9 “Fara kwazvo, haiwa iwe mwanasikana weZiyoni.+ Shevedzera mukukunda,+ haiwa iwe mwanasikana weJerusarema. Tarira! Mambo+ wako anouya kwauri.+ Akarurama, chokwadi akaponeswa;+ anozvininipisa,+ akatasva mbongoro hono yanyatsokura, yakaberekwa nembongoro hadzi.+