10 Naizvozvo ndakamira pedyo naye ndikamuuraya,+ nokuti ndakanga ndichiziva kuti akanga asingazorarami pashure pokunge awa. Ndakabva ndatora korona+ yakanga iri mumusoro make nechishongo chakanga chiri muruoko rwake, kuti ndiuye nazvo kuno kunashe wangu.”