-
Genesisi 41:18-21Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
-
-
18 Ndaona mhou nomwe dzakakora uye dzakanaka dzichibuda muna Nire, dzikatanga kufura uswa pedyo naNire.+ 19 Panga paine dzimwe mhou nomwe dzanga dzichibuda dzichidzitevera, dzanga dzisina kana utano, dzisingatarisiki uye dzakaonda. Handisati ndamboona mhou dzakaipa zvakadaro munyika yese yeIjipiti. 20 Mhou dziya dzakaondoroka uye dzakaipa dzatanga kudya mhou nomwe dzakakora dzekutanga. 21 Asi padzapedza kudzidya, hapana aigona kuziva kuti ndizvo zvadzanga dzaita, nekuti dzaramba dzakangoonda sezvadzanga dzakaita pakutanga. Ndabva ndapepuka.
-