13 Hezekiya akavateerera, akavaratidza imba yake yose yepfuma,+ sirivha nendarama+ nemafuta ebharisamu+ nemafuta akanaka neimba yake yezvombo nezvose zvaiva papfuma yake. Hapana chinhu chavasina kuratidzwa naHezekiya muimba yake uye munzvimbo yake yose yaaitonga.+