Genesisi 4:10 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 10 Iye akati: “Waitei? Teerera! Ropa romunun’una wako riri kushevedzera kwandiri riri panyika.+ Genesisi 42:22 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 22 Rubheni akabva avapindura kuti: “Handina here kuti kwamuri, ‘Musatadzira mwana,’ asi hamuna kuteerera?+ Zvino ropa rake, tarirai riri kubvunzwa.”+ Zvirevo 6:17 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 17 maziso anozvikudza,+ rurimi runoreva nhema,+ maoko anoteura ropa risina mhosva,+
22 Rubheni akabva avapindura kuti: “Handina here kuti kwamuri, ‘Musatadzira mwana,’ asi hamuna kuteerera?+ Zvino ropa rake, tarirai riri kubvunzwa.”+