1 Samueri
5 Zvino vaFiristiya vakatora areka+ yaMwari wechokwadi vakaenda nayo kuAshdhodhi+ ichibva kuEbhenezeri. 2 VaFiristiya vakatora areka yaMwari wechokwadi, vakaipinza mumba maDhagoni, vakaigadzika padivi paDhagoni.+ 3 VaAshdhodhi vakafumomuka zuva rakatevera racho, vakaona Dhagoni akawira pasi nechiso chake pamberi peareka yaJehovha.+ Naizvozvo vakatora Dhagoni vakamudzorera panzvimbo yake.+ 4 Pavakafumomuka zuva rakatevera racho, vakaona Dhagoni akawira pasi nechiso chake pamberi peareka yaJehovha, musoro waDhagoni nezvanza zvemaoko ake ari maviri zvagurika, zviri pachikumbaridzo.+ Chikamu chakaita sehove ndicho chete chakanga chasara paari. 5 Ndokusaka vapristi vaDhagoni navose vaya vanopinda mumba maDhagoni vasingatsiki pachikumbaridzo chaDhagoni muAshdhodhi kusvikira nhasi.
6 Zvino ruoko rwaJehovha+ rwakatambudza vaAshdhodhi kwazvo, uye akatanga kuvavhundutsa nokuita kuti vabude mamota okumagaro,+ kureva Ashdhodhi nenharaunda dzaro. 7 Varume vokuAshdhodhi vakaona kuti zvaiva saizvozvo, vakati: “Musarega areka yaMwari waIsraeri ichigara nesu, nokuti ruoko rwake rwave ruchititambudza isu naDhagoni mwari wedu.”+ 8 Naizvozvo vakatumira shoko, vakaunganidzira madzishe ose akabatana evaFiristiya kwavaiva, vakati: “Toitei neareka yaMwari waIsraeri?” Ivo vakazoti: “Areka yaMwari waIsraeri ngaiende nechokuGati.”+ Naizvozvo vakaendesa areka yaMwari waIsraeri ikoko.
9 Zvino pashure pokunge vaiendesa ikoko, ruoko rwaJehovha+ rwakavhiringidza guta racho kwazvo, akatanga kurova vanhu veguta racho, kubvira kuvaduku kusvikira kuvakuru, vakabudawo mamota.+ 10 Nokudaro vakatumira areka yaMwari wechokwadi kuEkroni.+ Areka yaMwari wechokwadi payakangosvika kuEkroni, vaEkroni vakatanga kuchema, vachiti: “Vaunza areka yaMwari waIsraeri kwandiri kuti vandiuraye ini nevanhu vangu!”+ 11 Naizvozvo vakatumira shoko, vakaunganidza madzishe ose akabatana evaFiristiya vakati: “Endesai areka yaMwari waIsraeri kuti idzokere kunzvimbo yayo, irege kundiuraya, ini nevanhu vangu.” Nokuti kuvhiringidzika kunouraya kwakanga kwaitika muguta rose;+ ruoko rwaMwari wechokwadi rwakanga rwavatambudza kwazvo ikoko,+ 12 uye vanhu vasina kufa vakanga vabuda mamota.+ Kuchemera kubatsirwa+ kweguta kwakaramba kuchikwira kumatenga.