23 Asi, kana paine mubvunzo chero upi zvawo pamusoro paTito, iye ndomumwe wangu uye wandinoshanda pamwe chete naye+ nokuda kwezvinhu zvine chokuita nemi; kana kuti zvimwe kana paine mubvunzo pamusoro pehama dzedu, ivo vaapostora veungano nokukudzwa kwaKristu.