21 Naizvozvo Mambo Zedhekiya akarayira, vakabva vachengetesa Jeremiya muChivanze cheVarindi;+ uye aipiwa chingwa cheraundi zuva nezuva chaibva kumugwagwa wevabiki,+ kusvikira chingwa chose chapera muguta.+ Jeremiya akaramba achigara muChivanze cheVarindi.+