10 Vavaki pavakavaka nheyo+ yetemberi yaJehovha, vapristi vaiva vakapfeka zvipfeko zvebasa,+ vaine mabhosvo,+ uye vaRevhi, ivo vanakomana vaAsafi,+ vaine makwakwakwa esimbi,+ vakabva vasimuka kuti varumbidze Jehovha maererano nokutungamirira+ kwaDhavhidhi mambo waIsraeri.