Isaya 8:18 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 18 Tarirai! Ini nevana vandakapiwa naJehovha+ tiri zviratidzo+ nezvishamiso pakati paIsraeri, zvinobva kuna Jehovha wemauto, anogara muGomo reZiyoni.+ Ezekieri 4:3 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 3 Iwe tora gango resimbi, uite kuti rive rusvingo rwesimbi pakati pako neguta racho, unangidzire chiso chako kwariri, uye rinofanira kukombwa, uye iwe urikombe. Ichi chiratidzo kuimba yaIsraeri.+ Ezekieri 12:3 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene 3 Zvino iwe, haiwa mwanakomana womunhu, zvirongedzere mukwende wokutapwa nawo, utapwe ari masikati ivo vachizviona, utapwe uchibva panzvimbo yako uchienda kune imwe nzvimbo ivo vachizviona. Zvimwe vachaona, kunyange zvazvo vari imba inopandukira.+
18 Tarirai! Ini nevana vandakapiwa naJehovha+ tiri zviratidzo+ nezvishamiso pakati paIsraeri, zvinobva kuna Jehovha wemauto, anogara muGomo reZiyoni.+
3 Iwe tora gango resimbi, uite kuti rive rusvingo rwesimbi pakati pako neguta racho, unangidzire chiso chako kwariri, uye rinofanira kukombwa, uye iwe urikombe. Ichi chiratidzo kuimba yaIsraeri.+
3 Zvino iwe, haiwa mwanakomana womunhu, zvirongedzere mukwende wokutapwa nawo, utapwe ari masikati ivo vachizviona, utapwe uchibva panzvimbo yako uchienda kune imwe nzvimbo ivo vachizviona. Zvimwe vachaona, kunyange zvazvo vari imba inopandukira.+