Nehemiya 5:15 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 15 Kana ari aimbova magavhuna akanga anditangira, akanga aremedza vanhu, uye zuva nezuva akaramba achitora kwavari mashekeri makumi mana esirivha nokuda kwezvokudya newaini. Uyewo, vashandi vavo vaidzvinyirira vanhu.+ Asi ini handina kuita izvozvo+ nokuti ndaitya Mwari.+ Muparidzi 4:1 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 4 Zvino ini ndakafungazve kuti ndione mabasa ose okudzvinyirira+ anoitwa pasi pezuva, uye kwaiva nemisodzi yevaya vaidzvinyirirwa,+ asi vakanga vasina munyaradzi;+ uye vadzvinyiriri vavo vaiva nesimba, zvokuti ivo vakanga vasina munyaradzi. Amosi 4:1 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 4 “Inzwai shoko iri, imi mhou dzokuBhashani,+ muri pagomo reSamariya,+ muri kubiridzira vanhu vakaderera,+ muri kudzvinyirira varombo, muri kuti kuna vanatenzi venyu, ‘Uyai nazvo tinwe!’
15 Kana ari aimbova magavhuna akanga anditangira, akanga aremedza vanhu, uye zuva nezuva akaramba achitora kwavari mashekeri makumi mana esirivha nokuda kwezvokudya newaini. Uyewo, vashandi vavo vaidzvinyirira vanhu.+ Asi ini handina kuita izvozvo+ nokuti ndaitya Mwari.+
4 Zvino ini ndakafungazve kuti ndione mabasa ose okudzvinyirira+ anoitwa pasi pezuva, uye kwaiva nemisodzi yevaya vaidzvinyirirwa,+ asi vakanga vasina munyaradzi;+ uye vadzvinyiriri vavo vaiva nesimba, zvokuti ivo vakanga vasina munyaradzi.
4 “Inzwai shoko iri, imi mhou dzokuBhashani,+ muri pagomo reSamariya,+ muri kubiridzira vanhu vakaderera,+ muri kudzvinyirira varombo, muri kuti kuna vanatenzi venyu, ‘Uyai nazvo tinwe!’