienda kuGomo reSeiri ukapfuurira kunzvimbo yakatenuka yeGomo reJeyarimu kuchamhembe, kureva Kesaroni; uye wakaburukira kuBheti-shemeshi+ ukapfuurira kuTimna.+ 11 Muganhu wacho wakabuda uchienda kunzvimbo yakatenuka yeEkroni+ kuchamhembe, uye muganhu wacho wakatarwa uchienda kuShikeroni, ukapfuurira kuGomo reBhaara, ukabuda uchienda kuJabneeri; uye muganhu wacho wakagumira kugungwa.
12 Muganhu wokumavirira waiva kuGungwa Guru+ nenyika yaro yepamhenderekedzo. Uyu ndiwo waiva muganhu wevanakomana vaJudha maererano nemhuri dzavo, kumativi ose.
13 Zvino Joshua arayirwa naJehovha, akapa Karebhi+ mwanakomana waJefune mugove pakati pevanakomana vaJudha, kureva Kiriyati-abha (zvinonzi Abha aiva baba vaAnaki), kureva Hebroni.+ 14 Naizvozvo Karebhi akadzinga vanakomana vatatu vaAnaki+ imomo, vaiti, Sheshai+ naAhimani naTarimai,+ vaya vakaberekerwa Anaki.+ 15 Akabva ipapo akaenda kuvagari vokuDhebhiri.+ (Izvozvo zvisati zvaitika Dhebhiri rainzi Kiriyati-seferi.)+ 16 Karebhi akati: “Munhu anorwisa Kiriyati-seferi akaritora, ndichamupa mwanasikana wangu Akisa+ kuti ave mudzimai wake.” 17 Otinieri+ mwanakomana waKenazi,+ mwana womunun’una waKarebhi, akabva aritora. Naizvozvo akamupa mwanasikana wake Akisa+ kuti ave mudzimai wake. 18 Paakanga achienda kumba, akaramba achimukurudzira kuti akumbire munda kuna baba vake. Akabva aombera ari pambongoro. Karebhi akabva ati kwaari: “Unodei?”+ 19 Nokudaro akati: “Ndipei chikomborero, nokuti makandipa chikamu chomunda chokumaodzanyemba, saka ndipei Guroti-maimu.” Naizvozvo akamupa Guroti Yokumusoro neGuroti Yokuzasi.+
20 Iyi ndiyo yaiva nhaka+ yedzinza revanakomana vaJudha+ maererano nemhuri dzavo.
21 Maguta okumucheto edzinza revanakomana vaJudha nechokumuganhu weEdhomu+ kumaodzanyemba aiva Kabhuzeeri+ neEdheri neJaguri, 22 neKina neDhimona neAdhadha, 23 neKedheshi neHazori neItinani, 24 Zifi neTeremu+ neBheyaroti, 25 neHazori-hadhata neKeriyoti-hezroni, kureva Hazori, 26 Amamu neShema neMoradha,+ 27 neHazari-gadha neHeshmoni neBheti-pereti,+ 28 neHazari-shuari+ neBheeri-shebha+ neBhiziyotiya, 29 Bhaara+ neIimu neEzemu,+ 30 neEritoradhi neKesiri neHoma,+ 31 neZikragi+ neMadmana neSansana, 32 neRebhaoti neShirihimu neAini+ neRimoni;+ maguta acho ose aiva makumi maviri nemapfumbamwe, pamwe chete nemisha yawo.
33 MuShefera+ maiva neEshtaori+ neZora+ neAshna, 34 neZanoa+ neEni-ganimu, Tapua neEnamu, 35 Jamuti+ neAdhuramu,+ Soko+ neAzeka,+ 36 neShaaraimu+ neAdhitaimu neGedhera neGedherotaimu; maguta gumi nemana nemisha yawo.
37 Zenani neHadhasha neMigdhari-gadhi, 38 neDhireyani neMizpe neJokteeri, 39 Rakishi+ neBhozkati+ neEgroni,+ 40 neKabhoni neRamamu neKitrishi, 41 neGedheroti, Bheti-dhagoni neNaama neMakedha;+ maguta gumi nematanhatu nemisha yawo.
42 Ribna+ neEteri+ neAshani, 43 neIfta neAshna neNezibhi, 44 neKeira+ neAkzibhu+ neMarisha;+ maguta mapfumbamwe nemisha yawo.
45 Ekroni+ nemataundi aiva pasi paro nemisha yaro. 46 Kubvira kuEkroni zvichienda kumavirira ose ari pedyo neAshdhodhi nemisha yawo.
47 Ashdhodhi,+ mataundi aiva pasi paro nemisha yaro; Gaza,+ mataundi aiva pasi paro nemisha yaro, kusvikira kumupata une rukova weIjipiti, uye Gungwa Guru nenzvimbo iri pedyo.+
48 Munzvimbo ine makomo, Shamiri neJatiri+ neSoko, 49 neDhana neKiriyati-sana, kureva Dhebhiri, 50 neAnabhu neEshtemo+ neAnimu, 51 neGosheni+ neHoroni neGiro;+ maguta gumi nerimwe nemisha yawo.
52 Arabhu neDhuma neEshani, 53 neJanimu neBheti-tapua neAfeka, 54 neHumuta neKiriyati-abha, kureva Hebroni,+ neZiori; maguta mapfumbamwe nemisha yawo.
55 Maoni,+ Kameri neZifi+ neJuta, 56 neJezreeri neJokdheyamu neZanoa, 57 Keini, Gibhiya neTimna;+ maguta gumi nemisha yawo.
58 Harihuri, Bheti-zuri neGedhori, 59 neMaarati neBheti-anoti neEritekoni; maguta matanhatu nemisha yawo.
60 Kiriyati-bhaari,+ kureva Kiriyati-jearimu,+ neRabha; maguta maviri nemisha yawo.
61 Murenje maiva neBheti-arabha,+ Midhini neSekaka, 62 neNibshani neGuta roMunyu neEni-gedhi;+ maguta matanhatu nemisha yawo.
63 Vanakomana vaJudha havana kukwanisa kudzinga+ vaJebhusi+ vaigara muJerusarema;+ uye vaJebhusi vachiri kugara nevanakomana vaJudha muJerusarema kusvikira nhasi.