32 Munguva iyi vanhu vakaona kuti Mosesi akanga achinonoka kuburuka mugomo.+ Naizvozvo vanhu vakaunganira Aroni, vakati kwaari: “Simuka, tigadzirire mwari achatitungamirira,+ nokuti Mosesi uyu, murume uya akatibudisa munyika yeIjipiti,+ hatizivi kuti chii chakaitika kwaari.”