20 “Efremu mwanakomana anokosha kwandiri, kana kuti mwana anodiwa here?+ Nokuti kusvikira pakutaura kwangu ndichipesana naye ndichamuyeukazve.+ Ndokusaka ura hwangu hwava husina kugadzikana nokuda kwake.+ Chokwadi ndichamunzwira tsitsi,”+ ndizvo zvinotaura Jehovha.