1 Madzimambo 12:20 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 20 Zvino vaIsraeri vose pavakangonzwa kuti Jerobhoamu akanga adzoka, vakabva vatumira shoko, vakamushevedza kuti auye kuungano, vakamuita mambo wevaIsraeri vose.+ Hapana akava muteveri weimba yaDhavhidhi kunze kworudzi rwaJudha chete.+ 2 Makoronike 10:18 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 18 Mambo Rehobhoamu akazotuma Hadhoramu,+ aitarisira vaya vakanga vatorwa nokuda kwebasa rokumanikidzirwa, asi vanakomana vaIsraeri vakamutema nematombo,+ zvokuti akafa. Mambo Rehobhoamu akakwanisa kukwira mungoro yake kuti atizire kuJerusarema.+
20 Zvino vaIsraeri vose pavakangonzwa kuti Jerobhoamu akanga adzoka, vakabva vatumira shoko, vakamushevedza kuti auye kuungano, vakamuita mambo wevaIsraeri vose.+ Hapana akava muteveri weimba yaDhavhidhi kunze kworudzi rwaJudha chete.+
18 Mambo Rehobhoamu akazotuma Hadhoramu,+ aitarisira vaya vakanga vatorwa nokuda kwebasa rokumanikidzirwa, asi vanakomana vaIsraeri vakamutema nematombo,+ zvokuti akafa. Mambo Rehobhoamu akakwanisa kukwira mungoro yake kuti atizire kuJerusarema.+