Eksodho 23:11 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 11 Asi gore rechinomwe unofanira kuusiya usina kurimwa, unofanira kuuradza,+ uye varombo pavanhu vako vachadya zvinobva mauri; mhuka dzomusango dzichadya zvavanosiya.+ Uite saizvozvowo nomunda wako wemizambiringa nomunda wako wemiorivhi. Revhitiko 23:22 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 22 “‘Zvino pamunokohwa goho renyika yenyu, usakohwa uchipedzeredza kumucheto kwomunda wako paunenge uchikohwa, uye usanhonga zvinosaririra zvegoho rako.+ Uzvisiyire anotambudzika+ nomutorwa.+ Ndini Jehovha Mwari wenyu.’” Dheuteronomi 24:19 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 19 “Kana ukakohwa goho rako mumunda mako,+ ukakanganwa chisote mumunda macho, usadzokera kunochitora. Ngachisare kuti chive chomutorwa, nherera nechirikadzi;+ kuti Jehovha Mwari wako akukomborere pamabasa ose oruoko rwako.+
11 Asi gore rechinomwe unofanira kuusiya usina kurimwa, unofanira kuuradza,+ uye varombo pavanhu vako vachadya zvinobva mauri; mhuka dzomusango dzichadya zvavanosiya.+ Uite saizvozvowo nomunda wako wemizambiringa nomunda wako wemiorivhi.
22 “‘Zvino pamunokohwa goho renyika yenyu, usakohwa uchipedzeredza kumucheto kwomunda wako paunenge uchikohwa, uye usanhonga zvinosaririra zvegoho rako.+ Uzvisiyire anotambudzika+ nomutorwa.+ Ndini Jehovha Mwari wenyu.’”
19 “Kana ukakohwa goho rako mumunda mako,+ ukakanganwa chisote mumunda macho, usadzokera kunochitora. Ngachisare kuti chive chomutorwa, nherera nechirikadzi;+ kuti Jehovha Mwari wako akukomborere pamabasa ose oruoko rwako.+